Shona

Swahili: New Testament

Genesis

46

1Zvino Isiraeri akabva nezvose zvaakanga anazvo, akasvika Bheerishebha, akabayira Mwari wababa vake Isaka zvibayiro.
2Mwari akataura naIsiraeri nezviratidzo usiku, akati, Jakove ! Jakove ! Iye akati, Ndiri pano hangu.
3Akati, Ndini Mwari, iye Mwari wababa vako; usatya hako kuburukira Egipita; nekuti ndichakuita rudzi rukuru ikoko;
4ndichaburukira Egipita newe, ndigokudzosazve zvirokwazvo; Josefa uchaisa ruoko rwake pachiso chako.
5Jakove akasimuka, akabva Bheeri­shebha; vanakomana vaIsiraeri vakata­kura Jakove baba vavo, navana vavo vaduku, navakadzi vavo, nengoro dzaka­nga dzatumwa naFarao kuti dzivatakure.
6Vakatora mombe dzavo nenhumbi dzavo dzavakanga vawana munyika yeKanani, vakasvika Egipita, Jakove nava­nakomana vake vose pamwechete naye;
7vanakomana vake, navana vavanako­mana vake pamwechete naye, navakunda vake, navakunda vavanakomana vake, navose vorudzi rwake, vakaenda navo Egipita.
8Ndiwo mazita avana vaIsiraeri va­kasvika Egipita: Jakove, navanakomana vake, vachiti: Rubheni, dangwe raJako­bho.
9Navanakomana vaRubheni: Ha­noki, naParu, naHezironi, Karami.
10Na­vanakomana vaSimioni: Jemueri, naJamini, naOhadhi, naJakini, naZohari, naShauri, waiva mwanakomana womu­kadzi weKanani.
11Navanakomana vaRe­vhi: Gerishoni, naKohati, naMerari.
12Navanakomana vaJudha: Eri, naOnani, naShera, naPerezi, naZera; asi Zera naOnani vakafira panyika yeKanani. Vanako­mana vaPerezi vaiva Hezironi, naHa­mori.
13Navanakomana vaIsakari: Tora, naPuwa, naJobho, naShimuroni.
14Nava­nakomana vaZebhuroni: Seredhi, naEroni, naJareeri.
15Ndivo vanakomana vaRea, vaakaberekera Jakove paPadhanaramu, nomukunda wake Dhina; vanakomana vake navakunda vake vose vaiva vanhu vana makumi matatu navatatu.
16Navanakomana vaGadhi: Zifioni, naHagi, naShumi, naEzibhoni, naEri, naArodhi, naAreri.
17Navanakomana vaAsheri: Imuna, naIshivha, naIshivhi, naBheria, naSera, hanzvadzi yavo; nava­nakomana vaBhiriha vaiva Hebheri, naMakieri.
18Ndivo vanakomana vaZiripa, Rabhani waakapa Rea, mukunda wake; akaberekera Jakove vanhu ava vane gumi navatanhatu.
19Vanakomana vaRakeri, mukadzi waJakove, vaiva Josefa naBhenjamini.
20Josefa akaberekerwa Manase naEfu­remu panyika yeEgipita, ndivo vaakabere­kerwa naAsenati, mukunda waPotifari, mupristi weOni.
21Navanakomana vaBhenjamini: Bhera, naBhekeri, naAshi­bheri naGera, naNaamani, naEhi, naRo­shi, naMupimi, naHupimi, naAdhi.
22Ndivo vanakomana vaRakeri, vakaberekerwa Jakove; vose vaiva vane gumi navana.
23Navanakomana vaDhani: Hu­shimi.
24Navanakomana vaNafutari: Ja­zeeri, naGuni, naJezeri, naShiremi.
25Ndivo vanakomana vaBhiriha, Rabhani waakapa Rakeri, mukunda wake; ndivo vaakaberekera Jakove; vose vaiva vano­mwe.
26Zvino vanhu vose vakauya naJa­kobho Egipita, vakanga vabuda pachiuno chake, vakadzi vavanakomana vaJakove vasingaverengwi, vose vaiva vanhu vana makumi matanhatu navatanhatu.
27Vana­komana vaJosefa vaakanga aberekerwa Egipita vaiva vanhu vaviri; vose veimba yaJakove vakauya Egipita, vaiva vanhu vana makumi manomwe.
28Akatuma Judha pamberi pake kuna Josefa kuti amuratidze nzira inoe­nda Gosheni.
29Ipapo Josefa akagadzira ngoro yake, akakwira Gosheni, kundosa­ngana naIsiraeri, baba vake; akazvizivisa kwavari, akawira pamutsipa wavo, aka­chema pamutsipa wavo nguva huru.
30Isiraeri akati kuna Josefa, Zvino nga­ndichifa hangu, nekuti ndaona chiso chako, kuti uchiri mupenyu.
31Zvino Josefa akati kuvana vababa vake naveimba yababa vake, Ini ndicha­kwira kundoudza Farao, ndichiti kwaari, Vana vababa vangu, naveimba yababa vangu, vaigara kunyika yeKanani, va­svika kwandiri;
32varume ava vafudzi, nekuti vaipfuwa zvipfuwo; vauya nama­kwai avo, nemombe dzavo, nezvose zva­vanazvo.
33Zvino kana modamwa naFa­rao, akati, Basa renyu nderei?
34Muti, Varanda venyu vaiva vapfuwi vezvipfuwo kubva paucheche hwedu kusvikira zvino, isu namadzibaba edu; kuti mugare munyika yeGosheni, nekuti vafudzi vose vanonyangadza vaEgipita.