Shona

Swahili: New Testament

Genesis

50

1Zvino Josefa akawira pamusoro pechiso chababa vake, akachema pamusoro pake, akamutsvoda.
2Josefa akaraira varanda vake dzakanga dziri n'anga, kuti vasasike baba vake, n'anga dzikasasika Isiraeri.
3Vakapedza mazuva makumi mana naye, nekuti ndiwo aiva mazuva okusasika; navaEgipita vakamu­chema mazuva makumi manomwe.
4Zvino mazuva okuchema akati apera, Josefa akataura naveimba yaFarao, akati, Zvino kana ndawana nyasha kwa­muri, dorevai munzeve dzaFarao, muti,
5Baba vangu vakandipikisa, vachiti tari­rai, ndofa, muguva randakazvicherera munyika yeKanani, ndimo maunofanira kundivigamo. Naizvozvo zvino dondite­nderai henyu kuti ndikwire, ndindoviga baba vangu, ndogodzoka.
6Farao akati, Kwira, undoviga baba vako, sezvavakakupikisa.
7Ipapo Josefa akakwira kundoviga baba vake, navaranda vose vaFarao va­kakwira naye, vakuru veimba yake, na­vakuru venyika yeEgipita,
8naveimba yose yaJosefa, navana vababa vake, naveimba yababa vake; asi pwere dzavo dzoga, namakwai avo, nemombe dzavo, vaka­zvisiya panyika yeGosheni,
9ngoro nava­tasvi vamabhiza vakakwirawo naye, ri­kava boka guru-guru.
10Vakasvika paburiro raAtadhi, riri mhiri kwaJoridhani, vakamuchemapo nokuchema kukuru kwazvo; akachema baba vake mazuva manomwe.
11Zvino vanhu vaigara panyika yeKanani vakati vachiona kuchema ikoko paburiro raAtadhi, vakati, Kuchema uku kukuru ndokwavaEgipita; naizvozvo nzvimbo iyoyo ikatumidzwa Abherimiziraimu, iri mhiri kwaJoridhani.
12Vanakomana vake vakamuitira sezvaakanga avaraira;
13nekuti vanakomana vake vakando­muisa kunyika yeKanani, vakamuviga mubako romunda weMakapera, riya ra­katengwa naAbhurahamu, pamwechete nomunda kuna Efuroni muHeti, pakata­risana neMamure, kuti zvive zvake, ive nzvimbo yake yokuviga.
14Zvino Josefa akati aviga baba vake, akadzokera Egipita, iye navakoma vake, navose vakanga vakwira naye ku­ndoviga baba vake.
15Zvino vakoma vaJosefa vakati vachiona kuti baba vavo vafa, vakati, Zvimwe Josefa achative­nga, nokutitsiva kwazvo zvakaipa zvose zvatakamuitira.
16Naizvozvo vakatuma shoko kuna Josefa, vachiti, Baba venyu vakaraira, vasati vafa, vachiti,
17Taurai naJosefa, muti, Zvino dokangamwirai henyu kutadza kwavakoma venyu; ne­zvivi zvavo, nekuti vakakuitirai zva­kaipa; zvino dokangamwirai kutadza kwa­varanda vaMwari wababa venyu. Josefa akachema pakutaura kwavo naye.
18Vakuru vake vakaendawo, vaka­wira pasi pamberi pake, vakati, Tarirai, tiri varanda venyu.
19Josefa akati kwavari, Musatya, nekuti ini ndiri pachigaro chaMwari here?
20Kana murimwi, makandifungira zvakaipa, asi Mwari akafunga kuti zvive zvakanaka, kuti zviitwe sezvinoitwa nhasi, kuti vanhu vazhinji vararamiswe.
21Naizvozvo zvino musatya, ndichaku­chengetai, nepwere dzenyu. Akavanya­radza, akataura navo nomoyo waka­naka.
22Josefa akagara Egipita, iye navei­mba yababa vake; Josefa akagara makore ane zana negumi.
23Josefa akaona vana vaEfuremu vorudzi rwechitatu, navana vaMakiri, mwanakomana waManase, va­kaberekerwa pamabvi aJosefa.
24Josefa akati kuhama dzake, Ndofa, asi Mwari achakumutsai zvirokwazvo, nokukubudi­sai panyika ino, muende kunyika yaaka­pikira Abhurahamu naIsaka, naJakove.
25Josefa akapikisa vana vaIsiraeri, akati, Mwari achakumutsai zvirokwazvo, nemwi mutakure mafupa angu abve pano.
26Ipapo Josefa akafa, ava namakore ane zana negumi; vakamusasika, akaiswa mubhokisi paEgipita.