Shona

Swahili: New Testament

Genesis

39

1Josefa akanga aburutsirwa Egipita; Potifari, gota raFarao, mu­kuru wavarindi, muEgipita, akamutenga pamaoko avaIshimaeri, vakanga vamu­burutsira Egipita.
2Jehovha zvino akanga ana Josefa, akaramba achikwirira; aka­gara mumba matenzi wake muEgipita.
3Tenzi wake akaona kuti Jehovha anaye, uye kuti Jehovha akafambisa zvakanaka zvose zvaaiita namaoko ake.
4Josefa akawana nyasha kwaari, akamubatira; iye akamuita mutariri weimba yake; zvose zvaakanga anazvo akazviisa pa­maoko ake.
5Zvino kubva pakuitwa kwake mutariri weimba yake nowazvose zvaakanga anazvo, Jehovha akaropafa­dza imba yomuEgipita nokuda kwaJosefa; kuropafadza kwaJehovha kwakanga kuri pamusoro pezvose zvaakanga anazvo mumba nokumunda.
6Waisiya zvose zvaakanga anazvo pamaoko aJosefa; iye anaye, haazairangarira chinhu, asi zvo­kudya zvake zvoga zvaaidya.
7Zvino shure kwaizvozvo mukadzi watenzi wake aka­tarira Josefa, akati, Vata neni.
8Asi iye akaramba, akati kumukadzi watenzi wake, Tarirai, nokuda kwangu tenzi wangu haarangariri zviri kwandiri mumba, asi akaisa zvose zvaanazvo pamaoko angu;
9hakuna mukuru kwandiri paimba ino; haana kundidzivisa chinhu, asi imwi moga; nekuti muri mukadzi wake; zvino ndi­ngaita seiko chinhu ichi chakaipa zvikuru nditadzire Mwari?
10Zvino akati ataura naJosefa mazuva ose, iye asingamuteereri kuti avate naye, kana kuva naye,
11ne­nguva iyoyo akapinda mumba kuti abate basa rake; makanga musina vamwe va­rume veimba imomo.
12Ipapo akamubata nguvo yake, akati, Vata neni; iye aka­siya nguvo yake muruoko rwake, akabuda panze.
13Zvino akati achiona kuti asiya nguvo yake muruoko rwake, atiza, aenda,
14akadana varume veimba yake, akataura navo akati, Tarirai, iye akauyisa muHe­bheru pakati pedu kuti atidadire; akapi­nda kwandiri, kuti avate neni, ndikaridza mhere neinzwi guru.
15Zvino akati achi­nzwa kuti ndinodanidzirisa ndichiridza mhere, akasiya nguvo yake neni, akatiza, akabuda panze.
16Akachengeta nguvo yake kusvikira tenzi wake achipinda mumba.
17Akataura kwaari mashoko iwayo akati, Muranda muHebheru wawakaisa pakati pedu, akauya kwandiri kuti andidadire.
18Ndi­kadanidzirisa, ndikaridza mhere, akasiya nguvo yake neni, akatizira panze.
19Tenzi wake akati achinzwa ma­shoko aakaudzwa nomukadzi wake, achiti, Ndizvo zvandaitirwa nomuranda wako, hasha dzake dzikamuka.
20Tenzi waJosefa akamutora, akamupinza muto­rongo, paisungwa vasungwa vamambo; akava mutirongo.
21Asi Jehovha akava naJosefa, akamuitira tsitsi, kuti anzwirwe tsitsi nomutariri wetirongo.
22Mutariri wetirongo akapa mumaoko aJosefa vasu­ngwa vose vakanga vari mutirongo; iye aiva muiti wezvose zvaiitwamo.
23Mutariri wetirongo akanga asina hanya nechinhu chakanga chiri pamaoko ake, nekuti Jehovha akanga anaye; zvose zvaaiita, Jehovha akazviruramisa.