Shona

Swahili: New Testament

Judges

13

1Zvino vana vaIsiraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha, Jehovha akavaisa mumaoko avaFirisitia makore ana makumi mana.
2Zvino kwakanga kuno mumwe murume weZora, weimba yaDhani, wainzi Manowa; mukadzi wake wakange asina mwanakomana, asingabereki.
3Mutumwa waJehovha akazviratidza kumukadzi uyu, akati kwaari, Tarira zvino, iwe haubereki, hauno mwana; asi uchava nemimba, nokubereka mwanakomana.
4Naizvozvo zvino chichenjera hako kuti urege kumwa waini, kana zvimwe zvinobata, kana kudya chinhu chisina kunaka;
5nekuti tarira, uchava nemimba, nokubereka mwanakomana; musoro wake haufaniri kuveurwa nechisvo, nekuti mwana uyu anofanira kuva muNaziri waMwari kubva padumbu ramai vake; iye uchatanga kuponesa Isiraeri pamaoko avaFirisitia.
6Zvino mukadzi akandoudza murume wake, akati, Munhu waMwari wakauya kwandiri, chiso chake chakanga chakafanana nechiso chomutumwa waMwari, chaityisa kwazvo; handina kumubvunza kuti unobvepi, uye iye haana kundiudza zita rake;
7asi wakati kwandiri, Tarira, uchava nemimba, nokubereka mwanakomana; zvino chirega kumwa waini, kana zvimwe zvinobata, usadya chinhu chisina kunaka, nekuti mwana uyu uchava muNaziri waMwari kubva padumbu ramai vake kusvikira pazuva rokufa kwake.
8Ipapo Manowa akakumbira kuna Jehovha, akati, Jehovha, ndinokumbira kuti munhu waMwari wamakatuma, auyezve kwatiri, atidzidzise zvatinofanira kuitira mwana uchazozvarwa.
9Jehovha akanzwa inzwi raManowa; mutumwa waMwari akauyazve kumukadzi agere pamunda; asi Manowa, murume wake, wakange asiko kwaari.
10Mukadzi akakurumidza, akamhanya, akandoudza murume wake, akati kwaari, Tarira, murume uya wazviratidzazve kwandiri, iye wakadeya kuuya kwandiri musi uya.
11Manowa akasimuka, akatevera mukadzi, wake akasvika kumurume, akati kwaari, Ndiwe murume wakataura nomukadzi here? Iye akati, Ndini.
12Manowa akati, Zvino kana mashoko enyu achinge aitika, tsika dzomwana dzinofanira kuva dzipi, nebasa rake rinofanira kuva reiko?
13Mutumwa waJehovha akati kuna Manowa; Mukadzi ngaachenjere pamusoro pezvose zvandakamuudza.
14Haafaniri kudya chinhu chipi nechipi chinobva pamuti womuzambiringa; haafaniri kumwa waini, kana zvimwe zvinobata, kana kudya chinhu chisina kunaka; ngaachengete zvose zvandakamuraira.
15Manowa akati kumutumwa waJehovha, Titenderei henyu tikunonosei, tikugadzirirei mbudzana.
16Mutumwa waJehovha akati kuna Manowa, Kunyange ukandinonosa, handingadyi chingwa chako; kana ukada kugadzira chipiriso chinopiswa, unofanira kuchipa Jehovha. nekuti Manowa wakange asingazivi kuti mutumwa waJehovha.
17Manowa akati kumutumwa waJehovha, Zita renyu ndianiko? Kuti tizive kukukudzai kana mashoko enyu achizoitika?
18Mutumwa waJehovha akati kwaari, Unondibvunzireiko zita rangu, zvarinoshamisa?
19Ipapo Manowa akatora mbudzana pamwechete nechipiriso chezvokudya, akazvibayira Jehovha padombo; mutumwa akaita chinhu chinoshamisa, Manowa nomukadzi wake vakataririra.
20nekuti murazvo womoto wakati uchikwira kudenga uchibva paatari, mutumwa waJehovha ndokukwira mumurazvo weatari, Manowa nomukadzi wake vakataririra; vakawira pasi nezviso zvavo.
21Asi mutumwa waJehovha haana kuzozviratidzazve kuna Manowa, kana kumukadzi wake. Ipapo Manowa akaziva kuti mutumwa waJehovha.
22Zvino Manowa akati kumukadzi wake, Tichafa zvirokwazvo, nekuti takaona Mwari.
23Asi mukadzi wake wakati kwaari, Dai Jehovha aida kutiuraya, ungadai asina kugamuchira chipiriso chinopiswa chezvokudya pamaoko edu; ungadai asina kutiratidza mashoko akadai panguva ino.
24Zvino mukadzi akapona mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Samusoni; mwana akakura, Jehovha akamuropafadza.
25Mweya waJehovha akatanga kumumutsa paMahanedhani, pakati peZora neEshitaori.