Shona

Swahili: New Testament

Judges

12

1Zvino varume vaEfuremu vakaungana, vakapfuurira kurutivi rwokumusoro, vakati kuna Jefuta, Wakapfuurireiko kundorwa navana vaAmoni, ukasatidana isu kuti tiendewo newe? Tichapisa imba yako pamusoro pako nomoto.
2Jefuta akati kwavari, Ini navanhu vangu takanga tichitambudzika kwazvo navana vaAmoni; zvino panguva yandakakudanai, imwi hamuna kundiponesa pamaoko avo.
3Zvino ndakati ndichiona kuti hamuna kundiponesa, handina kurangarira upenyu hwangu, asi ndakapfuura ndikandorwa navana vaAmoni, Jehovha akavaisa muruoko rwangu; zvino makwirireiko nhasi kwandiri kuzorwa neni?
4Ipapo Jefuta akaunganidza varume vose veGiriyadhi, akarwa naEfuremu, nekuti vakati, Muri vanhu vakatiza kuna Efuremu, imwi vaGiriyadhi, muchigara pakati paEfuremu, napakati paManase.
5Ipapo vaGiriyadhi vakandogarira mazambuko aJoridhani paiyambukira vaEfuremu. Zvino kana mumwe wavakatiza kuna Efuremu akati, Nditenderei kuti ndiyambuke, varume veGiriyadhi ndokuti kwaari, Uri muEfuremu here? Kana akati, Kwete,
6ipapo vakati kwaari, Zvino chiti, Shibhoreti; iye ndokuti, Sibhoreti, nokusagona kureva kwazvo; ipapo vakamubata, vakamuuraya pamazambuko aJoridhani, nenguva iyo vaEfuremu vane zviuru zvina makumi mana nezviviri vakaurawa.
7Jefuta akatonga Isiraeri makore matanhatu. Ipapo Jefuta muGiriyadhi akafa, akavigwa mune rimwe ramaguta aGiriyadhi .
8Shure kwake Ibhuzani weBheterehemu wakatonga Isiraeri.
9Iye wakange ana vanakomana vana makumi matatu; vanasikana vake vana makumi matatu akavatuma vakandowanikwa kumwe, akandotorazve kumwe vamwe vanasikana vana makumi matatu vakawanikwa navanakomana vake. Iye akatonga Isiraeri makore manomwe.
10Ibhuzani akafa, akavigwa paBheterehemu.
11Shure kwake Eroni muZebhuruni wakatonga Isiraeri; akatonga Isiraeri makore ane gumi.
12Eroni muZebhuruni akafa, akavigwa paAjaroni, panyika yaZebhuruni.
13Shure kwake Abhidhoni mwanakomana waHireri, muPiratoni, wakatonga Isiraeri.
14Iye wakange ana vanakomana vana makumi mana, navazukuru vana makumi matatu, vaitasva vana vembongoro vana makumi manomwe; iye akatonga Isiraeri makore masere.
15Abhidhoni mwanakomana waHireri, muPiratoni, akafa, akavigwa paPiratoni, panyika yaEfuremu, panyika yamakomo yavaAmareki.