1Zvino madzimambo ose avaAmori, akanga agere mhiri kwaJoridhani kumavirazuva, namadzimambo ose avaKanani, akanga agere pagungwa, akati achinzwa kuti Jehovha wakapwisa mvura yaJoridhani pamberi pavana vaIsiraeri, kusvikira tayambuka, moyo yavo ikavhunduka, vakasazova nomweya mukati mavo, nokuda kwavana vaIsiraeri.
2Nenguva iyo Jehovha akati kuna Joshua, Uzviitire mapanga amabwe anopinza, udzingisezve vana vaIsiraeri.
3Joshua akazviitira mapanga amabwe anopinza, akadzingisa vana vaIsiraeri pachikomo chezvikanda zvapamberi.
4Joshua akavadzingisa nemhaka iyi, nekuti vanhurume vose vakanga vabuda Egipita, ivo varume vehondo, vakanga vafira panzira murenje pakubuda kwavo Egipita.
5nekuti vanhu vose vakabuda Egipita vakanga vadzingiswa; asi vanhu vose vakanga vaponerwa murenje panzira pakubuda kwavo Egipita, vakanga vasina kudzingiswa.
6nekuti vana vaIsiraeri vakafamba makore ana makumi mana murenje, kusvikira rudzi rwose, ivo varume vehondo vakanga vabuda Egipita, vaparadzwa, nekuti havana kuteerera inzwi raJehovha, Jehovha akapika kwavari kuti haangavaonesi nyika, yaakanga apikira madzibaba avo, kuti uchatipa iyo, iri nyika inoyerera mukaka nouchi.
7Zvino vana vavo vaakanga amutsa panzvimbo yavo, ndivo vakadzingiswa naJoshua; nekuti vakanga vasina kudzingiswa, zvavakanga vasina kudzingiswa panzira.
8Zvino vakati vapedza kudzingisa rudzi rwose, vakagara pavakanga vari pamisasa kusvikira vapora.
9Zvino Jehovha akati kuna Joshua, Nhasi ndabvisa kwamuri kuzvidzwa kwamakazvidzwa nako navaEgipita. Naizvozvo nzvimbo iyo yakanzi Girigari, kusvikira nhasi.
10Vana vaIsiraeri vakavaka misasa yavo paGirigari, vakadya Pasika pazuva regumi namana romwedzi madekwana, pamapani eJeriko.
11Nomusi uyo, uri musi wakatevera Pasika, vakadya zvibereko zvenyika iyo, zvingwa zvisina kuviriswa pamwechete nehura dzakakangwa nomusi iwoyo.
12mana*ikaguma nomusi wakatevera uyo wavakadya nawo zvibereko zvenyika iyo; vana vaIsiraeri havana kuzova nemanazve, asi vakadya zvibereko zvenyika yeKanani gore irero.
13Zvino Joshua wakati ari Jeriko akasimudza meso ake, akatarira, akaona murume amire pakatarisana naye, akabata munondo wake wakavhomorwa muruoko rwake; Joshua akenda kwaari, akati kwaari, Uri mumwe wedu here, kana wavavengi vedu?
14Iye akati, Kwete, asi ndauya ini mukuru wehondo yaJehovha. Ipapo Joshua akawira pasi nechiso chake, akanamata kwaari, akati kwaari, Ishe wangu unoreveiko kumuranda wake?
15Mukuru wehondo yaJehovha akati kuna Joshua, Bvisa shangu yako parutsoka rwako, nekuti paumire patsvene; Joshua akaita saizvozvo.