Shona

Swahili: New Testament

Genesis

35

1Zvino Mwari wakati kuna Jakove: Simuka, ukwire kuBheteri, ugonogara ikoko; ugoitira ipapo aritari Mwari wakaonekera kwauri pawai­tiza pachiso chaEsau mukoma wako.
2Jakove ndokuti kuimba yake nevose vaiva naye: Bvisai vamwari vendudzi vari pakati penyu, muzvinatse, mufuke dzimwe nguvo.
3Ngatisi­muke, tikwire kuBheteri; ndichaitira ipapo Mwari aritari, iye wakandipindura pazuva rekutambudzika kwangu, uye wakava neni panzira yandaifamba nayo.
4Zvino vakapa Jakove vamwari vose vendudzi vaiva pamaoko avo, nemhete dzaiva panzeve dzavo; Jakove akazviviga pasi pemuouki* waiva paShekemu.
5Zvino vakafamba; uye kutya Mwari kwaiva pamusoro pemaguta akavapoteredza, uye havana kudzingirira vanakomana vaJakove.
6Jakove ndokusvika paRuzi, riri panyika yeKanani, ndiro Bheteri, iye nevanhu vose vaiva naye.
7Zvino wakavakapo aritari, akatumidza nzvimbo kuti Eri-Bheteri, nekuti ipapo Mwari wakaonekera kwaari pakutiza kwake pachiso chemu­koma wake.
8Zvino Debhora mureri waRa­bheka wakafa, akavigwa zasi kweBheteri munyasi memuouki; naizvozvo wakatumidza zita rapo Aronibhakuti.
9Zvino Mwari wakazviratidzazve kuna Jakove pakubva kwake Padhani-Aramu, akamuropafadza.
10Mwari ndokuti kwaari: Zita rako ndiJakove; zita rako harichazonzi Jakove, asi Isiraeri richava zita rako; akatumidza zita rake kuti Isiraeri.
11Zvino Mwari akati kwaari: Ndini Mwari Wemasimbaose; bereka uwa­nde; rudzi, hongu, boka rendudzi zvichabva kwauri, nemadzishe achabuda pachiuno chako.
12Uye nyika yandakapa Abhurahamu naIsaka ndichapa kwauri, nekumbeu yako shure kwako ndichaipa nyika.
13Mwari ndokukwira achibva kwaari panzvimbo paakataura naye.
14Jakove ndoku­misa mbiru panzvimbo paakataura naye, mbiru yebwe; akadurura pamusoro payo chipiriso chechinwiwa, akadi­ra pamusoro payo mafuta.
15Jakove ndokutumidza zita renzvimbo Mwari paakataura naye, Bheteri.
16Zvino vakafamba vachibva Bheteri; chichiri chi­nhambo kusvika Efurata; Rakeri akapona, akarwadziwa pakupona.
17Zvino zvikaitika pakurwadziwa achipona, kuti nyamukuta wakati kwaari: Usatya, nekuti uchava nemwanakomanazve.
18Zvino zvakaitika mweya wake wobuda, nekuti wakafa, kuti wakatumidza zita rake Bhenoni; asi baba vake vakamutumidza Bhenjamini.
19Rakeri ndokufa, akavigwa panzira inoenda Efurata, ndiro Bhetere­hemu.
20Jakove ndokumisa mbiru pa­musoro peguva rake; ndiyo mbiru yeguva raRakeri kusvikira zuva ranhasi.
21Isiraeri ndokufamba, akadzika tende rake mhiri kweshongwe yeEdheri.
22Zvino zvakaitika Isiraeri agere munyika, kuti Rubheni wakaenda akanorara naBhiriha, murongo wababa vake, Isiraeri ndokuzvinzwa.
23vanakomana vaRea: Rubheni, dangwe raJakove, naSimioni, naRevhi, naJudha, nalsakari, naZebhu­roni;
24vanakomana vaRakeri: Josefa naBhenjamini;
25uye vanakomana vaBhiriha, murandakadzi waRakeri: Dhani naNafu­tari;
26uye vanakomana vaZiripa, muranda­kadzi waRea: Gadhi naAsheri. Ndivo vanakomana vaJakove, vaakaberekerwa paPadhani-Aramu.
27Jakove ndokusvika kuna Isaka baba vake paMamure, paKi­riyati-Abha ndiro Hebhuroni, Abhurahamu paaigara naIsaka vari vato­rwa.
28Zvino mazuva aIsaka aiva makore zana nemakumi masere.
29Isaka ndokupera, akafa, akaunganidzwa pamarudzi ekwake, akwegura, azara nemazuva; vanakomana vake Esau naJakove vakamuviga.