Shona

Swahili: New Testament

Judges

16

1Zvino Samusoni wakaenda Gaza, akaonapo mukadzi waiva chifeve akapinda kwaari.
2VaGaza vakaudzwa, zvichinzi, Samusoni wasvika pano. Ivo vakamukomba, vakamuvandira usiku hwose pasuwo reguta, vakaramba vanyerere usiku hwose, vachiti, Mangwana kana kwaedza tichamuuraya.
3Samusoni akavata kusvikira pakati pousiku, akamuka pakati pousiku, akabata masasa esuwo reguta, namatanda aro maviri, akaavhomora pamwechete nomuzariro waro, akaaisa pamafudzi ake, ndokuatakurira kugomo riri pamberi peHebhuroni.
4Zvino pashure akada mukadzi wakange agere pamupata weSoreki, wainzi Dherira.
5Madzishe avaFirisitia akakwira kumukadzi, akati kwaari, Munyengetedze, uone kuti tingamukunda sei, kuti timusunge timumanikidze; ipapo mumwe nomumwe wedu uchakupa mashekeri esirivha ane gumi ramazana nezana rimwe.
6Zvino Dherira akati kuna Samusoni, Ndiudze hako kuti simba rako guru rinobvepi, uye kuti ungasungwa neiko, umanikidzwe.
7Samusoni akati kwaari, Kana vakandisunga namarunda matsva manomwe achigere kuomeswa, ndichashaiwa simba, ndikava somumwe munhu.
8Ipapo madzishe avaFirisitia akamuvigira marunda matsva manomwe achigere kuomeswa, iye akamusunga nawo.
9Zvino wakange ana vavandiri vakanga vakavandira muimba yomukati. Akati kwaari, Samusoni, vaFirisitia vasvika! Iye akadambura marunda, sezvinodamburwa rwonzi rworuchinda kana rwanzwa moto. Naizvozvo simba rake harina kuzikamwa.
10Ipapo Dherira akati kuna Samusoni, Tarira, wandidadira, nokundirevera nhema; zvino chindiudza hako kuti ungasungwa nei?
11Akati kwaari, Kana vakangondisunga havo namabote matsva, asina kumbobatisa, ndichashaiwa simba, ndikava somumwe munhu.
12Ipapo Dherira akatora mabote matsva, akamusunga nawo, akati kwaari, Samusoni, vaFirisitia vasvika! Vavandiri vakanga vakavandira muimba yomukati. Ipapo akaadambura pamaoko ake soruchinda.
13Dherira akati kuna Samusoni, Kusvikira zvino wakange uchingondidadira, uchindirevera nhema; chindiudza hako kuti ungasungwa nei? Akati kwaari, Kana ukarukira mhotsi nomwe dzevhudzi romusoro wangu pamwechete nomucheka unorukwa.
14Iye akarisunga nembambo, akati kwaari, Samusoni, vaFirisitia vasvika! Ipapo akapepuka pahope dzake, akavhomora mbambo yedanda pamwechete nomucheka wakarukwa.
15Iye akati kwaari, Zvino ungataura seiko uchiti, Ndinokuda, kana moyo wako usinganditendi? Zvino wandidadira katatu, usingandiudzi kuti simba rako guru rinobvepi?
16Zvino wakati achingomutambudza mazuva ose namashoko ake, achigombedzera, moyo wake ukanetswa kusvikira pakufa.
17Akamuudza nomoyo wake wose akati kwaari, Musoro wangu hauna kutongoveurwa nechisvo, nekuti ndiri muNaziri waMwari kubva padumbu ramai vangu; kana ndikaveurwa, simba rangu richabva kwandiri, ndingashaiwa simba, ndikaita somumwe munhu.
18Zvino Dherira wakati aona kuti wamuudza nomoyo wake wose, akatuma munhu kundodana madzishe avaFirisitia, akati, Kwirai henyu kuno nguva ino, nekuti wandiudza nomoyo wake wose. Ipapo madzishe avaFirisitia vakakwira kwaari, vakauya nemari mumaoko avo.
19Iye akamuvatisa pamabvi ake, akadana munhu kuzoveura mhotsi nomwe dzevhudzi romusoro wake; akatanga kumumanikidza; simba rake rikabva kwaari.
20Akati, Samusoni, vaFirisitia vasvika! Ipapo Samusoni akapepuka pahope dzake, akati, Ndichabuda nguva inowo sapane dzimwe nguva, ndikazvisunungura, asi wakange asingazivi kuti lehovha wakange abva kwaari.
21Zvino vaFirisitia vakamubata, vakamutumbura meso, vakaburuka naye Gaza, ndokumusunga nezvisungo zvendarira, akauya mutirongo.
22Asi vhudzi romusoro wake rakatanga kurebazve shure kokuveurwa kwake.
23Zvino madzishe avaFirisitia akaungana pamwechete kuzobayira Dhagoni mwari wavo chibayiro chikuru, ndokufara; nekuti vakati, Mwari wedu wakaisa mumaoko edu muvengi wedu Samusoni.
24Zvino vanhu vakati vachimuona, vakarumbidza mwari wavo, nekuti vakati, Mwari wedu wakaisa mumaoko edu muvengi wedu, nomuparadzi wenyika yedu, wakauraya vazhinji vedu.
25Zvino moyo yavo yakati yofara, vakati, Chidanai Samusoni, atitambire. Vakandodana Samusoni mutirongo, akatamba pamberi pavo, vakamuisa pakati pembiru.
26Zvino Samusoni akati kumukomana wakange akabata ruoko rwake, Nditendere kuti ndibate mbiru dzakatsigira imba, ndisendamire padziri.
27Zvino imba yakanga izere navarume navakadzi; namadzishe avaFirisitia akanga arimo ose; napamusoro pedenga pakanga pana varume navakadzi vanenge zviuru zvitatu, vakanga vachitarira kutamba kwaSamusoni.
28Ipapo Samusoni akadana kuna Jehovha akati, Ishe Mwari, ndirangarirei henyu, ndisimbisei henyu nguva ino chete, imwi Mwari, nditsivirwe meso angu maviri kuvaFirisitia.
29Samusoni akabata mbiru mbiri dzapakati, dzakanga dzakatsigira imba, akadzisunda, imwe noruoko rwake rworudyi neimwe noruoko rwake rworuboshwe.
30Ipapo Samusoni akati, Ngandife hangu pamwechete navaFirisitia. Akakotama nesimba rake rose, imba ikawira pamusoro pamadzishe, napamusoro pavanhu vaivamo. Naizvozvo vakafa vaakauraya pakufa kwake, vakanga vari vazhinji kuna vakaurawa naye achiri mupenyu.
31Zvino hama dzake, navose veimba yababa vake, vakaburuka, vakamutora, vakakwira naye, ndokumuviga pakati peZora neEshitaori, paguva raManowa, baba vake. Iye wakatonga vaIsiraeri makore ana makumi maviri.