1Zvino Josefa akawira pamusoro pechiso chababa vake, akachema pamusoro pake, akamutsvoda.
2Josefa akaraira varanda vake dzakanga dziri n'anga, kuti vasasike baba vake, n'anga dzikasasika Isiraeri.
3Vakapedza mazuva makumi mana naye, nekuti ndiwo aiva mazuva okusasika; navaEgipita vakamuchema mazuva makumi manomwe.
4Zvino mazuva okuchema akati apera, Josefa akataura naveimba yaFarao, akati, Zvino kana ndawana nyasha kwamuri, dorevai munzeve dzaFarao, muti,
5Baba vangu vakandipikisa, vachiti tarirai, ndofa, muguva randakazvicherera munyika yeKanani, ndimo maunofanira kundivigamo. Naizvozvo zvino donditenderai henyu kuti ndikwire, ndindoviga baba vangu, ndogodzoka.
6Farao akati, Kwira, undoviga baba vako, sezvavakakupikisa.
7Ipapo Josefa akakwira kundoviga baba vake, navaranda vose vaFarao vakakwira naye, vakuru veimba yake, navakuru venyika yeEgipita,
8naveimba yose yaJosefa, navana vababa vake, naveimba yababa vake; asi pwere dzavo dzoga, namakwai avo, nemombe dzavo, vakazvisiya panyika yeGosheni,
9ngoro navatasvi vamabhiza vakakwirawo naye, rikava boka guru-guru.
10Vakasvika paburiro raAtadhi, riri mhiri kwaJoridhani, vakamuchemapo nokuchema kukuru kwazvo; akachema baba vake mazuva manomwe.
11Zvino vanhu vaigara panyika yeKanani vakati vachiona kuchema ikoko paburiro raAtadhi, vakati, Kuchema uku kukuru ndokwavaEgipita; naizvozvo nzvimbo iyoyo ikatumidzwa Abherimiziraimu, iri mhiri kwaJoridhani.
12Vanakomana vake vakamuitira sezvaakanga avaraira;
13nekuti vanakomana vake vakandomuisa kunyika yeKanani, vakamuviga mubako romunda weMakapera, riya rakatengwa naAbhurahamu, pamwechete nomunda kuna Efuroni muHeti, pakatarisana neMamure, kuti zvive zvake, ive nzvimbo yake yokuviga.
14Zvino Josefa akati aviga baba vake, akadzokera Egipita, iye navakoma vake, navose vakanga vakwira naye kundoviga baba vake.
15Zvino vakoma vaJosefa vakati vachiona kuti baba vavo vafa, vakati, Zvimwe Josefa achativenga, nokutitsiva kwazvo zvakaipa zvose zvatakamuitira.
16Naizvozvo vakatuma shoko kuna Josefa, vachiti, Baba venyu vakaraira, vasati vafa, vachiti,
17Taurai naJosefa, muti, Zvino dokangamwirai henyu kutadza kwavakoma venyu; nezvivi zvavo, nekuti vakakuitirai zvakaipa; zvino dokangamwirai kutadza kwavaranda vaMwari wababa venyu. Josefa akachema pakutaura kwavo naye.
18Vakuru vake vakaendawo, vakawira pasi pamberi pake, vakati, Tarirai, tiri varanda venyu.
19Josefa akati kwavari, Musatya, nekuti ini ndiri pachigaro chaMwari here?
20Kana murimwi, makandifungira zvakaipa, asi Mwari akafunga kuti zvive zvakanaka, kuti zviitwe sezvinoitwa nhasi, kuti vanhu vazhinji vararamiswe.
21Naizvozvo zvino musatya, ndichakuchengetai, nepwere dzenyu. Akavanyaradza, akataura navo nomoyo wakanaka.
22Josefa akagara Egipita, iye naveimba yababa vake; Josefa akagara makore ane zana negumi.
23Josefa akaona vana vaEfuremu vorudzi rwechitatu, navana vaMakiri, mwanakomana waManase, vakaberekerwa pamabvi aJosefa.
24Josefa akati kuhama dzake, Ndofa, asi Mwari achakumutsai zvirokwazvo, nokukubudisai panyika ino, muende kunyika yaakapikira Abhurahamu naIsaka, naJakove.
25Josefa akapikisa vana vaIsiraeri, akati, Mwari achakumutsai zvirokwazvo, nemwi mutakure mafupa angu abve pano.
26Ipapo Josefa akafa, ava namakore ane zana negumi; vakamusasika, akaiswa mubhokisi paEgipita.