Shona

Swahili: New Testament

Genesis

43

1Zvino nzara yakanga iri huru munyika iyoyo.
2Zvino vakati vapedza zviyo, zvavakanga vabva nazvo Egipita, baba vavo vakati kwavari, Dzo­kai, endaizve mutitengere zvokudya zvi­shoma.
3Judha akataura navo, akati, Mu­rume uya akatinyevera kwazvo, akati, Hamungatongooni chiso changu, kana munin'ina wenyu asati anemi.
4Kana mukatuma munin'ina wedu nesu, tichabu­ruka, kundotenga zvokudya;
5asi kana musingamutumi, hatingaburuki; nekuti murume uya akati kwatiri, Hamungaoni chiso changu, kana munin'ina wenyu asati anemi.
6Isiraeri akati, Makandiitireiko zvakaipa zvakadai, zvamakaudza mu­rume uya kuti munomunin'ina?
7Ivo vakati, Murume uya akatibvunzisisa pamusoro pedu, napamusoro pehama dzedu, akati, Baba venyu vapenyu here? Mune munin'ina here? Tikamu­pindura namashoko aya; taigoziva here kuti achati, Burukai nomunin'ina we­nyu?
8Zvino Judha akati kuna Isiraeri, baba vake, Tumai henyu mukomana neni, tisimuke, tiende, tirarame, tirege kufa, isu nemi, navana vedu.
9Ini ndi­chava rubatso rwake; mungamureva pa­ruoko rwangu; kana ndikasauya naye, ndikamuisa pamberi penyu, ini ndichava nemhosva kwamuri nokusingaperi.
10No­kuti dai tisina kunonoka, zvirokwazvo, tingadai tadzoka zvino rwechipiri.
11Ipapo Isiraeri, baba vavo, akati kwavari, Kana zvakadaro, itai chinhu ichi; torai michero yakanaka yenyika mu­midziyo yenyu, muburuke nechipo kumu­nhu uyo, chebhasami shomanana, nouchi ushomanana, nezvinonhuhwira, nemura, nemichero yomuti wepisitakio, namaama­nda;
12mutore mari yakapamhidzwa kaviri mumaoko enyu, neiya mari yakanga ya­dzoserwa mumiromo yehomwe dzenyu, muende makaibata mumaoko enyu; zvi­mwe vakakanganisa.
13Nomunin'ina wenyu mumutorei, musimuke, mudzokere kumu­rume uyo;
14Mwari waMasimbaose ngaa­kupei nyasha pamberi pomurume uyo, akusunungurirei mumwe munin'ina wenyu naBhenjaminiwo. Kana ndatorerwa vana vangu, ndatorerwa hangu.
15Zvino varume vakatora chipo ichocho, vakabata mumaoko avo mari yakapamhidzwa kaviri, naBhenjamini, vakasimuka, vakaburukira Egipita, vaka­ndomira pamberi paJosefa.
16Zvino Jo­sefa akati achiona Bhenjamini anavo, akati kumutariri weimba yake, Uya navarume mumba, ubaye, ugadzire; no­kuti varume ava vachadya neni masi­kati.
17Murume uyo akaita sezvaakau­dzwa naJosefa; murume uyo akaisa varume avo mumba maJosefa.
18Varume vakatya, zvavakaiswa mu­mba maJosefa, vakati, Tinoiswamo no­kuda kwemari yakadzoserwa muhomwe dzedu panguva yokutanga, kuti atsvake mhosva kwatiri, atibate, nokutiita va­randa vake, achitorawo madhongi edu.
19Ipapo vakaswedera kumutariri weimba yaJosefa, vakataura naye pamu­suwo weimba;
20vakati, Haiwa, ishe wedu, zvirokwazvo panguva yokutanga takaburuka kuzotenga zvokudya;
21tikati tichisvika patakavata usiku, tikasunu­ngura homwe dzedu, onei mari yomu­mwe nomumwe iri mumuromo weho­mwe yake, mari yedu yose sezvayakayerwa; zvino tadzoka nayo pa­maoko edu.
22Zvino taburuka tiine imwe marizve mumaoko edu kuti titenge zvo­kudya nayo; hatizivi kuti mari yedu yakaiswa muhomwe dzedu nani?
23Iye akati, Farai henyu, musatya; Mwari wenyu, Mwari wababa venyu, akakupai fuma muhomwe dzenyu; mari yenyu yakasvika kwandiri. Akavabudi­sira Simioni.
24Murume uyo akaisa varume avo muimba yaJosefa, akavapa mvura, vaka­shambidza tsoka dzavo, akapawo mbo­ngoro dzavo zvokudya.
25Vakagadzira chipo kusvikira kuuya kwaJosefa masi­kati, nekuti vakanga vanzwa kuti vacha­dya zvokudya ipapo.
26Josefa akati asvika kumba, vakapinda mumba ne­chipo chakanga chiri mumaoko avo, vakakotamira pasi pamberi pake.
27Iye akavabvunza mufaro wavo, akati, Baba venyu vakafara here, uya mutana wamai­reva? Vachiri vapenyu here?
28Ivo vakati, Muranda wenyu, baba vedu, vakafara havo, vachiri vapenyu. Vakakotama, vakanamata.
29Iye akasimudza meso ake, akaona Bhenjamini, munin'ina wake, mwanako­mana wamai vake, akati, Ndiye here munin'ina wenyu muduku worugotwe, wamakandiudza? Akati, Mwari ngaave nenyasha newe, mwana wangu.
30Zvino Josefa akakurumidza, nekuti moyo wake wakachema munin'ina wake, akatsvaka paangachema; akapinda muimba yake yomukati, akachemapo.
31Akazoshambidza chiso chake, akabu­dazve, akazvidzora akati, Pakurai zvo­kudya.
32Vakamupakurira iye oga, naivo voga, navaEgipita havana kutende­rwa kudya navaHebheru, nekuti zvino­nyangadza kuna vaEgipita.
33Vakagara pamberi pake, wedangwe paudangwe hwake, nomuduku kuna vose pauduku hwake; varume vakatarirana, vakashami­swa.
34Akavagovera zvokudya zvakanga zviri pamberi pake, asi mugove waBhe­njamini wakaenzana nowavashanu vavo. Vakamwa, vakafara naye.