1Pauro naTimotio, varanda vaJesu Kristu, kuvatsvene vose muna Kristu Jesu vari paFiripi, pamwe nevatariri nevadhikoni:
2Nyasha kwamuri, nerugare runobva kuna Mwari baba vedu naIshe Jesu Kristu.
3Ndinovonga Mwari wangu pakukurangarirai kose,
4nguva dzose pamunyengetero wangu woga woga pamusoro penyu mose ndakaita munyengetero nemufaro,
5nekuda kwekudyidzana kwenyu muevhangeri kubva pazuva rekutanga kusvikira zvino;
6ndichivimba nechinhu ichi, kuti iye wakatanga basa rakanaka mamuri, ucharizadzisa kusvikira pazuva raJesu Kristu;
7sezvazvakandinakira kufunga izvozvi pamusoro penyu mose, nekuti ndinemwi mumoyo wangu zvekuti zvose zvisungo zvangu nemukutavirira nekusimbisa kweevhangeri, imwi mose muri vagovani venyasha pamwe neni.
8Nekuti Mwari ndiye chapupu changu, kuti ndinokushuvai mose zvikuru sei netsitsi dzaKristu Jesu.
9izvi ndinonyengetera, kuti rudo rwenyu rurambe ruchingowanda paruzivo nokunzwisisa kose,
10kuti mugamuchire zvinhu zvakanakisisa, kuti muve vakarurama navasine mhosva, kusvikira pazuva raKristu,
11makazadzwa nezvibereko zvekururama, zvinovuya naJesu Kristu, paukuru nekurumbidzwa kwaMwari.
12Zvino ndinoda kuti muzive, hama, kuti zvinhu zvakandiwira zvakatofambisa zvikuru evhangeri;
13zvekuti zvisungo zvangu muna Kristu zviratidzwe pamuzinda wose nekuvamwe vose.
14Nevazhinji vehama muna Ishe, dzasimbiswa nezvisungo zvangu, vonyanya kutsunga kuparidza shoko raMwari vasingatyi.
15Vamwe zvirokwazvo vanoparidza Kristu kunyange negodo negakava, vamwewo nemoyo wakanaka;
16vamwe vanoparidza Kristu nenharo, kwete pachokwadi vachifunga kuti vawedzere marwadzo pazvisungo zvangu.
17Asi vamwe vanoita nerudo, vachiziva kuti ndakagadzirwa kutavirira evhangeri.
18Zvino chii? Kunyange zvakadaro kunzira dzose, kana mumano-mano kana muchokwadi, Kristu unoparidzwa, uye ndinofara mazviri, hongu ndichasifarazve.
19Nekuti ndinoziva kuti izvi zvichashadukira kuruponeso rwangu kubudikidza nemunyengetero wenyu, nerubatsiro rweMweya waJesu Kristu,
20zvichienderana nekutarisira kwangu kwakasimba netariro, kuti handinganyadziswi nechinhu asi neushingi hwose samagariro nazvinowo Kristu uchakudzwa mumuviri wangu, kana neupenyu, kana nerufu.
21Nekuti kwandiri kurarama ndiKristu, uye kufa ifuma.
22Zvino kana kurarama panyama chiri chibereko chebasa rangu; zvino zvandichasarudza, handizivi;
23Nekuti ndiri mukumanikidzwa pakati pezviviri: ndine chishuwo chekubva ndive naKristu, nokuti ndizvo zvinopfuura nekunaka;
24asi kugara munyama kunonyanyisa kudiwa nekuda kwenyu.
25Zvino zvandine chivimbo ichi, ndinoziva kuti ndichagara, ndicharamba ndigere nemwi mose, pakupfuvurira kwenyu mberi, mufare nerutendo,
26kuti kuzvirumbidza kwenyu kuwande muna Kristu Jesu pamusoro pangu nekuvapo kwanguzve kwamuri.
27Asi mufambiro wenyu ngauve wakafanira evhangeri yaKristu kuti kunyange ndikauya ndikakuonai, kunyange kusavapo, ndinzwe nyaya dzenyu kuti mumire nesimba mumweya umwe, nemoyo umwe, muchirwira pamwe rutendo rweevhangeri;
28uye musingatyityidzirwi nechinhu nevapikisi venyu pachinhu chimwe; ndizvo zvichava chiratidzo chekuparadzwa kwavari, asi kwamuri cheruponeso; uye chinobva kuna Mwari.
29Nekuti kwamuri kwakapiwa pachinzvimbo chaKristu, kwete kutenda kwaari koga, asi kumutambudzikirawo;
30mune kurwa kwakangodaro sekwamakaona mandiri, nokunzwa ikozvino mandiri.