Shona

Swahili: New Testament

Philippians

3

1Pakupedzisira, hama dzangu, farai muna Ishe. Kukunyoreraizve zvinhu zvimwechetezvo, ini hazvindinetesi, asi zvinokusimbisai imwi.
2Chenjererai imbwa, ngwarirai vabati vakaipa, ongororai vekucheka;
3Nekuti tisu kudzingiswa, vanoshumira Mwari muMweya, tichizvirumbidza muna Kristu Jesu, tisina chivimbo munyama;
4kunyange ndingavawo nechivimbo munyama; kana kune umwe munhu unofunga kuvimba nenyama, zvikuru ini.
5Ndakadzingiswa nezuva rerusere, ndiri werudzi rwaIsraeri weimba yaBenjamini, muHebheru wevaHebheru; zviri zvemurairo ndiri muFarisi;
6maererano nekushingaira, ndichitambudza kereke; maererano nekururama kuri mumurairo ndisina chandingapomerwa.
7Asi zvinhu zvaiva fuma kwandiri, ndizvo zvandakati kurashikirwa nekuda kwaKristu.
8Hongu zvirokwazvo, ndinoverenga zvinhu zvose kurashikirwa nekuda kwekunakisisa kweruzivo rwaKristu Jesu Ishe wangu, wandakarashikirwa nezvinhu zvose nekuda kwake, ndikazviidza marara, kuti ndiwane Kristu;
9uye ndiwanikwe maari, ndisina kururama kwangu kunobva kumurairo, asi uko kuri kubudikidza nerutendo kuna Kristu, kururama kunobva kuna Mwari nerutendo;
10kuti ndimuzive iye, nesimba rekumuka kwake, nekudyidzana kwematambudziko ake, nditodze kufa kwake,
11kana zvingagoneka ndisvike pakumuka kwevakafa.
12Handirevi kuti ndakatochiwana, kana ndatokwaniswa, asi ndinotevera, kuti zvimwe ndichibate, icho Kristu Jesu chaakambondibatira.
13Hama, ini handizviverengi kuti ndatochibata, asi ndinoita chinhu chandinoita: ndichikangamwa zvinhu zviri shure, ndichinanavira zvinhu zviri mberi,
14ndinoshingairira kuchinangwa, kumubairo wekudana kwekumusoro kwaMwari, muna Kristu Jesu.
15Naizvozvo isu tose takakwana ngative nemufungo wakadaro; kana zvimwe imwi mune umwe mufungo, Mwari uchakuratidzai kunyange izvi.
16Asi pane patasvika, ngatifambe nemurairo wakadaro tifunge chinhu chimwe.
17Hama, ivai vateveri vangu makabatana, natsai kutarira avo vanofamba saizvozvo sezvatakava muenzaniso.
18Nekuti vazhinji vanofamba vandakakuvudzai nezvavo kazhinji, nazvino ndinokuvudzaiwo kunyange nekuchema, vavengi vemuchinjikwa waKristu;
19kuguma kwavo kuparadzwa, mwari wavo idumbu ravo, uye kurumbidzwa kwavo kuri mukunyadzwa, vanofunga zvenyika.
20Nekuti ubwo hwedu hwuri kumatenga, uko kwatakataririrakowo kuuya kwemuponesi Ishe Jesu Kristu;
21uyo uchavandudza muviri wekuninipiswa kwedu, kuti ufananidzwe nemuviri wekubwinya kwake, nesimba iro raanogonawo naro kuisa zvinhu zvose pasi pake.