1Zvino nzara yakanga iri huru munyika iyoyo.
2Zvino vakati vapedza zviyo, zvavakanga vabva nazvo Egipita, baba vavo vakati kwavari, Dzokai, endaizve mutitengere zvokudya zvishoma.
3Judha akataura navo, akati, Murume uya akatinyevera kwazvo, akati, Hamungatongooni chiso changu, kana munin'ina wenyu asati anemi.
4Kana mukatuma munin'ina wedu nesu, tichaburuka, kundotenga zvokudya;
5asi kana musingamutumi, hatingaburuki; nekuti murume uya akati kwatiri, Hamungaoni chiso changu, kana munin'ina wenyu asati anemi.
6Isiraeri akati, Makandiitireiko zvakaipa zvakadai, zvamakaudza murume uya kuti munomunin'ina?
7Ivo vakati, Murume uya akatibvunzisisa pamusoro pedu, napamusoro pehama dzedu, akati, Baba venyu vapenyu here? Mune munin'ina here? Tikamupindura namashoko aya; taigoziva here kuti achati, Burukai nomunin'ina wenyu?
8Zvino Judha akati kuna Isiraeri, baba vake, Tumai henyu mukomana neni, tisimuke, tiende, tirarame, tirege kufa, isu nemi, navana vedu.
9Ini ndichava rubatso rwake; mungamureva paruoko rwangu; kana ndikasauya naye, ndikamuisa pamberi penyu, ini ndichava nemhosva kwamuri nokusingaperi.
10Nokuti dai tisina kunonoka, zvirokwazvo, tingadai tadzoka zvino rwechipiri.
11Ipapo Isiraeri, baba vavo, akati kwavari, Kana zvakadaro, itai chinhu ichi; torai michero yakanaka yenyika mumidziyo yenyu, muburuke nechipo kumunhu uyo, chebhasami shomanana, nouchi ushomanana, nezvinonhuhwira, nemura, nemichero yomuti wepisitakio, namaamanda;
12mutore mari yakapamhidzwa kaviri mumaoko enyu, neiya mari yakanga yadzoserwa mumiromo yehomwe dzenyu, muende makaibata mumaoko enyu; zvimwe vakakanganisa.
13Nomunin'ina wenyu mumutorei, musimuke, mudzokere kumurume uyo;
14Mwari waMasimbaose ngaakupei nyasha pamberi pomurume uyo, akusunungurirei mumwe munin'ina wenyu naBhenjaminiwo. Kana ndatorerwa vana vangu, ndatorerwa hangu.
15Zvino varume vakatora chipo ichocho, vakabata mumaoko avo mari yakapamhidzwa kaviri, naBhenjamini, vakasimuka, vakaburukira Egipita, vakandomira pamberi paJosefa.
16Zvino Josefa akati achiona Bhenjamini anavo, akati kumutariri weimba yake, Uya navarume mumba, ubaye, ugadzire; nokuti varume ava vachadya neni masikati.
17Murume uyo akaita sezvaakaudzwa naJosefa; murume uyo akaisa varume avo mumba maJosefa.
18Varume vakatya, zvavakaiswa mumba maJosefa, vakati, Tinoiswamo nokuda kwemari yakadzoserwa muhomwe dzedu panguva yokutanga, kuti atsvake mhosva kwatiri, atibate, nokutiita varanda vake, achitorawo madhongi edu.
19Ipapo vakaswedera kumutariri weimba yaJosefa, vakataura naye pamusuwo weimba;
20vakati, Haiwa, ishe wedu, zvirokwazvo panguva yokutanga takaburuka kuzotenga zvokudya;
21tikati tichisvika patakavata usiku, tikasunungura homwe dzedu, onei mari yomumwe nomumwe iri mumuromo wehomwe yake, mari yedu yose sezvayakayerwa; zvino tadzoka nayo pamaoko edu.
22Zvino taburuka tiine imwe marizve mumaoko edu kuti titenge zvokudya nayo; hatizivi kuti mari yedu yakaiswa muhomwe dzedu nani?
23Iye akati, Farai henyu, musatya; Mwari wenyu, Mwari wababa venyu, akakupai fuma muhomwe dzenyu; mari yenyu yakasvika kwandiri. Akavabudisira Simioni.
24Murume uyo akaisa varume avo muimba yaJosefa, akavapa mvura, vakashambidza tsoka dzavo, akapawo mbongoro dzavo zvokudya.
25Vakagadzira chipo kusvikira kuuya kwaJosefa masikati, nekuti vakanga vanzwa kuti vachadya zvokudya ipapo.
26Josefa akati asvika kumba, vakapinda mumba nechipo chakanga chiri mumaoko avo, vakakotamira pasi pamberi pake.
27Iye akavabvunza mufaro wavo, akati, Baba venyu vakafara here, uya mutana wamaireva? Vachiri vapenyu here?
28Ivo vakati, Muranda wenyu, baba vedu, vakafara havo, vachiri vapenyu. Vakakotama, vakanamata.
29Iye akasimudza meso ake, akaona Bhenjamini, munin'ina wake, mwanakomana wamai vake, akati, Ndiye here munin'ina wenyu muduku worugotwe, wamakandiudza? Akati, Mwari ngaave nenyasha newe, mwana wangu.
30Zvino Josefa akakurumidza, nekuti moyo wake wakachema munin'ina wake, akatsvaka paangachema; akapinda muimba yake yomukati, akachemapo.
31Akazoshambidza chiso chake, akabudazve, akazvidzora akati, Pakurai zvokudya.
32Vakamupakurira iye oga, naivo voga, navaEgipita havana kutenderwa kudya navaHebheru, nekuti zvinonyangadza kuna vaEgipita.
33Vakagara pamberi pake, wedangwe paudangwe hwake, nomuduku kuna vose pauduku hwake; varume vakatarirana, vakashamiswa.
34Akavagovera zvokudya zvakanga zviri pamberi pake, asi mugove waBhenjamini wakaenzana nowavashanu vavo. Vakamwa, vakafara naye.