1Zvino guta reJeriko rakanga rapfigwa kwazvo nokuda kwavana vaIsiraeri; kwakanga kusina munhu waibuda kana kupinda.)
2Zvino Jehovha akati kuna Joshua, Tarira, ndakapa mumaoko ako Jeriko, namambo waro, navarume varo vane simba noumhare.
3Munofanira kukomba guta, imwi varume vose vehondo, mupoteredze guta kamwe chete. Unofanira kuita saizvozvo mazuva matanhatu.
4Vapristi vanomwe vanofanira kufamba pamberi peareka vakabata hwamanda nomwe dzenyanga dzamakondobwe; nomusi wechinomwe munofanira kupoteredza guta kanomwe, vapristi vachiridza hwamanda.
5Zvino kana voridzisa norunyanga rwegondobwe, kana imwi muchinzwa kurira kwehwamanda, ipapo vanhu vose vanofanira kudanidzira nokudanidzira kukuru; ipapo rusvingo rweguta ruchakoromoka chose, navanhu vanofanira kupinda, mumwe nomumwe ipapo pakaruramana naye.
6Zvino Joshua, mwanakomana waNuni, akadana vapristi, akati kwavari, Simudzai areka yesungano, vapristi vanomwe vafambe vakabata hwamanda nomwe dzenyanga dzamakondobwe pamberi peareka yaJehovha.
7Akati kuvanhu, Pfuurai, mupoteredze guta, varume vakashonga nhumbi dzokurwa vatungamirire areka yaJehovha.
8Zvino Joshua wakati ataura navanhu, vapristi vanomwe vakatungamira vakabata hwamanda nomwe dzenyanga dzamakondobwe, vakaridza hwamanda, areka yesungano yaJehovha ikavatevera.
9Varume vakanga vakashonga nhumbi dzokurwa vakatungamirira vapristi vakanga vachiridza hwamanda, navarindi veshure vakatevera areka, vapristi vakafamba vachingoridza hwamanda.
10Zvino Joshua akaraira vanhu, akati, Regai kudanidzira, namanzwi enyu ngaarege kunzwika, kana shoko rimwe ngarirege kubuda pamiromo yenyu, kusvikira pamusi wandinokurairai kuti mudanidzire; ipapo munofanira kudanidzira.
11Naizvozvo wakaraira kuti areka yaJehovha ipoteredze guta, iripoteredze kamwe chete; vanhu vakapindazve mumisasa, vakavatamo.
12Joshua akamuka mangwanani, vapristi vakasimudza areka yaJehovha.
13Navapristi vanomwe vakanga vakabata hwamanda nomwe dzenyanga dzamakondobwe pamberi peareka yaJehovha, vakaramba vachifamba vachingoridza hwamanda; navarume vakanga vakashonga nhumbi dzokurwa vakavatungamirira; navarindi veshure vakatevera areka yaJehovha, vapristi vakafamba vachingoridza hwamanda.
14Nomusi wechipiri vakapoteredza guta kamwe chete, vakadzokera kumisasa; vakaita saizvozvo mazuva matanhatu.
15Nomusi wechinomwe vakafumira mangwanani, vakapoteredza guta nomutowo iwoyo kanomwe; nomusi iwoyochetevakapoteredza guta kanomwe.
16Zvino panguva yechinomwe, vapristi vakati vachiridza hwamanda, Joshua akati kuvanhu, Danidzirai, nekuti Jehovha wakupai guta.
17Asi guta rinofanira kuyeriswa kuna Jehovha, iro nezvose zviri mukati maro; asi Rakabhi chete, chifeve chiya, ngaaregwe ari mupenyu, iye navose vari mumba make, nekuti wakavanza nhume dzatakatuma.
18Asi imwi, chenjerai pazvinhu zvinoyera, kuti murege kutora chinhu chinoyera, mambochiyeresa, naizvozvo mungatukisa misasa yaIsiraeri mukaipinza mudambudziko.
19Asi sirivha yose, nendarama, nemidziyo yendarira, neyamatare zvitsvene kuna Jehovha; zvinofanira kuiswa muchivigiro chefuma chaJehovha.
20Naizvozvo vanhu vakadanidzira, navapristi vakaridza hwamanda; zvino vanhu vakati vachinzwa kurira kwehwamanda, vanhu vakadanidzira nokudanidzira kukuru, rusvingo ndokukoromoka chose, vanhu vakakwira vachipinda muguta, mumwe nomumwe pakaruramana naye, vakakunda guta.
21Vakaparadza chose nomunondo unopinza zvose zvakanga zviri muguta, varume navakadzi, vaduku navakuru, nenzombe, namakwai, nembongoro.
22Joshua akati kuvarume vaviri vakanga vandoshora nyika, Pindai muimba yechifeve, mubudise mukadzi nezvose zvaanazvo, sezvamakapika kwaari.
23Zvino majaya iwayo, vashori, vakapinda, vakabudisa Rakabhi, nababa vake, namai vake, nehanzvadzi dzake, nezvose zvaakanga anazvo, vakabudisawo hama dzake dzose, vakavaisa kunze kwemisasa yaIsiraeri.
24Ipapo vakapisa guta nomoto, nezvose zvakanga zviri mukati maro; asi sirivha, nendarama, nemidziyo yendarira, neyamatare, vakazviisa muchivigiro chefuma cheimba yaJehovha.
25Asi Joshua wakarega Rakabhi, chifeve chiya, ari mupenyu, iye naveimba yababa vake, nezvose zvaakanga anazvo; iye akagara pakati paIsiraeri kusvikira nhasi; nekuti wakange avanza nhume dzakatumwa naJoshua kundoshora Jeriko.
26Nenguva iyo Joshua akavapikisa, achiti, Munhu unozomuka akavaka guta iri reJeriko ngaatukwe; ucharashikirwa nedangwe rake kana achiteya nheyo dzaro, uye ucharashikirwa norugotwe rwake kana achimutsa masuwo aro.
27Naizvozvo Jehovha wakange ana Joshua; mukurumbira wake ukanzwika panyika yose.