Shona

Swahili: New Testament

Joshua

19

1Mugove wechipiri wakapiwa Simioni, irwo rudzi rwavana vaSimioni nemhuri dzavo; nhaka yavo yakanga iri pakati penhaka yavana vaJudha.
2Panhaka yavo vakanga vane Bheeri-shebha, kana Shebha, neMoradha,
3neHazari-shuari, neBhara, neEzemi,
4neEritoradhi, neBheturi, neHoma,
5neZikiragi, neBheti-marikabhoti, neHazari-susa,
6neBheti-rebhaoti, neSharuheni; maguta ane gumi namatatu nemisha yawo.
7Aini, neRimoni, neEteri, neAshani; maguta mana nemisha yawo ;
8misha yose yakapoteredza maguta iwayo kusvikira paBhaarati-bheeri, raiva Rama rezasi. Ndiyo yakanga iri nhaka yorudzi rwavana vaSimioni nemhuri dzavo.
9Nhaka yavana vaSimioni yakanga yato rwa pamugove wavana vaJudha, nekuti mugove wavana vaJudha wakange uri mukurusa; naizvozvo vana vaSimioni vakapiwa nhaka pakati penhaka yavo.
10Mugove wechitatu wakapiwa vana vaZebhuruni, nemhuri dzavo; muganhu wenhaka yavo wakasvika paSaridhi.
11Muganhu wavo wakakwira kumavirazuva, kusvikira paMarara, ndokusvikira paDhabhesheti, ndokusvikira kurukova rwaiva pamberi peJokineamu;
12kubva paSaridhi wakadzokera kumabvazuva, kunobuda zuva, kusvikira kumuganhu weKisiroti-tabhori, ndokubudira kuDhabherati, ndokukwira Jafia;
13kubva ipapo wakapfuura kumabvazuva uchienda Gatiheferi, kusvikira paEti-kazini, ndokuguma paRimoni, rinosvika paNea;
14zvino muganhu ndokudzoka kurutivi rwokumusoro, ndokuenda Hanatoni, ndokuguma pamupata weIfitaeri;
15neKatati, neNaharari, neShimuroni, neIdhara, neBheterehemu; maguta ane gumi namaviri nemisha yawo.
16Ndiyo yakanga iri nhaka yavana vaZebhuruni, nemhuri dzavo, maguta iwayo nemisha yawo.
17Mugove wechina wakapiwa Isakari, ivo vana vaIsakari, nemhuri dzavo.
18Muganhu wavo wakasvika paJezireeri, neKesuroti, neShunemi,
19neHafaraimi, neShioni, neAnaharoti,
20neRabhiti, neKishioni, neEbhesi,
21neRemeti, neEniganimi, neEni-hadha, neBheti-pazezi;
22muganhu ukasvika paTabhori, neShahazuma, neBheti-shemeshi; muganhu ndokugumira paJoridhani; maguta ane gumi namatanhatu nemisha yawo.
23Ndiyo yakanga iri nhaka yorudzi rwavana vaIsakari nemhuri dzavo, maguta nemisha yawo.
24Mugove wechishanu wakapiwa rudzi rwavana vaAsheri nemhuri dzavo.
25Muganhu wavo wakange uri: Harakati, neHari, neBheteni, neAkishafi,
26neMamereki, neAmadhi, neMishari, ndokusvikira paKarimeri kumavirazuva, nokuShihori-ribhinati;
27ndokudzokera kumabvazuva kuBheti-dhagoni ndokusvikira kwaZebhuruni, nokumupata weIfitaeri kumusoro, kusvikira paBheti-emeki, neNeyeri, nokubudira paKabhuri kuruboshwe,
28neEbhuroni, neRehobhi, neHamoni, neKana, kusvikira paZidhoni guru;
29zvino muganhu ndokudzokera kuRama, nokuguta reTire rakakombwa norusvingo; muganhu ndokudzokera Hosa, ndokuguma pagungwa panyika yeAkizibhi;
30uye Uma, neAfeki, neRehobhi; maguta makumi maviri namaviri nemisha yawo.
31Ndiyo yakanga iri nhaka yorudzi rwavana vaAsheri, nemhuri dzavo maguta iwaya nemisha yawo.
32Mugove wechitanhatu wakapiwa vana vaNafutari, ivo vana vaNafutari nemhuri dzavo.
33Muganhu wavo wakabva paHerefi, kubva pamuouki weZaananimi, neAdhami-nekebhi, neJabhuneeri, kusvikira paRakumi, ndokuguma paJoridhani;
34ipapo muganhu wakadzoka kumabvazuva, ndokuenda Azinoti-tabhori; ndokubvapo, ndokuenda Hukoki; ndokusvika kwaZebhuruni kurutivi rwezasi, ndokusvika kwaAsheri kumavirazuva, ndokusvika kwaJudha paJoridhani kumabvazuva.
35Maguta akanga akakombwa namasvingo akanga ari Zidhimu, neZera, neHamati, neRakati, neKinereti,
36neAdhama, neRama, neHazori,
37neKedheshi, neEdhirei, neEni-harori,
38neIroni, neMigadhari-eri, neHoremu, neBheti-anati, neBheti-shemeshi; maguta ane gumi namapfumbamwe, nemisha yawo.
39Ndiyo yakanga iri nhaka yorudzi rwavana vaNafutari nemhuri dzavo, maguta iwaya nemisha yawo.
40Mugove wechinomwe wakapiwa rudzi rwavana vaDhani nemhuri dzavo.
41Muganhu wenhaka yavo wakange uri Zora, neEshitaori, neIri-shemeshi;
42neShaarabhini, neAjaroni, neItira,
43neEroni, neTimuna, neEkironi,
44neEriteke, neGibhetoni, neBhaarati,
45neJehudhi, neBheni-bheraki, neGati-rimoni,
46neMejarikoni, neRakoni, nenyika yakatarisana neJopa.
47Asi nyika yavana vaDhani yakanga iri dukusa; naizvozvo vana vaDhani vakandorwa neReshemi, vakarikunda, vakariparadza neminondo inopinza, vakapiwa guta iro, vakagaramo; vakatumidza Reshemi zita rinonzi Dhani, zita rababa vavo Dhani.
48Ndiyo yakanga iri
49Naizvozvo vakapedza kugovera nyika, yakanga iri nhaka yavo nemiganhu yayo; vana vaIsiraeri vakapa Joshua mwanakomana waNuni nhaka yake pakati pavo;
50sezvavakanga varairwa naJehovha, vakamupa guta raakakumbira, Timunati-sera, panyika yamakomo yaEfuremu; akavaka guta iro, akagaramo.
51Ndidzo nhaka dzakagoverwa nemijenya paShiro pamberi paJehovha, pamukova wetende rokusangana, nomupristi Ereazari, naJoshua mwanakomana waNuni, navakuru vedzimba dzamadzibaba amarudzi avana valsiraeri, kuti dzive nhaka dzavo. Naizvozvo vakapedza kugovera nyika.