1Zvino Jakove akadana vanakomana vake, akati, Unganai, ndikuudzei zvamuchaitirwa namazuva anotevera.
2Unganai, munzwe imwi vanakomana vaJakove, Teererai Isiraeri, baba venyu.
3Rubheni, iwe uri dangwe rangu, simba rangu, nokutanga kwesimba rangu; Ukuru hwokukudzwa, noukuru hwesimba;
4Unotutuma semvura, haungavi noukuru; nekuti wakakwira kuuvato hwababa vako, Ukahusvibisa; wakakwira kumubhedha wangu.
5Simioni naRevhi vana vamai vamwe; Minondo yavo inhumbi dzokurwa nesimba.
6Mweya wangu, rega kupinda pakurangana kwavo. Kukudzwa kwangu, rega kusanganiswa neungano dzavo; nekuti pakutsamwa kwavo vakauraya vanhu, Nokuda kwavo vakagura marunda emombe.
7Kutsamwa kwavo ngakutukwe, nekuti kwakanga kuri kukuru; Nehasha dzavo, nekuti dzakanga dzakaipa; Ndichavaparadzanisa pakati paJakove, nokuvaparadzira pakati paIsiraeri.
8Iwe Judha, ucharumbidzwa nehama dzako; Ruoko rwako ruchava pamitsipa yavavengi vako, Vana vababa vako vachakotamira pamberi pako.
9Judha mwana weshumba; Iwe mwanakomana wangu, wakwira uchibva pane zvakaurawa; Wakakotama, wakanyanga seshumba, Seshumbakadzi; ndianiko achamumutsa?
10Tsvimbo youshe haingabvi kuna Judha, Kana mudonzvo, womubati pakati petsoka dzake, Kusvikira Shiro auya; Ndudzi dzose dzavanhu dzichamuerera iye.
11Unosungira sheche redhongi rake pamuzambiringa, Nomwana wedhongi rake pamuzambiringa wakaisvonaka; Wakasuka nguvo dzake newaini, Nezvokufuka zvake muropa ramazambiringa.
12Meso ake achatsvuka newaini, Meno ake achachena nomukaka.
13Zebhuroni uchagara pamahombekombe egungwa; iye achava mahombekombe panopinda zvikepe; Muganhu wake uchasvika paSidhoni.
14Isakari idhongi rine simba, rinovata pasi, pakati pematanga emakwai;
15Akaona zororo kuti rakanaka, Nenyika kuti inofadza, Akarerekera fudzi rake kuti atakure, akava mubatiri wechibharo.
16Dhani achatonga mhaka dzavanhu vake, Sorumwe rwamarudzi alsiraeri.
17Dhani achava senyoka munzira, Semvumbi mugwara, Inoruma zvitsitsinho zvebhiza; Kuti mutasvi waro awire pasi neshure.
18Ndakamirira ruponeso rwenyu imwi Jehovha.
19Gadhi achavambwa nehondo, Asi iye achavavamba pazvitsitsinho zvavo.
20Asheri achava nezvokudya zvakakora; Iye achauya nezvinonaka zvinofanira madzishe.
21Nafutari isheche yemhembwe yakasununguka, Anotaura mashoko akanaka.
22Josefa idavi rinobereka, Idavi rinobereka patsime; matavi ake anodarika madziro.
23Vapfuri nouta vakamutambudza kwazvo, Vakamupfura, vakamuvenga;
24asi uta hwake hwakaramba hune simba, Maoko ezvanza zvake akasimbiswa Namaoko oWamasimbaose waJakove (Ndipo panobva Mufudzi, neBwe raIsiraeri),
25Mwari wababa vako achakubatsira; Wamasimbaose, achakuropafadza, Neropafadzo dzinobva kudenga kumusoro, Ropafadzo dzinobva pamvura yakadzika iri pasi, Ropafadzo dzamazamu nedzechizvaro.
26Ropafadzo dzababa vako Dzinopfuura ropafadzo dzamateteguru angu, kusvikira kumugumo wamakomo asingaperi; dzichagara pamusoro waJosefa, Pamusoro waiye aiva muchinda pakati pehama dzake.
27Bhenjamini ibere rinoparadza; Mangwanani achadya chakaurawa, Madeko achagovera zvaakapamba.
28Ava vose ndiwo marudzi ane gumi namaviri alsiraeri; ndizvo zvakataura baba vavo kwavari, akavaropafadza; vakaropafadza mumwe nomumwe nokuropafadzwa kwake.
29Akavaraira, akati kwavari, Ini ndobva ndosanganiswa navanhu vangu; mundondiviga kuna madzibaba angu, mubako riri mumunda waEfuroni, muHeti,
30bako riri mumunda weMakapera, pakatarisana neMamure, panyika yeKanani, riya rakatengwa naAbhurahamu pamwechete nomunda kuna Efuroni, muHeti, kuti zvive zvake, ive nzvimbo yake yokuviga;
31ndipo pavakaviga Abhurahamu naSara, mukadzi wake; ndipo pavakaviga Isaka naRabheka, mukadzi wake; ndipo pandakaviga Rea;
32munda uya nebako riri mukati mawo, zvakatengwa kuvana vaHeti.
33Zvino Jakove akati apedza kuraira vanakomana vake, akadzosera tsoka dzake pauvato, mweya wake ukabuda, akasanganiswa navanhu vake