Shona

Swahili: New Testament

Genesis

36

1Ndiwoka marudzi aEsau unova Edhomu:
2Esau wakatora vakadzi vake kuvakunda veKanani, Adha, mukunda waEroni muHeti, naHoribhama mukunda waAna, mukunda waZibhioni muHivhi,
3naBhasimati mukunda waIshimaeri hanzvadzi yaNebhayoti.
4Adha ndokubereka Esau Erifazi; Bhasimati ndokubereka Rueri;
5Ohori­bhama ndokubereka Jeushi naJarami naKora; ava vanakomana vaEsau, vaakaberekerwa panyika yeKanani.
6Zvino Esau wakatora vakadzi vake nevanakomana vake nevakunda vake, nemweya yose yeimba yake, nemombe dzake nezvipfuwo zvake zvose, nenhumbi dzake dzose dzaakange awana munyika yeKanani, ndokuenda kune imwe nyika achibva pachiso chaJakove munin'ina wake.
7Nekuti zvipfuwo zvavo zvakange zvakawanda zvokuti vaiva vasingagoni kugara pamwe, uye nyika yeutorwa hwavo yakange isingagoni kuvatakura nekuda kwezvipfuwo zvavo.
8Esau ndokugara kugomo reSeiri; Esau ndiye Edhomu.
9Zvino awa marudzi aEsau, baba vevaEdhomu, kugomo reSeiri;
10awa mazita evanakomana vaEsau, Erifazi mwana­komana waAdha mukadzi waEsau, Rueri mwanakomana waBhasimati mukadzi waEsau.
11Nevanakomana vaEri­fazi vaiva Temani, Omari, Zefo, naGatamu, naKenazi.
12Zvino Timuna waiva murongo waErifazi, mwanakomana waEsau; wakaberekera Erifazi muAma­reki; ava vanakomana vaAdha muka­dzi waEsau.
13Zvino ava vanakomana vaRueri, Nahati naZera, Shama naMiza; ava vanakomana vaBhasimati mukadzi waEsau.
14Zvino ava madzishe evana vaOhoribhama mu­kunda waAna, mukunda waZibhioni mukadzi waEsau; ndokuberekera Esau Jeushi naJarami naKora.
15Awa madzishe pakati evana vaEsau: Vanakomana vaErifazi dangwe raEsau: Ishe Temani, ishe Omari, ishe Zefo, ishe Kenazi,
16ishe Kora, ishe Gatamu, ishe Amareki; awa madzishe aErifazi munyika yeEdhomu; ava vanakomana vaAdha.
17Uye ava vanakomana vaRueri mwanakomana waEsau: Ishe Nahati, ishe Zera, ishe Shama, ishe Miza; aw madzishe aRueri munyika yeEdhomu; ava vanakomana vaBhasi­mati mukadzi waEsau.
18Uye ava vanakomana vaOhori­bhama, mukadzi waEsau: Ishe Jeushi, ishe Jarami, ishe Kora; ava madzi­she aOhoribhama, mukunda waAna, mukadzi waEsau.
19Ava vanakomana vaEsau, uye madzishe avo; unova Edhomu.
20Ava vanakomana vaSeiri muHori, vagari venyika: Rotani naSho­bharu naZibhioni naAna
21naDhishoni naEzeri naDhishani; ava madzishe evaHori, vanakomana vaSeiri munyika yeEdhomu.
22Uye vanakomana vaRotani vaiva Hori naHemani; nehanzvadzi yaRotani aiva Timuna.
23Uye ava vanakomana vaShobharu: Avhani naManahati naEbhari Shefo naOnamu.
24Uye ava vanakomana vaZibhioni: Vose Aja naAna; ndiAna akawana matsime emvura inopisa murenje achifudza madhongi aZibhioni baba vake.
25Uye ava vanakomana vaAna: Dhi­shoni naOhoribhama, mukunda waAna.
26Ava vanakomana vaDhishoni: Hemudhani naEshibhani naIturani naKerani.
27Ava vanakomana vaEzeri: Bhirihani naZaavhani naAkani.
28Ava vanakomana vaDhishani: Uzi naArani.
29Ava madzishe evaHori: Ishe Rotani, ishe Shobharu, ishe Zibhioni, ishe Ana,
30she Dhishoni, ishe Ezeri, ishe Dhishani; awa ma­dzishe evaHori, nemarudzi avo munyika yeSeiri.
31Uye awa madzimambo akatonga munyika yeEdhomu, Mambo asati atonga vana vaIsiraeri:
32Uye Bhera mwanakomana waBheori wakatonga paEdhomu; uye zita reguta rake rainzi Dhinihabha.
33Zvino Bhera wakafa, Jobhabhu mwanakomana waZera weBhozara akatonga pachinzvimbo chake.
34Jobhabhu ndokufa, Hushamu wenyika yavaTemani akatonga pachinzvimbo chake.
35Hushamu ndokufa; Hadhadhi, mwanakomana waBhedhadhi, uya akarova Midhiani kusango reMoabhu, akatonga pachigaro chake; uye zita reguta rake rainzi Avhiti.
36Hadhadhi ndokufa; Samura weMasereka akatonga pachinzvimbo chake.
37Samura ndokufa; Shauri weRehobhoti paRwizi akatonga pachinzvimbo chake.
38Shauri ndokufa; Bhaarihanani mwanakomana waAkibhori akatonga pachinzvimbo.
39Bhaari-Hanani mwanakomana waAkibhori ndokufa, Hadhari akatonga pachinzvimbo chake; uye zita reguta rake rainzi Pau; zita romukadzi wake rainzi Mehetabheri, mukunda waMatiredhi, mukunda waMehazahadhi.
40Uye awa mazita emadzishe ekwaEsau, nedzimba dzavo, nenzvimbo dzawo, nemazita avo: Ishe Timuna, ishe Arivha, ishe Jeteti;
41nashe Ohori­bhama, nashe Era, nashe Pinoni;
42i­she Kenazi, ishe Temani, ishe Mi­bhizari,
43ishe Magidhieri, ishe Iramu; awa madzishe aEdhomu, maererano nenzvimbo dzavo dzekugara, munyika yenhaka yavo. Ndiye Esau, baba vaEdhomu.