1Zvino Jehovha wakati kuna Joshua,
2Unofanira kuitira Ai sezvawakaitira Jeriko namambo waro; asi munofanira kutapa zvingatapwa zvaro, nemombe dzaro, zvive zvenyu; uzvigadzirire vangavandira guta necheseri kwaro.
3Naizvozvo Joshua akasimuka, navarume vose vehondo, kuti vakwire Ai; Joshua akatsaura varume vane zviuru zvina makumi matatu, varume vane simba noumhare, akavatuma usiku.
4Akavaraira, akati, Tarirai, munofanira kundovandira guta necheseri kwaro; musaenda kure neguta, asi mugare makazvigadzira mose;
5zvino ini navanhu vose vandinavo, tichaswedera kuguta; zvino kana vachibuda kuzorwa nesu, sapakutanga, isu tichatiza pamberi pavo;
6ipapo vachabuda, vachititevera, kusvikira tavanyengera kure neguta; nekuti vachati, Vanotiza pamberi pedu sapakutanga, nesu tichatiza pamberi pavo;
7ipapo imwi munofanira kusimuka pamakanga makavandira, mundokunda guta, nekuti Jehovha Mwari wenyu uchariisa mumaoko enyu.
8Zvino kana makunda guta, munofanira kuripisa nomoto; munofanira kuita sezvakarehwa naJehovha;tarirai, ndakurairai.
9Zvino Joshua akavatuma, vakaenda kundovanda, vakagara pakati peBheteri neAi, kurutivi rwamavirazuva rweAi; asi Joshua wakavata pakati pavanhu usiku uhwo.
10Zvino Joshua akamuka mangwanani, akaunganidza vanhu, akakwira iye navakuru valsiraeri, vakatungamirira vanhu kuenda Ai.
11Navarume vose vehondo vaakanga anavo, vakakwira, vakaswedera pamberi peguta, vakadzika matende avo kurutivi rwokumusoro rweAi. Zvino kwakanga kuno mupata pakati pake neAi.
12Akatsaura varume vanenge zviuru zvishanu, akavaraira kuvanda pakati peBheteri neAi, kurutivi rwamavirazuva rweguta.
13Naizvozvo vakaraira vanhu, iyo hondo yose yaiva kurutivi rwokumusoro rweguta, navaivanda kurutivi rwamavirazuva rweguta; asi Joshua wakaenda usiku uhwo pakati pomupata.
14Zvino mambo weAi wakati aona izvozvo, vakakurumidza kumuka mangwanani, varume veguta vakabuda kundorwa naIsiraeri, iye navanhu vake vose, panzvimbo yakanga yatarwa, pamupata; asi haana kuziva kuti kwakanga kuna vavandiri necheseri kweguta.
15Zvino Joshua navaIsiraeri vose vakaita savakundwa navo, vakatiza nenzira yerenje.
16Ipapo vanhu vose vakanga vari muguta vakakokwa kundovatevera; vakatevera Joshua, vakanyengerwa kure neguta.
17Kwakanga kusina munhu wakasara paAi neBheteri, asina kubuda kundotevera Isiraeri; vakasiya guta rakashama, vakatevera Isiraeri.
18Zvino Jehovha akati kuna Joshua, Tambanudzira pfumo riri muruoko rwako kurutivi rweAi, nekuti ndichariisa muruoko rwako. Joshua akatambanudzira pfumo rakanga riri muruoko rwake kurutivi rweguta;
19ipapo vavandiri vakakurumidza kusimuka pavakanga vagere, vakamhanya pakarepo pakutambanudza kwake ruoko rwake, vakapinda muguta, vakarikunda; vakakurumidza kupisa guta.
20Zvino varume veAi vakati vachicheuka, onei utsi bweguta huchikwira kudenga, vakashaiwa kwavangatizira kupi nokupi; navanhu vakanga vatizira kurenje vakadzoka kuzorwa navaivatevera.
21Zvino Joshua navaIsiraeri vose vakati vaona kuti vavandiri vakunda guta, uye kuti utsi bweguta hwokwira kudenga, vakadzokazve kuzouraya varume veAi.
22Navamwe vakabuda muguta kuzorwa navo; naizvozvo vakanga vari pakati pavaIsiraeri, vamwe nechouno vamwe nechokoko; vakavauraya, kusvikira vasina kurega mumwe wavo ari mupenyu, kana wakatiza.
23Vakabata mambo weAi, achiri mupenyu, vakamuisa kuna Joshua.
24Zvino vaIsiraeri vakati vapedza kuuraya nomunondo unopinza vanhu vose veAi kusango, kurenje kwavakanga vavateverera, kusvikira vapera, vaIsiraeri vakadzokera Ai, vakariparadza nomunondo unopinza.
25Vose vakaurawa nomusi iwoyo, varume navakadzi, vakanga vane zviuru zvine gumi nezviviri, ivo varume vose veAi,
26nekuti Joshua haana kudzosa ruoko rwake, rwaakanga akatambanudza pfumo, kusvikira aparadza chose vanhu veAi.
27Asi mombe nezvingatapwa zveguta iro vaIsiraeri vakazvitapa kuti zvive zvavo, zvakarehwa neshoko raJehovha, raakaraira Joshua.
28Naizvozvo Joshua akapisa Ai, akariita murwi ungavapo nokusingaperi, nedongo kusvikira nhasi.
29Akasungirira mambo weAi pamuti kusvikira madekwana; asi pakuvira kwezuva Joshua akavaraira, vakaturura chitunha chake pamuti, vakachikanda panopindwa napo pasuwo reguta, vakatutira pamusoro pacho murwi mukuru wamabwe; aripo kusvikira nhasi.
30Zvino Joshua wakavakira Jehovha Mwari waIsiraeri atari pagomo reEbhari,
31sezvakanga zvarairwa vana vaIsiraeri naMozisi, muranda waJehovha, sezvakanyorwa mubhuku yomurayiro waMozisi; yakanga iri aritari yamabwe asina kuvezwa; hakuna munhu wakange asimudzira dare pamusoro pawo; vakabayirapo Jehovha zvipiriso zvinopiswa, nokubayirawo zvipiriso zvokuyananisa.
32Akanyorazve ipapo pamabwe murayiro waMozisi, waakanyora pamberi pavaIsiraeri.
33Valsiraeri vose navakuru vavo navatariri vavo, navatongi vavo vakamira paareka nechouno necheseri, pamberi pavapristi vaRevhi, vaisitakura areka yesungano yaJehovha, pamwechete navatorwa navakanga vaberekerwa munyika; hafu yavo pamberi pegomo reGerizimi, nehafu yavo pamberi pegomo reEbhari; sezvakanga zvarairwa naMozisi, muranda waJehovha, kuti vatange kuropafadza vana vaIsiraeri.
34Pashure akarava mashoko ose omurayiro, okuropafadza nookutuka, sezvazvakanyorwa zvose mubhuku yomurayiro.
35Kwakanga kusine shoko rimwe, pazvose zvakanga zvarairwa naMozisi, risina kurahwa naJoshua pamberi peungano yose yavalsiraeri, navakadzi navana, navatorwa vakanga vagere pakati pavo.