1Nenguva iyoyo Judha akabva kuvana vababa vake, akaburuka, akatsaukira kuno mumwe murume muAdhuramu, ainzi Hira.
2Judha akaonapo mukunda womumwe munhu muKanani, ainzi Shua, akamutora, akapinda kwaari.
3Iye akava nemimba, akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Eri.
4Akava nemimbazve, akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Onani.
5Akava nemimbazve, akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Shera; iye aiva paKezibhi mukadzi wake achimubereka.
6Zvino Judha akatorera dangwe rake Eri mukadzi ainzi Tamari.
7Asi dangwe raJudha, aiva munhu akaipa pamberi paJehovha; Jehovha akamuuraya.
8Zvino Judha akati kuna Onani, Pinda kumukadzi womukoma wako, umuwane, umuitire zvakafanira munin'ina womurume, umutsire mukoma wako vana.
9Zvino Onani akaziva kuti vana avo havangavi vake; naizvozvo wakati kana opinda kumukadzi womukoma wake, orasira mbeu pasi, kuti arege kupa mukoma wake vana.
10Chinhu ichi chaakaita chakanga chakaipa pamberi paJehovha; akamuuraya naiyewo.
11Ipapo Judha akati kuna Tamari, mukadzi womwana wake, Chigara hako uri chirikadzi paimba yababa vako, kusvikira Shera, mwanakomana wangu, akura; nekuti akati, Zvimwe angafa savakoma vake. Tamari akandogara kumba kwababa vake.
12Mazuva mazhinji akati apfuura, mukunda waShua, mukadzi waJudha, akafa; zvino Judha akati anyaradzwa, akakwira kuvaveuri vamakwai ake paTimuna, iye naHira, shamwari yake muAdhuramu.
13Tamari akaudzwa, zvichinzi, Tarira baba vomurume wako vanokwira Timuna kundoveura makwai avo;
14ipapo iye akabvisa nguvo dzouchirikadzi hwake, akazvifukidza nechokufukidzira chake, akazviputira, akagara pasuwo reEnaimu, guta riri panzira inoenda Timuna; nekuti akanga aona kuti Shera akura, akasamupiwa iye kuti ave mukadzi wake.
15Zvino Judha akati achimuona, akati chifeve, nekuti akanga afukidza chiso chake.
16Akatsaukira kwaari panzira, akati, Douya, ndipinde kwauri; nekuti akanga asingazivi, kuti mukadzi womwanakomana wake. Iye akati, Unogondipeiko, kuti upinde kwandiri?
17Akati, Ndichakutumira mbudzana inobva kuzvipfuwo zvangu. Akati, Uchandipa rubatso kusvikira waituma here?
18Akati, Ndichagokupa rubatso rweiko? Iye akati, Chimhete chako, norwonzi rwako, netsvimbo yako iri paruoko rwako. Akamupa izvozvo, akapinda kwaari, akava nemimba naye.
19Akasimuka, akaenda, akabvisa chokufukidzira chake, akafuka nguvo dzouchirikadzi hwake.
20Zvino Judha akatuma mbudzana noruoko rweshamwari yake, muAdhuramu, kuti atore rubatso paruoko rwomukadzi, asi haana kumuwana.
21Akabvunza vanhu vokwake, achiti, Chiripiko chifeve chiya, chakanga chiri paEnaimu panzira? Vakati, Kwakanga kusina chifeve pano.
22Akadzokera kuna Judha, akati, Handina kumuwana; navanhu voko vakati, Kwakanga kusina chifeve pano.
23Ipapo Judha akati, Ngaazvitore hake, kuti tirege kunyadziswa; tarira ndatuma mbudzana iyi, iwe ukasamuwana.
24Zvino mwedzi inenge mitatu yakati yapfuura, Judha akaudzwa, zvichinzi, Tamari, mukadzi womwanakomana wako, akaita upombwe; wava nemimba noupombwe hwake. Judha akati, Uyai naye, apiswe.
25Zvino vakati vachiuya naye, akatuma shoko kuna baba vomurume wake, achiti, Ndine mimba nomurume ane nhumbi idzi, akati, Docherekedzai kuti izvi ndezvani, zvinoti, chimhete norwonzi, netsvimbo.
26Judha akazviziva, akati, Iye wakarurama kukunda ini, nekuti handina kumupa Shera, mwanakomana wangu. Haana kuzomuzivazve.
27Zvino nenguva yokubereka kwake vana vaviri vakanga vari mudumbu rake.
28Zvino akati achibereka, mumwe akabudisa ruoko; ipapo mbuya vakatora rwodzi rutsvuku, vakarusungira paruoko rwake, vachiti, Uyu atanga kubuda.
29Zvino uyu akati adzosera ruoko rwake, munununa wake akabuda; ivo vakati, Wazvipasanurira seiko? Naizvozvo akamutumidza zita rinonzi Perezi.
30Pashure mukoma wake akabuda, akanga aine rwodzi rutsvuku paruoko rwake; zita rake rikatumidzwa Zera.