1Zvino kana kune kurudziro kuna Kristu, kana imwe nyaradzo yerudo, kana kudyidzana kweMweya, kana mumoyo munyoro nemukunzwira tsitsi,
2zadzisai mufaro wangu, muve nefungwa imwe, muchiva nerudo rumwe, nemweya umwe, nendangariro imwe,
3musingaiti nenharo, kana nekuzvikudza kusina maturo, asi mukuzvininipisa kwemoyo, umwe neumwe ngaakudze umwe kupfuura imwi;
4umwe neumwe ngaarege kutarira zvake, asi umwe neumwe zvinhu zvevamwewo.
5fungwa iyi ngaive mamuri, yakanga uri muna Kristu Jesuwo;
6iye wakati ari muchimiro chaMwari, haana kurangarira kuti kuenzana naMwari kupamba;
7asi wakazvidurura, akazvitorera chimiro chemuranda, akaitwa mumufananidzo wemunhu.
8akati awanikwa mumufananidzo wemunhu, akazvininipisa, akateerera kusvikira parufu, irwo rufu rwemuchinjikwa.
9Naizvozvo Mwariwo wakamukudza zvikuru, akamupa zita rinopfuura mazita ose;
10kuti muzita raJesu ibvi rose rifugame, kudenga nepanyika, nepasi penyika,
11uye rurimi rwoga rwoga rwureurure kuti Jesu Kristu ndiye Ishe, kuve rumbidzo kuna Mwari baba.
12Naizvozvo, vadikamwa vangu, sezvamakateerera nguva dzose, kwete pakuvapo kwangu chete, asi kunyanya pakusavapo kwangu, shandai kuponeswa kwenyu nekutya nekudedera;
13Nekuti ndiMwari unoshanda mamuri, zvose kuda nekuita chido chake chakanaka.
14Itai zvinhu zvose musinganyunyuti nekupikisana;
15kuti musatongomhurika, uye musina chakaipa, vana vaMwari vasina gwapa pakati perudzi rwakakombama nekutsauka, rwamunopenya pakati parwo semwenje munyika;
16muchibatisisa shoko reupenyu; pakuzvikudza kwangu nezuva raKristu, kuti handina kumhanya pasina, kana kushandira pasina.
17Hongu kunyange neni ndikadururwa pamusoro pechibayiro nebasa rerutendo rwenyu, ndinofara uye ndinofara nemwi mose.
18Nekuda kweizvozvo imwiwo mufare uye mufare pamwe neni.
19Asi ndinovimba muna Ishe Jesu kutumira Timotio kwamuri nekukurumidza, kuti iniwo ndifare kana ndanzwa chimiro chenyu.
20Nekuti handina munhu une moyo wakaita sewake, uchava nehanya zvirokwazvo nezvenyu.
21Nekuti vose vanotsvaka zvavo, kwete zvinhu zviri zvaKristu Jesu.
22Asi munoziva kutendeka kwake, kuti semwana kuna baba wakashanda pamwe neni paevhangeri.
23Zvino ndiye wandinotarisira kubva ndatongomutumira kwamuri, kana ndaona kuti zvangu zvakadini;
24asi ndinovimba muna Ishe kuti iniwo ndomene ndichakurumidza kuuya.
25Asi ndakaona zvakafanira kutuma kwamuri Epafrodito, hama, nemubatsiri wangu pabasa neuto pamwe neni, asi nhume yenyu nemushumiri wekushaiwa kwangu;
26sezvo akanga achikushuvai zvikuru mose, uye akazadzwa neshungu, nekuti imwi makange manzwa kuti wakange achirwara.
27Nekuti zvirokwazvo wakange achirwara ari pedo nekufa; asi Mwari wakamunzwira tsitsi; kwete kwaari oga, asi nekwandiriwo, zvimwe ndirege kuva neshungu pamusoro peshungu.
28Naizvozvo ndakashingaira kumutuma, kuti kana momuonazve mufare, neni shungu dzangu dziderere.
29Naizvozvo mumugamuchire muna Ishe nemufaro wose, uye mubate vakadai neruremekedzo;
30Nekuti nekuda kwebasa raKristu wakaswedera pakufa, asingarangariri upenyu hwake, achida kukwanisa pamakanga musingagoni kundishumira imwi.