1Zvino Jefuta muGiriyadhi, wakange ari munhu ane simba noumhare, asi wakange ari mwanakomana wechifeve; Giriyadhi ndiye wakabereka Jefuta.
2Mukadzi waGiriyadhi akamuberekera vanakomana; zvino vanakomana vomukadzi wake vakati vakura, vakadzinga Jefuta, vakati kwaari, Haungadyi nhaka mumba mababa vedu, nekuti uri mwanakomana womumwe mukadzi.
3Ipapo Jefuta akatiza vanin'ina vake, akandogara panyika yeTobhi; varume vakaipa vakaunganira kuna Jefuta, vakasibuda naye kundorwa.
4Zvino nguva yakati yapfuura, vana vaAmoni vakandorwa navalsiraeri,
5Zvino vana vaAmoni vakati vorwa navaIsiraeri, vakuru veGiriyadhi vakandotora Jefuta panyika yeTobhi.
6Vakati kuna Jefuta, Uya, uve ishe wedu, kuti tindorwa navana vaAmoni.
7Jefuta akati kuvakuru veGiriyadhi, Hamuna kundivenga mukandidzinga mumba mababa vangu here? Zvino mauyireiko kwandiri, zvamava munjodzi?
8Vakuru veGiriyadhi vakati kuna Jefuta, Naizvozvo tadzokera kwauri, kuti uende nesu kundorwa navana vaAmoni, iwe ugova mukuru wedu nowavose vagere Giriyadhi.
9Jefuta akati kuvakuru veGiriyadhi, Kana muchindidzosa kuti ndirwe navana vaAmoni, kana Jehovha akavaisa mumaoko angu, ndichava mukuru wenyu here?
10Vakuru veGiriyadhi vakati kuna Jefuta, Jehovha unoteerera pakati pedu; zvirokwazvo tichaita sezvawataura iwe.
11Zvino Jefuta akaenda navakuru veGiriyadhi, vanhu vakamuita mukuru nashe wavo; Jefuta akataura mashoko ake ose pamberi paJehovha paMizipa.
12Zvino Jefuta akatuma nhume kuna mambo wavana vaAmoni, akati, Mhosva yako ndeyeiko, zvawauya kuzorwa neni nenyika yangu?
13Mambo wavana vaAmoni akapindura nhume dzaJefuta, akati: Nekuti vaIsiraeri vakatora nyika yangu, nguva yavakabva Egipita, kubva paArinoni kusvikira paJabhoki neJoridhani, saka zvino chidzosai nyika idzo norugare.
14Ipapo Jefuta akatumazve nhume kuna mambo wavana vaAmoni,
15akati kwavari, Zvanzi naJefuta, VaIsiraeri havana kutora nyika yaMoabhu, kana nyika yavana vaAmoni;
16asi panguva yakakwira valsiraeri vachibva Egipita, vakafamba murenje kusvikira paGungwa Dzvuku, vakasvika paKadheshi,
17vaIsiraeri vakatuma nhume kuna mambo waEdhomu, vachiti, Nditenderei henyu kupfuura napanyika yenyu; asi mambo waEdhomu wakaramba kunzwa. Saizvozvo akatumawo nhume kuna mambo waMoabhu; asi iye wakaramba; zvino vaIsiraeri vakagara paKadheshi.
18Ipapo vakafamba nomurenje, vakapota nyika yaEdhomu nenyika yaMoabhu, vakaenda nokumabvazuva enyika yaMoabhu, vakadzika matende avo nechemhiri kwaArinoni; asi havana kudarika muganhu waMoabhu, nekuti Arinoni waiva muganhu waMoabhu.
19Ipapo vaIsiraeri vakatuma nhume kuna Sihoni, mambo wavaAmori, mambo weHeshibhoni; vaIsiraeri vakati kwaari, Titenderei henyu kupfuura napanyika yenyu, kusvikira panzvimbo yedu.
20Asi Sihoni haana kutenda vaIsiraeri kuti vadarike muganhu wake; Sihoni akaunganidza vanhu vake vose, akandodzika matende ake paJahazi, akarwa navalsiraeri.
21Zvino Jehovha Mwari wavaIsiraeri akaisa Sihoni navanhu vake vose mumaoko avaIsiraeri vakavauraya; naizvozvo vaIsiraeri vakatora nyika yose yavaAmori, vakanga vagere munyika ivo, ikava yavo.
22Nyika yose yavaAmori ikava yavo, kubva paArinoni kusvikira paJabhoki, kubva kurenje, kusvikira paJoridhani.
23Saka zvino Jehovha Mwari wavaIsiraeri ndiye wakatorera vaAmori nyika yavo pamberi pavanhu vake vaIsiraeri, zvino imwi moda kuvatorerazve here?
24Ko imwi hamungatori izvo zvamunopiwa namwari wenyu Kemoshi here, nesuwo titore nyika yavose vanodzingwa pamberi pedu naJehovha Mwari wedu?
25Ko zvino imwi makanaka kupfuura Bharaki mwanakomana waZipori, mambo waMoabhu here? Iye wakatongopopotera vaIsiraeri, kana kurwa navo here?
26Nguva yakagara vaIsiraeri paHeshibhoni nemisha yaro, napaAroeri nemisha yaro, napamaguta ose ari parutivi rwaArinoni, makore ana mazana matatu, makaregereiko kuvatorera nyika iyo nenguva iyo?
27Naizvozvo ini handina kukutadzira, asi ndiwe unondiitira zvakaipa, uchida kurwa neni; Jehovha, iye Mutongi, ngaatonge nhasi pakati pavana vaIsiraeri navana vaAmoni.
28Asi mambo wavana vaAmoni haana kuteerera mashoko aJefuta, aakatuma kwaari.
29Zvino Mweya waJehovha wakauya pamusoro paJefuta, akapfuura kunyika yaGiriyadhi neyaManase, akapfuurawo napaMizipa paGiriyadhi, akabva paMizipa paGiriyadhi, akapfuura kuvana vaAmoni.
30Jefuta akapikira Jehovha mhiko, akati, Kana mukaisa vana vaAmoni mumaoko angu,
31ipapo ani naani unobuda pamikova yeimba yangu kuzosongana neni, musi wandinodzoka norugare ndichibva kuvana vaAmoni, uchava waJehovha; ndichauya naye, chive chipiriso chinopiswa.
32Ipapo Jefuta akapfuurira kuvana vaAmoni, akandorwa navo; Jehovha akavaisa mumaoko ake.
33Akavaparadza nokuparadza kukuru kwazvo, kubva paAroeri kusvikira paMiniti, maguta anamakumi maviri, nokusvikira paAbherikeramimi. Vana vaAmoni vakakundwa saizvozvo pamberi pavana vaIsiraeri.
34Jefuta akasvika paMizipa paimba yake, zvino tarira, mukunda wake akabuda kuzosangana naye namakandira, nokupembera. Iye wakange ari mwana wake mumwe chete, wakange asina mumwe mwana kunze kwake, kana mwanakomana, kana mwanasikana.
35Zvino wakati achimuona, akabvarura nguvo dzake, akati, Haiwa! Mukunda wangu! Iwe wandionesa nhamo kwazvo, iwe uri pakati pavanondiisa panjodzi; nekuti ndakashamisa muromo wangu kuna Jehovha, handingagoni kudzoka.
36Iye akati, Baba vangu, makashamisa muromo wenyu kuna Jehovha; ndiitirei henyu sezvamakataura, nekuti Jehovha wakakutsivirai kwazvo vavengi venyu, ivo vana vaAmoni.
37Akati kuna baba vake, Nditenderei henyu chinhu ichi: Nditenderei mwedzi miviri, ndiende, ndiburukire kumakomo, ndicheme umhandara hwangu, ini neshamwari dzangu.
38Ivo vakati, Chienda hako. Akamutendera mwedzi miviri; akaenda, iye neshamwari dzake, akandochema umhandara hwake kumakomo.
39Zvino mwedzi miviri yakati yapera, akadzokera kuna baba vake, ivo vakamuitira sezvavakanga vapika; wakange asina kuziva murume. Ikazova tsika pakati pavaIsiraeri,
40kuti vakunda vaIsiraeri vaende makore ose mazuva mana pagore kundochema mukunda waJefuta muGiriyadhi.