1Zvino Adhoni-zedheki, mambo weJerusaremu, wakati achinzwa kuti Joshua wakakunda Ai, akariparadza chose, uye kuti wakaitira Ai namambo waro sezvaakaitira Jeriko namambo waro, uye kuti vanhu veGibhiyoni vakanga vayanana navaIsiraeri, vakagara pakati pavo;
2vakatya kwazvo, nekuti Gibhiyoni rakanga riri guta guru, rakanga rakaita somumwe wemizinda yamambo; uye nekuti rakanga riri guru kupfuura Ai, navarume varo vose vakanga vane simba.
3Naizvozvo Adhoni-zedheki, mambo weJerusaremu, akatuma nhume kuna Hohami, mambo weHebhuroni, nokuna Pirami, mambo weJarimuti, nokuna Jafia, mambo weRakishi, nokuna Dhebhiri, mambo weEgironi, akati,
4Kwirai kwandiri, mundibatsire, tirwe navaGibhiyoni, nekuti vakayanana naJoshua navana vaIsiraeri.
5Naizvozvo madzimambo mashanu avaAmori, vaiti mambo weJerusaremu, namambo weHebhuroni, namambo weJarimuti, namambo weRakishi, namambo weEgironi vakaungana, vakaenda ivo nehondo dzavo dzose, vakavaka misasa yavo pamberi peGibhiyoni, vakarwa naro.
6Ipapo varume veGibhiyoni vakatuma nhume kuna Joshua kumisasa yakanga iri paGirigari, vakati, Musaregerera henyu varanda venyu; kurumidzai mukwire kwatiri, mutirwire nokutibatsira, nekuti madzimambo ose avaAmori vagere munyika yamakomo vakatiunganira kuzorwa nesu.
7Ipapo Joshua akakwira achibva Girigari, iye navanhu vose vehondo vaakanga anavo, navarume vose vaiva nesimba noumhare.
8Jehovha akati kuna Joshua, Usavatya, nekuti ndavaisa mumaoko ako; hakuna munhu uchagona kumira pamberi pako.
9Naizvozvo Joshua akavarwira pakarepo; akafamba usiku hwose achibva Girigari.
10Zvino Jehovha akavavhundusa pamberi paIsiraeri, akavauraya nokuuraya kukuru paGibhiyoni, akavadzingirira nenzira yaikwira Bheti-horoni, akavaparadza kusvikira Azeka, nokusvikira Makedha.
11Zvino vakati vachitiza pamberi pavaIsiraeri, vari pamatenusirwa anoburukira Bheti-horoni, Jehovha akakanda pamusoro pavo mabwe makuru akanga achibva kudenga, kusvikira Azeka, vakafa; ivo, vakafa nechimvuramabwe, vakanga vari vazhinji kuna vakaurawa neminondo navana vaIsiraeri.
12Zvino Joshua akataura naJehovha nomusi Jehovha waakaisa vaAmori mumaoko avana valsiraeri, akati pamberi pavaIsiraeri,
13Zuva rikamira, nomwedzi ukarambirapo, kusvikira rudzi rwazvitsivira vavengi varwo.
14Hakuna kumbova nezuva rakadaro kubva pakutanga kana shure kwaro, kuti Jehovha wakateerera inzwi romunhu; nekuti Jehovha wakarwira vaIsiraeri.
15Joshua akadzokera navaIsiraeri vose kumisasa paGirigari.
16Madzimambo awo mashanu akatiza, vakandovanda mubako paMakedha.
17Joshua akaudzwa, zvichinzi, Madzimambo iwayo mashanu akawanikwa, akavanda mubako paMakedha.
18Zvino Joshua akati, Kungurusai mabwe makuru pamuromo webako, nokuisa varume ipapo kuvarinda.
19Asi imwi musamira henyu; teverai vavengi venyu, mundovauraya veshure vavo; musavatendera kupinda mumaguta avo, nekuti Jehovha Mwari wenyu wakavaisa mumaoko enyu.
20Zvino Joshua navana vaIsiraeri vakati vapedza kuvauraya nokuuraya kukuru, kusvikira vaparadzwa, navakanga vasara kwavari vapinda mumaguta akavakirwa masvingo;
21vanhu vose vakadzokera kumisasa kuna Joshua paMakedha norugare; hakuna munhu wakasimudzira mumwe wavana vaIsiraeri rurimi rwake.
22Zvino Joshua akati, Zarurai muromo webako, mubudise madzimambo mashanu iwayo mubako muuye nawo kwandiri.
23Ivo vakaita saizvozvo, vakabudisa madzimambo iwayo mashanu mubako vakauya navo kwaari, vaiti mambo weJerusaremu, namambo weZebhuroni, namambo weJarimuti, namambo weRakishi, namambo weEgironi.
24Zvino vakati vabudisa madzimambo iwayo vakauya navo kuna Joshua, Joshua akadana varume vose vaIsiraeri, akati kuvakuru vehondo vakanga vanaye, Swederai, muise tsoka dzenyu pamitsipa yavo.
25Zvino Joshua akati kwavari, Musatya, kana kuvhunduswa; simbai mutsunge moyo, nekuti Jehovha uchaita saizvozvo navavengi venyu vose, vamunorwa navo.
26Pashure Joshua akavabaya, akavauraya, ndokuvasungirira pamiti kusvikira madekwana.
27Nenguva yokuvira kwezuva Joshua akaraira vanhu, vakavaturura pamiti, vakavakandira mubako mavakanga vakavanda, vakaisa mabwe makuru pamuromo webako; aripo kusvikira zuva rino ranhasi.
28Joshua akakunda Makedha nomusi iwoyo, akariparadza neminondo inopinza, namambo waro; akavaparadza chose navanhu vose vakanga varimo; haana kusiya kunyange nomumwe; akaitira mambo weMakedha sezvaakaitira mambo weJeriko.
29Zvino Joshua akabva Makedha, iye navalsiraeri vose vaakanga anavo, vakaenda Ribhina vakarwa neRibhina;
30Jehovha akariisawo namambo waro mumaoko alsiraeri; akariparadza neminondo inopinza, navanhu vose vakanga varimo; haana kusiyamo kunyange nomumwe; akaitira mambo waro sezvaakaitira mambo weJeriko.
31Zvino Joshua akabva Ribhina, iye navaIsiraeri vose vaakanga anavo, vakaenda Rakishi, vakavaka misasa yavo pedo naro, vakarwa naro;
32Jehovha akaisa Rakishi mumaoko avaIsiraeri, akarikunda nezuva repiri, akariparadza neminondo inopinza, navanhu vose vakanga varimo, sezvose zvaakaitira Ribhina.
33Zvino Horamu, mambo weGezeri, wakakwira kuzobatsira Rakishi; Joshua akamuuraya navanhu vake, kusvikira asina kumusiira kunyange nomunhu mumwe.
34Zvino Joshua akabva Rakishi, iye navaIsiraeri vose vaakanga anavo, vakaenda Egironi; vakavaka misasa yavo pedo naro, vakarwa naro;
35vakarikunda nomusi iwoyo, vakariparadza neminondo inopinza; vakaparadza chose nomusi iwoyo vanhu vose vakanga varimo, sezvose zvaakaitira Rakishi.
36Zvino Joshua akabva Egironi, iye navaIsiraeri vose vaakanga anavo, vakaenda Hebhuroni, vakarwa naro;
37vakarikunda, nokuriparadza neminondo inopinza, namambo waro, namaguta aro ose, navanhu vose vakanga varimo; haana kusiya kunyange nomumwe, sezvose zvaakaitira Egironi; asi wakariparadza chose navanhu vose vakanga varimo.
38Zvino Joshua akadzokera Dhebhiri, navaIsiraeri vose vaakanga anavo; vakarwa naro;
39akarikunda, namambo waro, namaguta aro ose; vakavauraya neminondo inopinza, nokuparadza chose vanhu vose vakanga varimo; haana kusiya kunyange nomumwe; sezvaakaitira Hebhuroni, ndizvo zvaakaitira Dhebhiriwo, namambo waro; sezvaakaitirawo Ribhina namambo waro.
40Saizvozvo Joshua wakaparadza nyika yose, nyika yamakomo neyenyasi, neyamapani, neyemitenusirwa, namadzimambo adzo ose, haana kusiya kunyange nomumwe; asi wakaparadza zvose zvipenyu, sezvakaraira Jehovha Mwari waIsiraeri.
41Joshua akavaparadza kubva Kadheshi-bharinea kusvikira Gaza, nenyika yose yeGosheni kusvikira Gibhiyoni.
42Madzimambo iwayo ose nenyika dzawo akakundwa naJoshua nenguva imwe, nekuti Jehovha Mwari waIsiraeri wakarwira Isiraeri.
43Ipapo Joshua akadzokera kumisasa paGirigari, iye navaIsiraeri vose vaakanga anavo.