Shona

Swahili: New Testament

Joshua

3

1Zvino Joshua akamuka mangwanani, vakabva Shitimi, vakasvika paJoridhani, iye navana vaIsiraeri vose; vakavatapo vasati vayambuka.
2Mazuva matatu akati apera, vatariri vakapinda napakati pemisasa,
3vakaraira vanhu, vachiti, Kana muchiona areka yesungano yaJehovha Mwari wenyu, navapristi vaRevhi voitakura, munofanira kusimuka pamugere, nokuitevera.
4Asi munofanira kusiya nzvimbo pakati penyu naiyo, inosvika makubhiti anenge zviuru zviviri; regai kuswedera kwairi, kuti muzive nzira yamunofanira kuenda nayo; nekuti mugere kumbofamba nenzira iyi.
5Zvino Joshua akati kuvanhu, Zvinatsei, nekuti mangwana Jehovha uchaita zvinoshamisa pakati penyu.
6Joshua akataura navapristi, akati, Simudzai areka yesungano, mutungamirire vanhu pakuyambuka. Ivo vakasimudza areka yesungano, vakatungamirira vanhu.
7Ipapo Jehovha akati kuna Joshua, Nhasi ndichatanga kukukudza pamberi pavaIsiraeri vose, vazive kuti ndichava newe, sezvandaisiva naMozisi.
8Iwe unofanira kuraira vapristi kuti vatakure areka yesungano, uchiti, Kana masvika parutivi rwemvura yaJoridhani, munofanira kumira muJoridhani.
9Zvino Joshua akati kuvana vaIsiraeri, Uyai pano, munzwe mashoko aJehovha Mwari wenyu.
10Joshua akati, Muchaziva nechinhu ichi kuti Mwari mupenyu uri pakati penyu, uye kuti uchadzinga zvirokwazvo pamberi penyu vaKanani, navaHeti, navaHivhi, navaPerezi, navaGirigashi, navaAmori, navaJebhusi.
11Tarirai, areka yesungano yaIshe wenyika yose inokutungamirirai pakuyambuka Joridhani.
12Naizvozvo zvino muzvitorerei varume vane gumi navaviri pamarudzi ose avaIsiraeri, mumwe mumwe parudzi rumwe norumwe.
13Zvino kana tsoka dzavapristi vanotakura areka yaJehovha, Ishe wenyika yose dzichitsika mumvura yaJoridhani, mvura yaJoridhani ichagurwa, iyo mvura inobva kumusoro; ichamira, ikaita murwi mukuru.
14Zvino vanhu vakati vachibva pamatende avo, kuti vayambuke Joridhani, vapristi vaitakura areka vakatungamirira vanhu;
15zvino vakanga vakatakura areka vakati vachisvika paJoridhani, netsoka dzavapristi vakanga vakatakura areka dzichinyikwa pamucheto wemvura (nokuti Joridhani runofashamira nhivi dzarwo dzose nguva yose yokukohwa,)
16mvura yakanga ichibva kumusoro ikamira, ikaita murwi mukuru, kusvikira kure-kure paAdhama, guta riri kurutivi rweZaretani; neyakanga ichiyerera kugungwa reArabha, ndiro Gungwa roMunyu, yakagurwa chose; vanhu vakayambuka pakatarisana neJeriko.
17Vapristi vakanga vakatakura areka yesungano yaJehovha vakaramba vamire pasi pakaoma pakati paJoridhani; vaIsiraeri vose vakayambuka pavhu rakaoma kusvikira rudzi rwose rwapedza kuyambuka Joridhani.