1Zvino Josefa akaenda, akandoudza Farao, akati, Baba vangu navana vababa vangu vasvika, vachibva kunyika yeKanani, vane makwai avo, nemombe dzavo, nezvose zvavanazvo; zvino, tarirai vari munyika yeGosheni.
2Akatora varume vashanu kuvana vababa vake, akavaisa pamberi paFarao.
3Farao akati kuvakoma vake, Basa renyu ndereiko?
4Vakati kuna Farao, Tauya kuzogara tiri vatorwa munyika ino; nekuti hakuna mafuro amakwai avaranda venyu, nekuti kune nzara kunyika yeKanani; zvino tinokumbira kuti varanda venyu vagare munyika yeGosheni.
5Ipapo Farao akataura naJosefa, akati, Baba vako navana vababa vako vauya kwauri;
6nyika yeIjipiti iri pamberi pako; baba vako navana vababa vako ngavagare panzvimbo yakaisvonaka panyika ino, ngavagare panyika yeGosheni; kana uchiziva kuti pakati pavo pana varume vakangwara, uvaite vatariri vemombe dzangu.
7Josefa akapinda naJakove, baba vake, akavaisa pamberi paFarao; Jakove akaropafadza Farao.
8Farao akati kuna Jakove, Manganiko mazuva amakore oupenyu hwenyu?
9Jakove akati kuna Farao, Mazuva amakore outorwa hwangu makore ane zana namakumi matatu; mazuva amakore oupenyu hwangu aiva mashoma hawo, akaipa, haana kusvikira pamazuva amakore oupenyu hwamadzibaba angu pamazuva outorwa hwavo.
10Jakove akaropafadza Farao, akabuda pamberi paFarao.
11Zvino Josefa akapa baba vake navana vababa vake pokugara, akavapa nzvimbo panyika yeEgipita, kuti ive yavo, pakaisvonaka panyika iyo, panyika yeRamesesi, sezvaakarairwa naFarao.
12Josefa akachengeta baba vake, navana vababa vake, navose veimba yababa vake, akavapa zvokudya achiverenga navana vavowo.
13Zvino pakanga pasina zvokudya panyika yose, nekuti nzara yakanga iri huru, nyika yeEgipita nenyika yeKanani dzikaziya nenzara.
14Josefa akaunganidza mari yose yakanga iri panyika yeEgipita, napanyika yeKanani, yavakatenga zviyo nayo, Josefa akaisa mari iyo mumba maFarao.
15Mari yose yakati yapera munyika yeEgipita, napanyika yeKanani, vaEgipita vose vakauya kuna Josefa, vakati, Tipei zvokudya, nekuti tingafa seiko pamberi penyu? nekuti mari yapera.
16Josefa akati, Uyai nemombe dzenyu, ndikupei zvokudya pamusoro pezvipfuwo zvenyu, kana mari yapera.
17Zvino vakauya kuna Josefa nezvipfuwo zvavo; Josefa akavapa zvokudya, vachitsinhanha namabhiza, namakwai, nemombe, nemadhongi; akavararamisa nezvokudya, vachitsinhanha nezvipfuwo zvavo zvose gore iroro.
18Gore iroro rakati rapera, vakauya kwaari negore rechipiri, vakati kwaari, Hatingavanziri ishe wedu kuti mari yedu yose yapera, mapoka ezvipfuwo ava ashe wedu; hakuchina chakasara pamberi pashe wedu, asi miviri yedu neminda yedu;
19zvino tingafa seiko pamberi penyu, isu nenyika yedu? Titengei henyu, isu nenyika yedu, tive varanda vaFarao; tipeiwo mbeu tirarame tirege kufa, nenyika irege kushanduka iite sango.
20Zvino Josefa akatengera Farao nyika yose yeEgipita, nekuti vaEgipita vakatengesa mumwe nomumwe munda wake, nekuti nzara yakanga iri huru pamusoro pavo, nyika ikava yaFarao.
21Kana vari vanhu akavatamisa kumaguta, kubva kumuganhu mumwe weEgipita kusvikira kuno mumwe muganhu wayo.
22Asi nyika yavapristi yoga haana kuitenga, nekuti vapristi vakanga vaganhurirwa mugove wavo naFarao; vaidya mugove wavo wavaipiwa naFarao. Naizvozvo havana kutengesa nyika yavo:
23Zvino Josefa akati kuvanhu, Tarirai, ndakatengera Farao imwi nenyika yenyu nhasi, hedzi mbeu, mudzvare panyika.
24Nenguva yokukohwa munofanira kupa Farao cheshanu, zvina zvichava zvenyu, zvive mbeu dzeminda, nezvokudya zvenyu, nezvavari mudzimba dzenyu, nezvokudya zvepwere dzenyu.
25Ivo vakati, Ndimwi makatichengeta; ngatiwane hedu nyasha panashe wedu, tive varanda vaFarao.
26Josefa akatema mutemo panyika yeEgipita, uripo nanhasi, kuti Farao apiwe cheshanu; asi nyika yavapristi yoga haina kuva yaFarao.
27Zvino vaIsiraeri vakagara panyika yeEgipita, panyika yeGosheni, vakazviwanira fuma imomo, vakabereka vana, vakawanda kwazvo.
28Jakove akagara panyika yeEgipita makore ane gumi namanomwe; naizvozvo mazuva aJakove makore oupenyu hwake, aiva makore ane zana namakumi mana namanomwe.
29Zvino nguva yokufa kwaIsiraeri yakanga yaswedera, iye akadana mwanakomana wake Josefa, akati kwaari, Kana ndawana nyasha kwauri, chiisa hako ruoko rwako pasi pechidya changu, undiitire tsitsi nechokwadi; rega hako kundiviga paEgipita;
30asi kana ndavata namadzibaba angu, undibvise paEgipita, unondiviga muguva ravo. Iye akati, Ndichaita sezvamataura.
31Vakati, Ndipikire; iye akavapikira. Ipapo Isiraeri akakotamira pamusoro wouvato hwake.