1Zvino rudzi rwose rwakati rwapedza kuyambuka Joridhani, Jehovha akataura naJoshua, akati,
2Uzvitorere varume vane gumi navaviri kuvanhu, mumwe mumwe parudzi rumwe norumwe;
3ugovaraira, uchiti, Pano pakati paJoridhani, pakaramba pamire tsoka dzavapristi muzvitorere mabwe ane gumi namaviri, muyambuke nawo mundoaisa pavato, pamuchandovata usiku huno.
4Ipapo Joshua akadana varume avo vane gumi navaviri, vaakanga agadza pakati pavana vaIsiraeri, mumwe mumwe parudzi rumwe norumwe,
5Joshua akati kwavari, Tungamirirai areka yaJehovha Mwari wenyu, muyambuke kusvikira pakati paJoridhani, mumwe nomumwe wenyu anonge ibwe ariise pafudzi rake, aenzane namarudzi avana vaIsiraeri.
6Kuti chinhu ichi chive chiratidzo pakati penyu, kuti kana vana venyu vachizobvunza pashure, vachiti, Mabwe awa anoti kudiniko?
7imwi muti kwavari, nekuti mvura yaJoridhani yakagurwa pamberi peareka yesungano yaJehovha; nguva yayakayambuka Joridhani, mvura yaJoridhani yakagurwa; mabwe awa achava chirangaridzo pakati pavana vaIsiraeri nokusingaperi.
8Vana vaIsiraeri vakaita sezvavakarairwa naJoshua, vakanonga mabwe ane gumi namaviri pakati paJoridhani, sezvakataura Jehovha kuna Joshua, akaenzana namarudzi avana vaIsiraeri, vakayambuka nawo, vakaatakura, kusvikira pavakandovata, vakaaisapo.
9Zvino Joshua akamisa mabwe ane gumi namaviri mukati maJoridhani, pakanga pamire tsoka dzavapristi vaitakura areka yesungano; aripo kusvikira nhasi.
10Nekuti vapristi vakanga vakatakura areka vakamira mukati maJoridhani kusvikira zvose zvapera zvakanga zvarairwa Joshua naJehovha, kuti azviudze vanhu, zvose zvakanga zvarairwa Joshua naMozisi; vanhu vakakurumidza kuyambuka.
11Zvino vanhu vose vakati vapedza kuyambuka, areka yaJehovha ikayambukawo, navapristi pamberi pavanhu.
12Navana vaRubheni, navana vaGadhi, nehafu yorudzi rwaManase, vakayambuka pamberi pavanhu, vakashonga nhumbi dzokurwa, sezvavakaudzwa naMozisi.
13Vanenge vane zviuru zvina makumi mana, vakanga vakashonga nhumbi dzokurwa, ndivo vakayambuka pamberi paJehovha, vakaenda kumapani eJeriko kundorwa.
14Nomusi uyo Jehovha akakudza Joshua pamberi pavaIsiraeri vose; vakamutya sezvavaitya Mozisi mazuva ose oupenyu hwake.
15Zvino Jehovha akataura naJoshua, akati,
16Raira vapristi vanotakura areka yechipupuriro, kuti vakwire vabude mukati maJoridhani.
17Naizvozvo Joshua akaraira vapristi, akati, Kwirai, mubude mukati maJoridhani.
18Zvino vapristi vakanga vakatakura areka yesungano yaJehovha vakati vakwira vabuda mukati maJoridhani, netsoka dzavapristi dzasimudzwa dzasvika pasi pakaoma, mvura yaJoridhani ikadzokera panzvimbo yayo, ikadarika nhivi dzarwo dzose sakare.
19Vanhu vakakwira vakabuda paJoridhani pazuva regumi romwedzi wokutanga, vakadzika matende avo muGirigari, pamuganhu wamabvazuva eJeriko.
20Joshua akamisa aya mabwe ane gumi namaviri avakanonga muJoridhani paGirigari.
21Akataura navana vaIsiraeri, akati, Kana vana venyu vachizobvunza madzibaba avo panguva inouya, vachiti, Mabwe awa anoti kudiniko?
22imwi munofanira kuzivisa vana venyu, muchiti, VaIsiraeri vakayambuka Joridhani urwu vachitsika pasi pakaoma.
23nekuti Jehovha Mwari wakapwisa mvura yaJoridhani pamberi penyu, kusvikira mayambuka, sezvaakaita iye Jehovha Mwari wenyu paGungwa Dzvuku, raakapwisa pamberi pedu, kusvikira tayambuka;
24kuti ndudzi dzose dzenyika dzizive kuti ruoko rwaJehovha ndirwo rune simba; kuti vatye Jehovha Mwari wenyu nokusingaperi.