1Zvino madzimambo ose akanga agere mhiri kwaJoridhani, panyika yamakomo nenyika yamapani, napamahombekombe ose egungwa guru pamberi peRebhanoni, vaHeti, navaAmori, navaKanani, navaPerezi, navaHivhi, navaJebhusi, vakati vachinzwa izvozvo,
2vakaungana nomoyo mumwe kundorwa naJoshua navaIsiraeri.
3Asi vanhu veGibhiyoni vakati vachinzwa zvakanga zvaitirwa Jeriko neAi naJoshua,
4vakatsvaka mano, vakaenda senhume, vakaenda nehomo dzakasakara pamusoro pembongoro dzavo, nehombodo dzewaini dzakasakara, dzakanga dzakaparuka, nokusonanidzwazve;
5neshangu dzakasakara, dzaiva nezviremo patsoka dzavo, nenguvo dzakasakara; zvingwa zvavo zvose zvembuva yavo zvakanga zvakaoma nokuvhuvha.
6Vakaenda kuna Joshua kumisasa paGirigari, vakati kwaari nokuvarume vaIsiraeri, Tinobva kunyika iri kure; naizvozvo itai sungano nesu zvino.
7Varume vaIsiraeri vakati kuvaHivhi, Zvimwe mugere pakati pedu; tingaita sungano nemwi seiko?
8Ivo vakati, Tiri varanda venyu. Joshua akati kwavari, Ndimwi aniko? Munobvepi?
9Vakati, Varanda venyu vabva kunyika iri kure-kure, nokuda kwezita raJehovha Mwari wenyu, nekuti takanzwa mukurumbira wake nezvose zvaakaita Egipita.
10Uye zvose zvaakaitira madzimambo maviri avaAmori, akanga ari mhiri kwaJoridhani, naSihoni mambo weHeshibhoni, naOgi mambo weBhashani, wakange ari paAshitaroti.
11Vakuru vedu navanhu vose venyika yedu vakataura nesu, vakati, Torai mbuva yenzira mumaoko enyu, mundosangana navo, muti kwavari, Tiri varanda venyu; zvino itai sungano nesu.
12Zvingwa izvo zvembuva yedu takazvitora zvichakapisa mudzimba dzedu musi watakabuda, tichiuya kwamuri; asi zvino tarirai, zvaoma, zvavhuvha.
13Nehombodo idzi dzewaini, dzatakazadza, dzakanga dziri itsva; tarirai, dzaparuka; nenguvo dzedu idzi, neshangu dzedu zvasakara nemhaka yorwendo rurefu-refu.
14Ipapo varume vakatora zvimwe zvembuva yavo, vasingabvunzi muromo waJehovha.
15Joshua akayanana navo, akaita sungano navo, kuti vachavarega vari vapenyu; machinda eungano akapika kwavari.
16Zvino mazuva matatu akati apera, vaita sungano navo, vakanzwa kuti vagere pedo navo napakati pavo.
17VaIsiraeri vakafamba, vakasvika pamaguta avo nezuva retatu. Maguta avo aiva Gibhiyoni, neKefira, neBheroti, naKiriatijearimi.
18Vana vaIsiraeri havana kuvaparadza, nekuti machinda eungano akanga apika kwavari naJehovha Mwari waIsiraeri. Ungano yose ikapopotera machinda.
19Asi machinda ose akati kuungano yose, Takapika kwavari naJehovha, Mwari waIsiraeri, naizvozvo zvino hatigoni kuvaitira chinhu.
20Tichavaitira chinhu ichi, tichavarega vari vapenyu, kuti tirege kuwirwa nokutsamwa kwaMwari nokuda kokupika, kwatakapika kwavari.
21Zvino machinda akati kwavari, Ngavararame havo. Vakava vatemi vehuni navateki vemvura veungano yose, sezvavakaudzwa namachinda.
22Zvino Joshua akavadana, akataura navo, akati, Matinyengedzerereiko, muchiti, Takabva kure-kure nemi, zvamugere pakati pedu?
23Naizvozvo zvino muri vanhu vakatukwa, muchangosiva varanda navatemi vehuni navateki vemvura veimba yaMwari wangu.
24Vakapindura Joshua, vakati: Nekuti varanda venyu vakanga vaudzwa zvirokwazvo kuti Jehovha Mwari wenyu wakange araira muranda wake Mozisi, kuti akupei nyika yose, nokuparadza vose vagere panyika ino pamberi penyu; naizvozvo takatya kwazvo nokuda kwenyu kuti tichaurawa, tikaita chinhu ichi.
25Zvino tarirai, tiri pamaoko enyu, itai nesu sezvamunoti ndizvo zvakanaka nezvakarurama.
26Akavaitira saizvozvo, akavarwira pamaoko avana vaIsiraeri, ivo vakasavauraya.
27Musi iwoyo Joshua akavaita vatemi vehuni navateki vemvura yeungano neyearitari yaJehovha, kusvikira nhasi panzvimbo yaizotsaurwa naye.