1Zvino Jabhini, mambo weHazori wakati achizvinzwa, akatuma nhume kuna Jobhabhu, mambo weMadhoni, nokuna mambo weShimuroni, nokuna mambo weAkishafi,
2nokuna madzimambo akanga ari kurutivi rwokumusoro, panyika yezvikomo, nomumupata kurutivi rwenyasi rweKineroti, nomumapani, nokuzvikomo zvapaDhori, kurutivi rwamavirazuva,
3nokuvaKanani kurutivi rwamabvazuva nokumavirira, navaAmori, navaHeti, navaPerezi, navaJebhusi, panyika yamakomo, navaHivhi vakanga vagere mujinga meHorimoni, panyika yeMizipa.
4Vakabuda, ivo nehondo dzavo dzose dzavakanga vanadzo, vari vazhinji, sejecha riri pamahombekombe egungwa nokuwanda, namabhiza nengoro zhinji-zhinji.
5Madzimambo awa ose akaungana, vakauya pamwechete kuvaka misasa yavo pamvura yeMeromi, kuzorwa navaIsiraeri.
6Zvino Jehovha akati kuna Joshua, Usavatya, nekuti mangwana nenguva ino ndichavaisa vose mumaoko ako, vaurawe pamberi pavaIsiraeri; unofanira kugura marunda amakumbo amabhiza avo, nokupisa ngoro dzavo nomoto.
7Zvino Joshua akauya pakarepo, iye navanhu vose vehondo vaakanga anavo, kuti arwe navo pamvura yeMeromi, akavavamba.
8Jehovha akavaisa mumaoko avaIsiraeri, vakavaparadza nokuvadzinga kusvikira paguta guru Zidhoni, nokusvikira Misirefoti-maimi, nokusvikira kumupata weMizipe kumabvazuva; vakavauraya kusvikira vasina kusiya kunyange nomumwe chete.
9Joshua akavaitira sezvaakanga arairwa naJehovha; akagura marunda amakumbo amabhiza avo, nokupisa ngoro dzavo nomoto.
10Nenguva iyo Joshua akadzoka, akakunda Hazori, akauraya mambo waro nomunondo; nekuti pakutanga Hazori waiva muzinda woushe ihwo hwose.
11Vakauraya vanhu vose vakanga varimo neminondo inopinza, vakavaparadza chose; hakuna chinhu chimwe chinofema chakasara; vakapisa Hazori nomoto.
12Joshua akakundawo maguta ose amadzimambo iwayo, namadzimambo awo ose, akavauraya neminondo inopinza, akavaparadza chose; sezvakanga zvarairwa naMozisi muranda waJehovha.
13Asi maguta akanga ari pazvikomo zvavo, vaIsiraeri havana kuapisa kunyange nerimwe chete, asi Hazori chete; Joshua wakapisa irero.
14Vana vaIsiraeri vakatapa zvose zvavakapamba zvamaguta iwayo, nemombe; asi vakauraya varume vose neminondo inopinza, kusvikira vavaparadza; havana kusiya kunyange nechinhu chimwe chete chinofema.
15Sezvakanga zvarairwa Mozisi muranda wake naJehovha, ndizvo Mozisi zvaakaraira Joshua; Joshua akaita saizvozvo, haana kusiya chinhu chimwe chete pazvose zvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
16Saizvozvo Joshua akakunda nyika iyo yose, iyo nyika yamakomo, nenyika yose yezasi, nenyika yose yeGosheni, nebani, noMupata, nenyika yamakomo yaIsiraeri, nebani rayo;
17kubva pagomo reHaraki, rinokwira Seiri, kusvikira paBhaari-gadhi pamupata weRebhanoni, mujinga megomo reHerimoni; akakunda madzimambo aro ose, akavaparadza nokuvauraya.
18Joshua akarwa namadzimambo iwayo ose mazuva mazhinji.
19Hakuna guta rakayanana navaIsiraeri, asi vaHivhi vakanga vagere Gibhiyoni; vakakunda zvose pakurwa.
20Nekuti Jehovha ndiye wakaomesa moyo yavo, kuti varwe navaIsiraeri, kuti avaparadze chose, varege kunzwirwa tsitsi; asi avaparadze, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
21Nenguva iyo Joshua akaenda akaparadza vaAnaki panyika yamakomo, paHebhuroni, napaDhebhiri, napaAnabhi, napanyika yose yamakomo yaJudha, napanyika yose yamakomo yalsiraeri; Joshua akavaparadza chose pamwechete namaguta avo.
22Hakuna kuvaAnaki wakasara panyika yavana vaIsiraeri; asi paGaza, napaGadhi, napaAshidhodhi ndipo pakasara vamwe.
23Joshua akakunda saizvozvo nyika yose sezvose zvakaudzwa Mozisi naJehovha; Joshua akaipa vana vaIsiraeri, kuti ive nhaka yavo, sezvavakanga vakamurwa namarudzi avo. Nyika ikazorora pakurwa.