Shona

Swahili: New Testament

Genesis

42

1Zvino Jakove akaona kuti zviyo zvaiveko kuEgipita, Jakove akati kuvanakomana vake, Munotari­rana neiko?
2Akati, Ndanzwa kuti zviyo zviriko kuEgipita; burukiraiko, mu­ndotitengerako, tipone, tirege kufa.
3Ipapo vakoma vaJosefa vane gumi va­kaburuka kundotenga zviyo Egipita.
4Asi Bhenjamini, munin'ina waJosefa, Jakove haana kumutuma navakoma vake; nekuti akati, Zvimwe angawirwa nenjodzi.
5Zvino vanakomana vaIsiraeri vakauya kuzotenga pakati pavamwe vaiuya, no­kuti nzara yakanga iripo panyika yeKe­nani.
6Zvino Josefa aiva mubati wenyika; ndiye aitengesera vanhu vose venyika; vakoma vaJosefa vakauya, va­kamupfugamira, zviso zvavo zvakatarira pasi.
7Josefa akaona vakoma vake, aka­vaziva, asi akaita saasingavazivi, aka­taura nehasha navo, akati kwavari, Ma­bvepiko? Ivo vakati, Tabva kunyika yeKanani kuzotenga zvokudya.
8Josefa akaziva vakoma vake, asi ivo havana kumuziva.
9Ipapo Josefa akara­ngarira kurota kwake kwaakadeya kurota pamusoro pavo, akati kwavari, Muri vashori, mauya kuzoona kuti nyika yaka­shama papi.
10Ivo vakati kwaari, Kwete, ishe wedu, asi varanda venyu vauya kuzote­nga zvokudya.
11Tiri vanakomana vomu­nhu mumwe chete tose; tiri vanhu vaka­tendeka, varanda venyu havazi vashori;
12iye akati kwavari, Kwete, mauya ku­zoona nyika kuti yakashama papi.
13Ivo vakati, Isu varanda venyu, tiri vanakomana vane gumi navaviri vomu­nhu mumwe chete panyika yeKanani; zvino worugotwe ari kuna baba vedu nhasi; mumwe haachisipo.
14Josefa akati kwavari, Ndizvo zva­ndanga ndichitaura kwamuri, ndichiti muri vashori;
15hechi chinhu chamuchae­dzwa nacho. Noupenyu hwaFarao, hamu­ngabudi pano kana munin'ina wenyu wo­rugotwe asina kuuya pano.
16Tumai mumwe wenyu kuti andotora munin'ina wenyu, asi imwi muchafanira kugara ma­kasungwa, kuti mashoko enyu aedzwe, kana makatendeka; kana zvisina kudaro, zvirokwazvo, noupenyu hwaFarao muri vashori.
17Ipapo akavaisa pamwechete vose mutirongo, kuti vachengetwe ma­zuva matatu.
18Josefa akati kwavari nezuva retatu, Itai chinhu ichi, mupone; ini ndinotya Mwari;
19kana muri vanhu vakatendeka, mumwe wavanin'ina venyu ngaagare akasungwa mutirongo yenyu; asi imwi endai makatakura zviyo kundopa mhuri dzenyu dzine nzara.
20Mugouya nomunu­nuna wenyu worugotwe kwandiri; nai­zvozvo mashoko enyu achasimbiswa, murege kufa. Vakaita saizvozvo.
21Va­kataurirana vachiti, Zvirokwazvo tine mhosva nokuda komunin'ina wedu, no­kuti takaona kutambudzika komweya wake musi uya waakatinyengetera, tika­ramba kumuteerera; naizvozvo tawirwa nokutainbudzika.
22Ipapo Rubheni akapindura, akati, Handina kukuudzai here, ndichiti, Re­gai kutadzira mwana, mukaramba kundi­teerera? Naizvozvo tarirai, ropa rake rotsvakwa.
23Zvino vakanga vasingazivi kuti Josefa anonzwisisa, nekuti kwanga kuine mupinduri pakati pavo.
24Ipapo Josefa akabva kwavari, akachema; aka­dzokerazve kwavari, akataura navo, aka­tora Simioni pakati pavo, akamusunga vachizviona.
25Josefa akaraira kuti mi­dziyo yavo izadzwe nezviyo, uye kuti mumwe nomumwe adzoserwe mari yake muhomwe yake, uye kuti vapiwewo mbuva yokufamba nayo; vakaitirwa sai­zvozvo.
26Ipapo vakatakudza madhongi avo zviyo zvavo, vakaenda.
27Zvino mumwe wavo akati achisunungura ho­mwe yake, kuti ape dhongi rake zvokudya pavakavata usiku, akawana mari yake; heyo yakanga iri mumuromo wehomwe yake.
28Akati kuhama dzake, Mari yangu yadzoswa; heyi iri muho­mwe yangu; ipapo vakaora moyo, va­katarirana, vachibvunda, vakati, Chi­nyiko ichi chataitirwa naMwari?
29Vakasvika kuna baba vavo pa­nyika yeKanani, vakavaudza zvose zva­kanga zvavawira;
30vakati, Murume uya, ishe wenyika iyoyo, akataura nesu nehasha, akati, tiri vashori venyika.
31Tikati kwaari, Tiri vanhu vakate­ndeka, hatizi vashori;
32tiri vanakomana vane gumi navaviri vomunhu mumwe chete, vanakomana vababa vedu; mu­mwe haachipo, worugotwe ari kuna baba vedu nhasi panyika yeKanani.
33Zvino murume uya, ishe wenyika, akati kwatiri, Hechi chinhu chandicha­ziva nacho kuti muri vakatendeka, Si­yai mumwe wenyu kwandiri, mutore zviyo, mundopa mhuri dzenyu dzine nzara, muende.
34Mugouyazve kwa­ndiri nomunin'ina wenyu worugotwe; ipapo ndichaziva kuti hamuzi vashori, asi kuti muri vanhu vakatendeka; ipapo ndichakupai munin'ina wenyu, mugote­nga panyika ino.
35Zvino vakati vachidurura homwe dzavo, tarira chiputu chemari yomumwe nomumwe chakanga chiri muhomwe yake; vakati vachiona zviputu zvemari yavo, vakatya ivo nababa vavo.
36Zvino Jakove akati kwavari, Manditorera vana; Josefa haachipo, naSimioni haa­chipo, zvino moda kutora naBhenjami­niwo; zvinhu zvose izvi zvandiwira.
37Ipapo Rubheni akataura nababa vake, akati, Mungauraya henyu vanako­mana vangu vaviri, kana ndisingadzoki naye kwamuri; chimuisai henyu mu­maoko angu, ini ndichauya nayezve kwa­muri.
38Vakati, Mwanakomana wangu haangaburuki nemi, nekuti mukoma wake wakafa, iye asiiwa ari oga; kana akawirwa nenjodzi parwendo rwamuno­famba, muchaburutsira vhudzi rangu jena kuguva nokuchema.