Shona

Swahili: New Testament

Joshua

2

1Zvino Joshua, mwanakomana waNuni, wakatuma varume vaviri pakavanda, vachibva Shitimi, kuti vandoshora, achiti, Endai mundotarira nyika neJeriko. Vakaenda, vakapinda muimba yechifeve, chainzi Rakabhi, vakavatapo.
2Zvino mambo weJeriko akaudzwa, zvichinzi, Tarirai, varume vavana vaIsiraeri vakapinda muno usiku huno kuzoshora nyika.
3Zvino mambo weJeriko akatuma shoko kuna Rakabhi, akati, Budisa varume vakasvika kwauri, vapinda mumba mako, nekuti vauya kuzoshora nyika yose.
4Mukadzi akatora varume avo vaviri, akavavanza, akati, Hongu, varume vakasvika havo kwandiri, asi ndakanga ndisingazivi kuti vaibvepi.
5Zvino nenguva yokupfigwa kwesuwo, kwasviba, varume vakabudazve; kwavakazoenda ivo varume, ini handikuzivi; kurumidzai kuvatevera, nekuti mungandovabata.
6Asi wakange avakwidza pamusoro pedenga, akavavanza pasi povutanda hwamasosoori, hwakanga hwakarongwa naye padenga.
7Varume vakavateverera nenzira inoenda Joridhani, kusvikira kumazambuko; zvino vakavatevera vakati vabuda, suwo rikazarirwa.
8Zvino vachigere kuvata, Rakabhi ndokukwira kwavari pamusoro pedenga,
9akati kuvarume, Ndinoziva kuti Jehovha wakakupai nyika, tinokutyai kwazvo, vanhu vose vagere munyika vavhunduka pamberi penyu.
10Nekuti takanzwa kuti Jehovha wakapwisa mvura yeGungwa Dzvuku pamberi penyu, nguva yokubuda kwenyu Egipita, nezvamakaitira madzimambo maviri avaAmori, vakanga vari mhiri kwaJoridhani, ivo Sihoni naOgi, vamakaparadza chose.
11Zvino pakarepo takati tichinzwa izvozvo moyo yedu ikavhunduka, hakuna munhu uchinokutsunga pamoyo pake nokuda kwenyu, nekuti Jehovha Mwari wenyu, ndiye Mwari kudenga kumusoro napanyika pasi.
12Naizvozvo zvino ndipikirei henyu naJehovha, kuti zvandakakuitirai zvakanaka, nemiwo muchaitira imba yababa vangu zvakanaka; mundipeiwo chiratidzo chakasimba,
13kuti muchararamisa baba vangu namai vangu nehanzvadzi dzangu navanin'ina vangu, nezvose zvavanazvo, nokurwira upenyu bwedu parufu.
14Ipapo varume vakati kwaari, Isu ngatife panzvimbo yenyu, kana musingabudisi pachena basa redu iri; kana Jehovha achitipa nyika iyi, tichakuitira zvakanaka nechokwadi.
15Ipapo akavaburusira pasi nebote napahwindo, nekuti imba yake yakanga iri pamusoro porusvingo rweguta, naiye wakange agere pamusoro porusvingo.
16Akati kwavari, Tizirai henyu kumakomo, kuti vateveri verege kusangana nemi, muvandepo mazuva matatu, kusvikira vateveri vadzoka; pashure mungaenda henyu.
17Zvino varume vakati kwaari, Hatingasungwi nemhiko yako iyi yawakatipikisa.
18Tarira, nguva yatinopinda panyika ino, unofanira kusungira bote iri dzvuku rakakoshwa pahwindo pawakatiburusira pasi napo; unofanirawo kuunganidza mumba mako baba vako, namai vako, nehanzvadzi dzako, navose veimba yababa vako.
19Zvino ani naani unobuda kunze kwemikova yeimba yako, ropa rake richava pamusoro pomusoro wake, asi isu hatingavi nemhosva; ani naani unewe mumba mako, ropa rake richava pamusoro pemisoro yedu, kana akaitirwa zvakaipa noruoko rwomunhu.
20Asi kana ukabudisa pachena basa redu iri, isu hatingasungwi nemhiko yako yawakatipikisa.
21Iye akati, Ngazviitwe sezvamakataura; akavaendesa, vakabva, iye ndokusungira bote dzvuku pahwindo.
22Ivo vakaenda, vakasvika kumakomo, vakagarapo mazuva matatu, kusvikira vateveri vadzoka; vateveri vakavatsvaka panzira iyo yose, asi havana kuvawana.
23Zvino varume avo vaviri vakadzoka, vakaburuka pamakomo, vakayambuka, vakasvikazve kuna Joshua, mwanakomana waNuni; vakamuudza zvose zvavakanga vaitirwa.
24Vakati kuna Joshua, Zvirokwazvo, Jehovha wakaisa nyika yose mumaoko edu; uye vanhu vose vagere panyika iyo vavhunduka pamberi pedu.