Shona

Swahili: New Testament

Genesis

41

1Makore maviri akati apera, Farao akarota hope; akazviona amire parwizi.
2Akaona mhou nomwe dzichikwira dzichibuda murwizi, dzakanga dzakanaka, dzakakora; dzichifura pakati penhokwe.
3Zvino akaona dzimwe mhou nomwe dzichikwira mashure madzo, dzichibva murwizi, dzakanga dzakaipa, dzakaonda; dzikamira nedzimwe mhou pamahombekombe erwizi.
4Zvino mhou dzakaipa, dzakaonda, dzikadya mhou dziya nomwe dzakanaka, dzakakora. Farao akapepuka.
5Akavatazve, akarota rwechipiri; akaona hura nomwe dzezviyo dzakanga dzatumbuka padzinde rimwe, dzakanga dzakakora, dzakanaka,
6akaona hura nomwe, dzakanga dzakatetepa, dzakanga dzapiswa nemhepo yokumabvazuva, dzichibuda shure kwadzo.
7Zvino hura dzakatetepa dzikamedza hura nomwe dzakakora, dzakanga dzizere. Farao akapepuka, akaona kuti arota.
8Zvino fume mangwana mweya wake ukatambudzika, akatuma vanhu kundodana n'anga dzose dzeEgipita navakachenjera vose voko; Fa­rao akavaudza kurota kwake; asi kwaka­nga kusina munhu waigona kuzvidudzira kuna Farao.
9Ipapo mukuru wavadiri akaudza Farao, akati, Nhasi ndinorangarira kuta­dza kwangu;
10Farao akanga akatsa­mwira varanda vake, mukandisunga, ndi­kachengetwa mumba momukuru wavarindi, ini nomukuru wavabiki;
11ti­karota hope nousiku humwe, ini naiye; tikarota mumwe nomumwe hope dzine dudziro yadzo.
12Zvino ipapo pakanga panesu jaya romuHebheru, muranda wo­mukuru wavarindi; tikamuudza, iye aka­tidudzira kurota kwedu; akadudzira mumwe nomumwe sezvaakarota.
13Zvikazoitika sezvaakatidudzira; ini ndakadzoserwa kubasa rangu, asi iye akasungirirwa.
14Ipapo Farao akatuma munhu ku­ndodana Josefa, akakurumidza kumubu­disa mugomba; vakaveura ndebvu dzake nokumufukidza dzimwe nguvo; akapinda kuna Farao.
15Farao akati kuna Josefa, Ndarota hope, asi hakuna munhu ano­gona kundidudzira idzo; zvino ndanzwa kuti iwe, kana wanzwa kurota, unogona kuzvidudzira.
16Josefa akapindura Farao, akati, Kwete, handizini; Mwari ndiye angapa Farao dudziro yorugare.
17Farao akarondedzera kuna Josefa akati, Pakurota kwangu ndakazviona ndimire pamahombekombe erwizi;
18ndikaona murwizi muchibuda mhou nomwe, dzakanga dzakakora, dzaka­naka; dzikafura pakati penhokwe;
19ndi­kaonazve dzimwe mhou nomwe dzichi­kwira shure kwadzo dzine nzara, dzakaipa kwazvo, dzakaonda, handina kumboona dzakaipa dzakadai panyika yose yeEgipita.
20Zvino mhou idzodzo dzakaonda, dzakaipa, dzikadya, mhou dziya dzakakora dzokutanga;
21dzakati dzadzidya, hadzina kutongozikamwa kuti dzadzidya; asi dzakanga dzakangoipa sapakutanga. Zvino ndikapepuka.
22Ndi­kaonazve pakurota kwangu hura nomwe dzakanga dzatumbuka padzinde rimwe, dzizere, dzakanaka;
23ndikaonazve dzi­mwe hura nomwe, dzakaoma, dzakate­tepa, dzakapiswa nemhepo yokumabva­zuva, dzichibuda shure kwadzo.
24Hura idzodzo dzakatetepa dzikamedza hura nomwe dzakanaka; ndikaudza n'anga, asi kwakanga kusina munhu akagona kundidudzira izvozvo.
25Ipapo Josefa akati kuna Farao, Kurota kwaFarao ndokumwe; izvo Mwari zvaanoda kuita, ndizvo zvaakazi­visa Farao.
26Mhou nomwe dzakanaka makore manomwe, nehura nomwe dza­kanaka makore manomwewo; kurota ndokumwe.
27Mhou nomwe dzakaonda, dzakaipa, dzakakwira shure kwaidzodzo, makore manomwe, nehura nomwe dza­kaputa, dzakapiswa nemhepo yokuma­bvazuva, achava makore manomwe enzara.
28Ndiro shoko randataura kuna Farao; izvo Mwari zvaanoda kuita, ndi­zvo zvaakaratidza Farao.
29Tarirai, ku­nouya makore manomwe amaguta kwa­zvo panyika yose yeEgipita;
30shure kwaiwayo kuchatevera makore mano­mwe enzara; ipapo maguta ose achaka­nganikwa panyika yeEgipita; nzara ichape­dza nyika;
31maguta haangazozikamwi munyika nokuda kwenzara iyoyo inozo­tevera, nekuti ichanyanya kwazvo.
32Ku­rota uku kwakapamhidzwa kuna Farao kaviri, nekuti izvozvo zvakatarwa naMwari, uye Mwari achakurumidza ku­zviita.
33Naizvozvo Farao ngaatsvake munhu akangwara, akachenjera, amuite mubati wenyika yeEgipita.
34Farao ngaaite izvozvo, ngaaise vatariri panyika yose, atore cheshanu chezviyo zvenyika yeIji­piti pamakore manomwe emaguta.
35Ngaaunganidze zvokudya zvose zva­makore iwayo akanaka anouya, avige zviyo nomurayiro waFarao, zvive zvoku­dya mumaguta; vazvichengete.
36Zvoku­dya izvozvo zvichachengeterwa nyika makore manomwe enzara, ichazovapo panyika yeEgipita, kuti nyika irege kupa­radzwa nenzara.
37Chinhu ichi chaka­nga chakanaka kuna Farao navaranda vake vose.
38Farao akati kuvaranda vake, Ko tingawana mumwe munhu akafanana nouyu, anomweya waMwari maari here?
39Farao akati kuna Josefa, Mwari zvaakakuratidza izvozvo zvose, hapana munhu akangwara, akachenjera sewe;
40ndiwe uchava mubati weimba yangu; vanhu vangu vose vacharairwa neshoko rako; asi pachigarao changu choushe ndipo pandichava mukuru kwauri.
41Zvino Farao akati kuna Josefa, Tarira, ndakuita mubati panyika yeEgipita yose.
42Farao akabvisa chimhete chake pa­ruoko rwake, akachiisa paruoko rwaJo­sefa, akamufukidza nguvo dzomucheka wakanakisa, akamushongedza chiketani chendarama pamutsipa wake;
43akamufa­mbisa nengoro yechipiri yaakanga anayo; vakadanidzira pamberi pake, vachiti, Pfugamai! Akamuita mubati wenyika yose yeEgipita.
44Farao akati kuna Josefa, Ndini Farao, asi kunze kwako hapana munhu achasimudza ruoko rwake kana rutsoka rwake panyika yose yeEgipita.
45Farao akatumidza Josefa zita rinonzi Zafanatipanea; akamupa Asenati, muku­nda waPotifari, mupristi weOni, kuti ave mukadzi wake. Josefa akabuda, akafamba nenyika yose yeEgipita.
46Zvino Josefa akanga ana makore makumi matatu, nguva yaakamira pamberi paFarao, ma­mbo weEgipita.
47Nyika ikabereka zvizhinji-zhinji, nama­kore manomwe amaguta.
48Akaungani­dza zvokudya zvose zvamakore mano­mwe, aivapo panyika yeEgipita, akaviga zvokudya mumaguta; zvokudya zveminda yakanga yakapoteredza guta rimwe nerimwe, akazvivigamo.
49Josefa akaviga zviyo, zvikaita sejecha regu­ngwa, zvizhinji-zhinji, kusvikira akarega kuzviverenga; nekuti zvakanga zvisinga­goni kuverengwa.
50Zvino gore renzara risati rasvika, Josefa akaberekerwa vanakomana vaviri, vaakaberekerwa naAsenati, mukunda waPotifari, mupristi weOni.
51Josefa akatu­midza wedangwe zita rinonzi Manase, achiti, nekuti Mwari akandikangamwisa kutambudzika kwangu kose neimba ya­baba vangu yose.
52Zita rowechipiri akaritumidza Efuremu, achiti, nekuti Mwari akandiberekesa vana panyika yo­kutambudzika kwangu.
53Zvino makore manomwe amaguta, akanga avapo panyika yeEgipita, akapera.
54Makore manomwe enzara akatanga ku­svika, sezvakataura Josefa; nzara ikavapo panyika dzose; asi panyika yose yeEgipita pakanga pane zvokudya.
55Zvino vanhu vose veEgipita vofa nenzara, vakachemera zvokudya kuna Farao; Farao akati kuna vose veEgipita, Endai kuna Josefa; itai zvaanotaura kwamuri.
56Nzara ikavapo panyika dzose; Josefa akazarura matura ose, akatengesera vaEgipita; nekuti nzara yakanga yakanyanya panyika yeEgipita.
57Vanhu venyika dzose vakaenda Egipita kuna Josefa kuzotenga zviyo; nekuti nzara yakanga yakanyanya panyika dzose.