1Zvino akaraira mutariri weimba yake, achiti, Zadza homwe dzavarume nezvokudya, sezvavanogona kutakura, uisewo mari yomumwe nomumwe pamuromo wehomwe yake.
2Nomukombe wangu, mukombe wesirivha, uuise pamuromo wehomwe yomuduku, pamwechete nemari yezviyo zvake. Iye akaita sezvaakaudzwa naJosefa.
3Zvino fume mangwana koedza varume vakatenderwa kuenda, ivo nemadhongi avo.
4Vakati vabuda muguta, vasati vaenda kure, Josefa akaudza mutariri wake, akati, Simuka, tevera varume; kana wavabata, uti kwavari, Matsindikireiko zvamaitirwa zvakanaka?
5Ko hachizi chinhu chinomwira ishe wangu, chaanoshopera nacho here? Chinhu ichi chamaita chakaipa.
6Akandovabata, akataura mashoko iwayo kwavari.
7Vakati kwaari, Ko ishe wedu anotaurirei mashoko akadai? Ngazvisadaro, varanda venyu havangaiti chinhu chakadai.
8Tarirai, mari yatakawana pamiromo yehomwe dzedu takadzoka nayo kwamuri tichibva kunyika yeKenani; taigoba seiko sirivha kana ndarama mumba mashe wenyu?
9Ani naani wavaranda venyu anowanikwa anawo, ngaafe; nesu tichava vasungwa vashe wedu.
10Iye akati, Ndizvo hazvo, ngazvive sezvamataura; iye anowanikwa aine mukombe, ndiye achava musungwa wangu; imwi vamwe hamungavi nemhosva.
11Ipapo vakakurumidza mumwe nomumwe kuburutsira homwe yake pasi, mumwe nomumwe akasunungura homwe yake.
12Iye akatsvaka, akatanga kumukuru, akaguma kumuduku; mukombe ukawanikwa muhomwe yaBhenjamini.
13Ipapo vakabvarura nguvo dzavo, mumwe neumwe akatakudza dhongi rake, akadzokera kuguta.
14Judha navana vababa vake vakadzokera kuimba yaJosefa, iye achirimo, vakawira pasi pamberi pake.
15Zvino Josefa akati kwavari, Chinyiko ichi chamaita? Hamuzivi kuti munhu akaita seni anogona kushopera here?
16Judha akati, Ko tingadiniko kuna ishe wangu? Tingataureiko? Tingazvipembedza sei? Mwari akawana kutadza kwavaranda venyu; tarirai tiri vasungwa vashe wedu, isu naiye akawanikwa aine mukombe.
17Iye akati, Ngazvisadaro, handingaiti saizvozvo; munhu uyo akawanikwa ano mukombe muruoko, ndiye achava musungwa wangu; kana muri imwi, endai henyu norugare kuna baba venyu.
18Ipapo Judha akaswedera kwaari, akati, Haiwa, ishe wangu, dotenderai henyu muranda wenyu kutaura shoko munzeve dzashe wangu, kutsamwa kwenyu kurege kumukira muranda wenyu, nekuti imwi makaenzana naFarao.
19Ishe wangu akabvunza varanda vake, achiti, Muna baba here, kana munin'ina?
20Isu tikati kuna ishe wedu, Tina baba vavamutana, vanomwana woutana hwavo, achiri muduku hake; mukoma wake akafa, iye akasara ari oga, mwana wamai vake, baba vake vanomuda.
21imwi mukati kuvaranda venyu, Burukai naye kwandiri, ndimuone nameso angu.
22Isu tikati kuna ishe wedu, Mukomana haangasii baba vake, nekuti kana akasiya baba vake, baba vake vangafa.
23Zvino makati kuvaranda venyu, Kana munununa wenyu worugotwe asingaburuki nemi, hamungaonizve chiso changu.
24Zvino takati takwira kumuranda wenyu, baba vedu, tikavaudza mashoko ashe wedu.
25Baba vedu vakati, Endaizve, mutitengere zvokudya zvishomanana.
26Isu tikati, Hatingaburuki, kana munin'ina wedu asingaburuki nesu; nekuti hatingaoni chiso chomurume uya, kana munin'ina wedu asinesu.
27Muranda wenyu, baba vedu, vakati kwatiri, Munoziva kuti mukadzi wangu akandiberekera vanakomana vaviri;
28mumwe akabva kwandiri, ndikati, Zvirokwazvo akabvamburwa; kubva musi iwoyo handina kuzomuonazve;
29kana mukanditorera nouyuwo, akawirwa nenjodzi, muchaburutsira vhudzi rangu jena kuguva nokuchema.
30Naizvozvo, kana zvino ndikandosvika kumuranda wenyu, baba vangu, tisinaiye mukomana, mweya wavo zvawakabatanidzwa nomweya womukomana,
31vachati kana vachiona kuti mukomana asinesu, vachafa; naizvozvo varanda venyu vachaburutsira vhudzi jena romuranda wenyu, baba vedu, kuguva nokuchema.
32nekuti muranda wenyu akazviita rubatso rwomukomana kuna baba vangu, ndikati, Kana ndikasauya naye kwamuri,ini ndichava nemhosva kuna baba vangu nokusingaperi.
33Naizvozvo zvino ndinokumbira kuti muranda wenyu agare hake ari musungwa washe wangu pachigaro chomukomana, asi mukomana akwire hake navana vababa vake.
34nekuti ndingakwira seiko kuna baba vangu, ndisina mukomana? Ndirege hangu kuona njodzi ichawira baba vangu.