1Zvino ungano yose yavana vaIsiraeri yakaungana paShiro, ikadzikapo tende rokusangana; nyika yakanga yakundwa navo.
2Asi pakati pavana vaIsiraeri kwakanga kwasara marudzi manomwe akanga achigere kukamurirwa nhaka yawo.
3Zvino Joshua akati kuvana vaIsiraeri, Muchanonoka kusvikira rinhiko kupinda nokutora nyika, yamakapiwa naJehovha Mwari wamadzibaba enyu?
4Zvitsaurirei varume vatatu kurudzi rumwe norumwe, ini ndivatume, vasimuke vafambe nenyika, vagorondedzera nhaka yavo; ipapo vauye kwandiri.
5Vanofanira kuiganhura vachiita migove minomwe; vaJudha vanofanira kugara panyika yavo kurutivi rwezasi, uye veimba yaJosefa vanofanira kugara panyika yavo kurutivi rwokumusoro.
6Zvino munofanira kurondedzera nyika, muchiita migove minomwe, mugouya nerondedzero kwandiri, ndikukandirei mijenya pano pamberi paJehovha Mwari wedu.
7nekuti vaRevhi havano mugove pakati penyu; nekuti upristi hwaJehovha ndiyo nhaka yavo; zvino vaGadhi navaRubheni, nehafu yorudzi rwaManase vakapiwa nhaka yavo mhiri kwaJoridhani kumabvazuva, yavakanga vapiwa naMozisi muranda waJehovha.
8Zvino varume avo vakasimuka, vakaenda, Joshua akaraira ivavo vakaenda kundorondedzera nyika, akati, Endai, mufambe nenyika, muirondedzere, mugodzokera kwandiri, ndikukandirei mijenya pano pamberi paJehovha paShiro.
9Varume vakaenda, vakafamba nenyika, vakarondedzera mubhuku nyika namaguta ayo, vachiita migove mina, vakasvika kuna Joshua pamisasa paShiro.
10Zvino Joshua akavakandira mijenya paShiro pamberi paJehovha; ipapo Joshua akagovera vana vaIsiraeri nyika sezvavakanga vakamurirwa.
11Rudzi rwavana vaBhenjamini vakagoverwa mugove wavo nemhuri dzavo; nyika yomugove wavo yakanga iri pakati pavana vaJudha navana vaJosefa.
12Muganhu wavo kurutivi rwokumusoro wakabva paJoridhani; zvino muganhu ndokukwira kurutivi rweJeriko nechokumusoro, ndokukwira nenyika yamakomo kumavirazuva, ndokuguma murenje reBheti-avheni.
13Muganhu ndokubvapo, ndokupfuura napaRuzi, kurutivi rwezasi rweRuzi (ndiro Bheteri); zvino muganhu ndokuburukira Ataroti-adhari, pedo negomo riri zasi kweBheti-horoni rezasi.
14Muganhu ndokutarwa, uchibva pagomo riri pamberi peBheti-horoni zasi, ndokuguma paKiriati-bhaari (ndiro Kiriati-jearimi), guta ravana vaJudha; ndirwo rwaiva rutivi rwamavirazuva.
15Rutivi rwezasi rwakabva pamugumo weKiriatijearimi, muganhu ndokuramba uchienda kumavirazuva, ndokubudira kutsime remvura yeNefitoa;
16zvino muganhu ndokuburukira kumugumo wegomo riri pamberi pomupata womwanakomana waHinomi, mumupata weRefaimu kumusoro; ndokuburukira kumupata waHinomi, kurutivi rwavaJebhusi zasi, ndokuburukira Eni-rogeri;
17zvino ndokutarwa kurutivi rwokumusoro, kubva paEni-shemeshi kusvikira paGeriroti, rakatarisana nejinga reAdhumimi; ndokuburukira kubwe raBhohani, mwanakomana waRubheni;
18zvino ndokupfuurira kurutivi rwakatarisana neArabha, kumusoro, ndokuburukira kuArabha;
19muganhu ndokupfuura nokurutivi rweBheti-hogira kumusoro, ndokuguma kumusoro apo pakapinda nyika muGungwa roMunyu, kumugumo wezasi waJoridhani; ndiwo waiva muganhu wezasi.
20Joridhani ndirwo rwakanga ruri muganhu wayo kumabvazuva. Ndiyo yakanga iri nhaka yavana vaBhenjamini, nemiganhu yayo kunhivi dzose, nemhuri dzavo.
21Maguta orudzi rwavana vaBhenjamini, nemhuri dzavo, akanga ari Jeriko, neBheti-hogira, neEmeki-kezizi,
22neBheti-arabha, neZemaraimi, neBheteri,
23neAvhimu, nePara, neOfura,
24neKefari-amoni, neOfini, neGebha; maguta ane gumi namaviri nemisha yawo;
25neGibhiyoni, neRama, neBheroti,
26neMizipe, neKefira, neMoza,
27neRekemi, neIripeeri, neTarara,
28neZera, neErefi, neJebhusi (ndiro Jerusaremu), neGibhiyati, neKiriati; maguta ane gumi namana nemisha yawo; ndiyo yakanga iri nhaka yavana vaBhenjamini nemhuri dzavo.