Shona

Swahili: New Testament

Philippians

4

1Naizvozvo, hama dzangu, vadikamwa zvikuru vanoshuviwa, mufaro wangu, nekorona, mirai nesimba saizvozvo muna Ishe, vadikamwa zvikuru.
2Ndinokumbirisa Yuodhia, ndinokumbirisa Sindike, kuti vave nemoyo umwe muna Ishe.
3Uye ndinonyengerera iwewo, umwe wangu wechokwadi pajoko; batsira vanhukadzi vaya, vakabatirana neni paevhangeri, pamwe naKiremenziwo, navamwe vakabata zvikuru neni, mazita avo ari mubhuku reupenyu.
4Farai muna Ishe nguva dzose; ndinotizve: Farai.
5Unyoro hwenyu ngahwuzikamwe kuvanhu vose. Ishe uri pedo.
6Musafunganya pamusoro pechimwe chinhu; asi pazvinhu zvose nemunyengetero nemukumbiro nekuvonga, mikumbiro yenyu ngaizikamwe kuna Mwari.
7Zvino rugare rwaMwari runopfuura kunzwisisa kose, rucharinda moyo yenyu nemifungo yenyu kubudikidza naKristu Jesu.
8Pakupedzisira, hama, zvinhu zvose zvechokwadi, zvinhu zvose zvinokudzwa, zvinhu zvose zvakarurama, zvinhu zvose zvakachena, zvinhu zvose zvinodikamwa, zvinhu zvose zvinorumbidzwa, kana kunaka kupi nekupi, kana chingarumbidzwa chipi nechipi, fungai zvinhu izvi.
9Zvinhu izvo zvamakadzidza nekugamuchira nekunzwa nekuona mandiri, itai; Mwari werugare uchava nemwi.
10Asi ndakafara zvikuru muna Ishe, nekuti zvino makamutsiridzazve kundirangarira; makanga marangarira, asi makashaiwa mukana.
11Kwete kuti ndinotaura izvi nekuda kwekushaiwa, nekuti ndadzidza kugutsikana nezvinhu zvandiri.
12Ndinoziva zvose kuzvidzwa uye ndinoziva kuva nezvakawandawo; pachinhu chipi nechipi nepazvinhu zvose ndakadzidziswa zvose kuguta nekunzwa nzara, zvose kuva nezvizhinji nekushaiwa.
13Ndinogona kuita zvinhu zvose kubudikidza naKristu unondisimbisa.
14Kunyange zvakadaro makaita zvakanaka zvamakabatana neni pakutambudzika kwangu.
15Uye munozivawo imwi vaFiripi, kuti pakutanga kweevhangeri, pandakabva Makedhonia, hapana kereke yakadyidzana neni maererano nekupa nokugamuchira, asi imwi moga;
16Nekuti kunyange paTesaronika makatumira kamwe, nekupamha pakushaiwa kwangu.
17Kwete kuti ndinotsvaka chipo, asi ndinotsvaka chibereko chinowedzera kuchikwama chenyu.
18Zvino ndine zvose, uye zvakawanzwa; ndaguta, ndagamuchira kuna Epafrodito zvinhu zvinobva kwamuri, hwema hwezvinonhuhwira, chibayiro chinogamuchirwa, chinofadza kwazvo kuna Mwari.
19Asi Mwari wangu uchazadzisa kushaiwa kwenyu kose zvichienderana nefuma yake, mukubwinya, muna Kristu Jesu.
20Zvino kuna Mwari naBaba vedu, ngakuve nekubwinya kusvikira rinhi narinhi. Ameni.
21Kwazisai mutsvene umwe neumwe muna Kristu Jesu. Hama dzineni dzinokukwazisai.
22Vatsvene vose vanokukwazisai, zvikuru avo veimba yaKesari.
23Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi mose. Amen.