1Ndiwo mugove worudzi rwaManase; nekuti iye wakange ari mwana wedangwe waJosefa. Kana ari Makiri, mwana wedangwe waManase, baba vaGiriyadhi, iye wakapiwa Giriyadhi neBhashani, nekuti wakange ari murwi.
2Vamwe vana vaManase vakapiwa mugove nemhuri dzavo: Vana vaAbhiezeri, navana vaHereki, navana vaAsirieri, navana vaShekemu, navana vaHeferi, navana vaShemidha, ndivo vakanga vari vana vavakomana vaManase, mwanakomana waJosefa, nemhuri dzavo.
3Asi Zerofeadhi, mwanakomana waHeferi, mwanakomana waGiriyadhi, mwanakomana waMakiri, mwanakomana waManase, wakange asina vanakomana, asi vanasikana chete; mazita avanasikana vake akanga ari Mara, naNowa, naHogira, naMirika, naTiriza.
4Ivo vakaswedera kumupristi Ereazari, nokuna Joshua, mwanakomana waNuni, nokumachinda, vakati, Jehovha wakaraira Mozisi kuti atipe nhaka pakati pehama dzedu; naizvozvo akavapa nhaka pakati pavanin'ina vababa vavo, sezvakanga zvarairwa naJehovha.
5Manase akapiwa migove ine gumi, kunze kweGiriyadhi neBhashani mhiri kwaJoridhani;
6nekuti vanasikana vaManase vakanga vane nhaka pakati pavanakomana vake; nyika yeGiriyadhi yakanga iri yavamwe vanakomana vaManase.
7Muganhu waManase wakabva kwaAsheri, ndokusvika paMikimetati, pamberi peShekemu; zvino muganhu ndokuenda kuruoko rworudyi, kusvikira kuvanhu vakanga vagere Eni-tapua.
8Nyika yeTapua yakanga iri yaManase; asi Tapua pamuganhu waManase rakanga riri guta ravana vaEfuremu.
9Zvino muganhu ndokuburuka kurukova Kana, nechezasi korukova; maguta iwayo akanga ari aEfuremu, pakati pamaguta aManase; muganhu waManase wakange uri nechokumusoro korukova, ndokuguma pagungwa.
10Kurutivi rwezasi nyika yakanga iri yaEfuremu; kurutivi rwokumusoro yakanga iri yaManase; gungwa waiva muganhu wake; miganhu ikasvika kwaAsheri kumusoro, nokwaIsakari kumabvazuva.
11Pakati palsakari naAsheri Manase wakange ane Bhetisheani nemisha yaro, neJibhireami nemisha yaro, navanhu vakanga vagere Dhori
12Asi vana vaManase vakanga vasingagoni kudzinga vanhu vakanga vagere mumaguta iwayo; asi vaKanani vakaramba vachida kugara panyika iyo.
13Zvino vana vaIsiraeri vakati vava nesimba, vakaita vaKanani vabati vechibharo, havana kuvadzinga chose.
14Zvino vana vaJosefa vakataura naJoshua, vakati, Makatipireiko mugove mumwe chete nechikamu chimwe chete, kuti ive nhaka yedu, zvatiri vanhu vazhinji, nekuti Jehovha wakatiropafadza kusvikira zvino?
15Joshua akati kwavari, Kana muri vanhu vazhinji, endai henyu kudondo, mundozvitemera nzvimbo ipapo panyika yavaPerezi neyavaRefaimu; zvamusingakwaniri panyika yamakomo yaEfuremu.,
16Vana vaJosefa vakati, Nyika yamakomo haingatikwaniri; uye vaKanani vose vanogara munyika yomupata vane ngoro dzamatare, ivo vose vari paBhetisheani nemisha yaro, navari mumupata weJezireeri.
17Zvino Joshua akataura naveimba yaJosefa, ivo vaEfuremu navaManase, akati, imwi muri vanhu vazhinji, mune simba guru, hamungavi nomugove mumwe chete;
18asi nyika yamakomo ichava yenyu; nekuti kunyange riri dondo, muchafanira kuritema, mabudiro aro ose agova enyu; nekuti munofanira kudzinga vaKanani, kunyange vane ngoro dzamatare, uye kunyange vane simba.