1Ndiwo mazita avana valsiraeri vakanga vaenda Egipita: mumwe nomumwe akaenda naJakove ana veimba yake:
2Rubheni, naSimioni, naRevhi, naJudha,
3naIsakari, naZebhuruni, naBhenjamini,
4naDhani, naNafutari, naGadhi, naAsheri.
5Zvino vanhu vose vakanga vabva muchiuno chaJakove vakanga vari vanhu vana makumi manomwe; asi Josefa akanga atova Egipita.
6Zvino Josefa akafa, navana vababa vake vose, navose vakanga vane zero navo.
7Vana vaIsiraeri vakaberekana, vakawanda kwazvo, vakava nesimba guru-guru; nyika yakanga izere navo.
8Zvino paEgipitati pakamuka mumwe mambo mutsva, akanga asina kuziva Josefa.
9Iye akati kuvanhu vake, Tarirai, vanhu ava, vana vaIsiraeri, vanotipfuura isu pakuwanda nesimba;
10uyai, ngativafungire zano, varege kuwandisa, kuti kana kurwa kukamuka, ivo vangabatsirana navavengi vedu, vakarwa nesu, vakabva panyika ino.
11Naizvozvo vakagadza pamusoro pavo vatariri vebasa, kuti vavanetse nemirimo yavo. Vakavakira Farao maguta ana matura, Pitomi naRamesesi.
12Asi vachiramba vachivanetsa, ivo vakaramba vachiwanda kwazvo, vachingopararira. Vakaora moyo nokuda kwavana vaIsiraeri.
13VaEgipita vakavabatisa zvinorema;
14vakanetsa upenyu hwavo nebasa rinorema pamatope nezvitina, vachivabatisa zvinorema.
15Zvino mambo weEgipita akaudza madzimbuya avaHebheru, vainzi mumwe Shifura, mumwe Pua;
16akati, Kana muchibatsira vakadzi vavaHebheru pabasa ramadzimbuya, muchivaona pakupona, kana ari mwanakomana mumuuraye kana ari mwanasikana, ngaararame hake.
17Asi madzimbuya akanga achitya Mwari, akasaita sezvaakarairwa namambo asi vakarega vanakomana vari vapenyu havo.
18Mambo weEgipita akadana madzimbuya, akati kwavari, Makaitireiko izvozvo, mukarega vanakomana vari vapenyu?
19Madzimbuya akati kuna Farao, nekuti vakadzi vavaHebheru havana kufanana navakadzi vavaEgipita, nekuti vane simba; mbuya vasati vasvika kwavari, vatopona havo.
20Naizvozvo Mwari akaitira madzimbuya zvakanaka, vanhu vakawanda kwazvo, vakava nesimba kwazvo.
21Zvino madzimbuya zvaakanga achitya Mwari, iye akavapa mhuri.
22Farao akaraira vanhu vake vose, akati, Vanakomana vose vanozoberekwa, muvakandire murwizi, asi vasikana vose muvarege vari vapenyu havo.