Shona

Swahili: New Testament

Genesis

40

1Shure kwaizvozvo mudiri wama­mbo weEgipita nomubiki wake va­katadzira tenzi wavo, mambo weEgipita.
2Farao akatsamwira kwazvo varanda vake vaviri, ivo mukuru wavadiri nomukuru wavabiki.
3Akavasunga kuti vachengetwe mumba momukuru wavarindi, mutirongo, pakanga pakasungwa Josefa.
4Mukuru wavarindi akaraira Josefa kuvachengeta; iye akavabatira, vakaita nguva vachiche­ngetwa.
5Zvino vose vaviri vakarota hope usiku humwe, mumwe nomumwe ku­rota kwake, kurota kumwe nokumwe kune dudziro yako, ivo mudiri nomu­biki vamambo weEgipita, vakanga vaka­sungwa mutirongo.
6Zvino fume ma­ngwana Josefa akapinda kwavari, akavatarira, akaona kuti havafari.
7Aka­bvunza varanda vaFarao vakanga va­chengetwa pamwechete naye mumba matenzi wake, akati, Nhasi makasuwa neiko?
8Vakati kwaari, Tarota hope, asi hakuna munhu anogona kudzidudzira. Josefa akati kwavari, Kududzira hakuzi kwaMwari here? Dondirondedzerai he­nyu.
9Zvino mukuru wavadiri akaronde­dzera kurota kwake kuna Josefa, akati, kwaari, muchiroto kwangu ndakaona muzambiringa pamberi pangu; pamuza­mbiringa pakanga pana matavi matatu;
10ukaita sokutumbuka, ukabudisa ma­ruva; masumbu awo akabereka maza­mbiringa akaibva;
11mukombe waFarao wakange uri muruoko rwangu; zvino ndikatora mazambiringa, ndikaasvinira mumukombe waFarao, ndikaisa muko­mbe muruoko rwaFarao.
12Josefa akati kwaari, Kududzirwa kwadzo ndiko: Matavi matatu mazuva matatu;
13mazuva matatu agere kupera Farao achasimudza musoro wako, noku­kudzosera kubasa rako; ipapo uchaisa mukombe waFarao muruoko rwakezve, sezvawaiita kare uchiri mudiri wake.
14Asi undirangarire hako kana woitirwa zvakanaka; undiitire tsitsi, undireverere kuna Farao, kuti ndibudiswe paimba ino;
15nekuti zvirokwazvo, ndakabiwa ku­nyika yavaHebheru; napano handina kuita chinhu chakafanira kuti vandiise mugomba iri.
16Zvino mukuru wavabiki akati aona kuti dudziro yakanaka, akati kuna Josefa, Neniwo ndakanga ndiri pakurota kwa­ngu, ndikaona tswanda nhatu dzechingwa chichena dzakanga dziri pamusoro wa­ngu;
17mutswanda yapamusoro makanga mune zvokudya zvamarudzi ose zvakabi­kwa zvaFarao; shiri dzikazvidya mutswa­nda yaiva pamusoro wangu.
18Ipapo Josefa akapindura, akati, Kududzirwa kwadzo ndiko: Tswanda nhatu mazuva matatu;
19mazuva matatu agere kupera, Farao achasimudza musoro wako akaubvisa pamusoro pako, akusu­ngirire pamuti; shiri dzichadya nyama yako dzichiibvisa kwauri.
20Zvino nomusi wetatu, musi woku­zvarwa kwaFarao, iye akaitira varanda vake vose mutambo. Akasimudza musoro womukuru wavadiri, nomusoro womu­kuru wavabiki pakati pavaranda vake,
21akadzosera mukuru wavadiri kubasa rake rokudira kwake, akapa mukombe waFarao muruoko rwaFarao;
22asi akasu­ngirira mukuru wavabiki sezvavakanga vadudzirwa naJosefa.
23Asi mukuru wa­vadiri haana kurangarira Josefa, asi aka­mukangamwa.