1Asi nguva duku yakati yapera, panguva yekukohwa gorosi, Samusoni akandoshanyira mukadzi wake, akabata mbudzana; akati, Ndinoda kupinda kumukadzi wangu mumba. Asi baba vake vakaramba kumutendera kupinda.
2Baba vake vakati, Zvirokwazvo, ndakati wamuvenga kwazvo; saka ndakamupa shamwari yako. Ko munin'ina wake haamupfuuri nokunaka here? Mutore hake iye panzvimbo yake.
3Samusoni akati kwavari, Nguva ino handingavi nemhosva kuvaFirisitia, kana ndikavaitira zvakaipa.
4Ipapo Samusoni akandobata makava ana mazana matatu, akatora mazhenje, akabatanidza miswe miviri-miviri, ndokuisa zhenje pakati pemiswe miviri.
5Zvino akatungidza mazhenje, ndokuaregedza, akapinda muzviyo zvavaFirisitia zvakanga zvaunganidzwa nezvakanga zvigere kukohwiwa, neminda yemizambiringa neyemiorivhi.
6Ipapo vaFirisitia vakati, Ndianiko waita izvozvo? Vakati, NdiSamusoni, mukwasha womuTimuna, nekuti wakatora mukadzi wake, akamupa shamwari yake. Zvino vaFirisitia vakakwira, vakamupisa iye nomukadzi nababa vake nomoto.
7Samusoni akati kwavari, Kana mukaita saizvozvo, zvirokwazvo ndichakutsivai, pashure ndigorega.
8Akavarova pazvidya nezviuno, akavauraya nokuuraya kukuru; akaburuka, akandogara pabako redombo reEtami.
9Zvino vaFirisitia vakakwira, vakandodzika matende avo paJudha, vakapararira muRehi.
10Varume vaJudha vakati, Makwirireiko kuzorwa nesu. Ivo vakati, Takwira kuzosunga Samusoni, timuitire sezvaakatiitira isu.
11Ipapo varume vaJudha vakanga vane zviuru zvitatu vakaburukira kubako redombo reEtami, vakati kuna Samusoni, Hauzivi kuti vaFirisitia vabati vedu here? Chinyiko ichi chawatiitira? Akati kwavari, Sezvavakandiitira ini, ndizvo zvandakavaitirawo.
12Vakati kwaari, Isu taburukira kuno kuzokusunga, kuti tikuise mumaoko avaFirisitia. Samusoni akati kwavari, Pikai kwandiri, kuti imwi hamungandivambi mumene.
13Vakataura naye, vakati, Kwete; asi tichakusunga, nokukuisa mumaoko avo; asi zvirokwazvo hatingakuurayi. Vakamusunga netambo mbiri itsva, vakakwira naye vachibva padombo.
14Zvino wakati achisvika Rehi, vaFirisitia vakamupurudzira. Ipapo Mweya waJehovha akauya pamusoro pake nesimba guru; tambo dzakanga dzakasunga maoko ake dzikafanana noruchinda rwakatsva nomoto, zvisungo zvake zvikanyauka pamaoko ake.
15Akawana rushaya rwembongoro, akatambanudza ruoko rwake, akarutora, ndokuuraya varume vana mazana ane gumi narwo.
16Ipapo Samusoni akati,Norushaya rwembongoro ndakauraya boka namapoka, Norushaya rwembongoro ndakauraya vana mazana ane gumi.
17Zvino wakati apedza kutaura, akakanda kure rushaya rwakanga ruri muruoko rwake nzvimbo iyo ikanzi Ramafirehi.
18Ipapo akanzwa nyota kwazvo, akachema kuna Jehovha, akati, Matirwira kwazvo noruoko rwomuranda wenyu; zvino ndichafa nenyota, ndikawira mumaoko avasina kudzingiswa.
19Asi Mwari wakapamura mukaha paRehi, mvura ikabudapo; zvino wakati amwa, mweya wake ukadzokera maari, akaponazve; naizvozvo ipapo pakatumidzwa Enihakori, tsime riri paRehi kusvikira nhasi.
20Iye akatonga vaIsiraeri makore makumi maviri pamazuva avaFirisitia.