1Zvino Isiraeri akabva nezvose zvaakanga anazvo, akasvika Bheerishebha, akabayira Mwari wababa vake Isaka zvibayiro.
2Mwari akataura naIsiraeri nezviratidzo usiku, akati, Jakove ! Jakove ! Iye akati, Ndiri pano hangu.
3Akati, Ndini Mwari, iye Mwari wababa vako; usatya hako kuburukira Egipita; nekuti ndichakuita rudzi rukuru ikoko;
4ndichaburukira Egipita newe, ndigokudzosazve zvirokwazvo; Josefa uchaisa ruoko rwake pachiso chako.
5Jakove akasimuka, akabva Bheerishebha; vanakomana vaIsiraeri vakatakura Jakove baba vavo, navana vavo vaduku, navakadzi vavo, nengoro dzakanga dzatumwa naFarao kuti dzivatakure.
6Vakatora mombe dzavo nenhumbi dzavo dzavakanga vawana munyika yeKanani, vakasvika Egipita, Jakove navanakomana vake vose pamwechete naye;
7vanakomana vake, navana vavanakomana vake pamwechete naye, navakunda vake, navakunda vavanakomana vake, navose vorudzi rwake, vakaenda navo Egipita.
8Ndiwo mazita avana vaIsiraeri vakasvika Egipita: Jakove, navanakomana vake, vachiti: Rubheni, dangwe raJakobho.
9Navanakomana vaRubheni: Hanoki, naParu, naHezironi, Karami.
10Navanakomana vaSimioni: Jemueri, naJamini, naOhadhi, naJakini, naZohari, naShauri, waiva mwanakomana womukadzi weKanani.
11Navanakomana vaRevhi: Gerishoni, naKohati, naMerari.
12Navanakomana vaJudha: Eri, naOnani, naShera, naPerezi, naZera; asi Zera naOnani vakafira panyika yeKanani. Vanakomana vaPerezi vaiva Hezironi, naHamori.
13Navanakomana vaIsakari: Tora, naPuwa, naJobho, naShimuroni.
14Navanakomana vaZebhuroni: Seredhi, naEroni, naJareeri.
15Ndivo vanakomana vaRea, vaakaberekera Jakove paPadhanaramu, nomukunda wake Dhina; vanakomana vake navakunda vake vose vaiva vanhu vana makumi matatu navatatu.
16Navanakomana vaGadhi: Zifioni, naHagi, naShumi, naEzibhoni, naEri, naArodhi, naAreri.
17Navanakomana vaAsheri: Imuna, naIshivha, naIshivhi, naBheria, naSera, hanzvadzi yavo; navanakomana vaBhiriha vaiva Hebheri, naMakieri.
18Ndivo vanakomana vaZiripa, Rabhani waakapa Rea, mukunda wake; akaberekera Jakove vanhu ava vane gumi navatanhatu.
19Vanakomana vaRakeri, mukadzi waJakove, vaiva Josefa naBhenjamini.
20Josefa akaberekerwa Manase naEfuremu panyika yeEgipita, ndivo vaakaberekerwa naAsenati, mukunda waPotifari, mupristi weOni.
21Navanakomana vaBhenjamini: Bhera, naBhekeri, naAshibheri naGera, naNaamani, naEhi, naRoshi, naMupimi, naHupimi, naAdhi.
22Ndivo vanakomana vaRakeri, vakaberekerwa Jakove; vose vaiva vane gumi navana.
23Navanakomana vaDhani: Hushimi.
24Navanakomana vaNafutari: Jazeeri, naGuni, naJezeri, naShiremi.
25Ndivo vanakomana vaBhiriha, Rabhani waakapa Rakeri, mukunda wake; ndivo vaakaberekera Jakove; vose vaiva vanomwe.
26Zvino vanhu vose vakauya naJakobho Egipita, vakanga vabuda pachiuno chake, vakadzi vavanakomana vaJakove vasingaverengwi, vose vaiva vanhu vana makumi matanhatu navatanhatu.
27Vanakomana vaJosefa vaakanga aberekerwa Egipita vaiva vanhu vaviri; vose veimba yaJakove vakauya Egipita, vaiva vanhu vana makumi manomwe.
28Akatuma Judha pamberi pake kuna Josefa kuti amuratidze nzira inoenda Gosheni.
29Ipapo Josefa akagadzira ngoro yake, akakwira Gosheni, kundosangana naIsiraeri, baba vake; akazvizivisa kwavari, akawira pamutsipa wavo, akachema pamutsipa wavo nguva huru.
30Isiraeri akati kuna Josefa, Zvino ngandichifa hangu, nekuti ndaona chiso chako, kuti uchiri mupenyu.
31Zvino Josefa akati kuvana vababa vake naveimba yababa vake, Ini ndichakwira kundoudza Farao, ndichiti kwaari, Vana vababa vangu, naveimba yababa vangu, vaigara kunyika yeKanani, vasvika kwandiri;
32varume ava vafudzi, nekuti vaipfuwa zvipfuwo; vauya namakwai avo, nemombe dzavo, nezvose zvavanazvo.
33Zvino kana modamwa naFarao, akati, Basa renyu nderei?
34Muti, Varanda venyu vaiva vapfuwi vezvipfuwo kubva paucheche hwedu kusvikira zvino, isu namadzibaba edu; kuti mugare munyika yeGosheni, nekuti vafudzi vose vanonyangadza vaEgipita.