1Rangarira mwedzi weAbhibhi, udye Pasika yaJehovha Mwari wako nawo; nekuti nomwedzi weAbhibhi Jehovha Mwari wako wakakubudisa panyika yeEgipita usiku.
2Unofanira kubayira Jehovha Mwari wako Pasika yamakwai nemombe panzvimbo inotsaurwa naJehovha Mwari wako, kuti agarise zita rakepo.
3Usadya chingwa chakaviriswa pamwechete nayo; unofanira kuita mazuva manomwe uchidya chingwa chisina kuviriswa pamwechete nayo, ndicho chingwa chokutambudzika; nekuti wakabuda panyika yeEgipita nokukurumidza; kuti urangarire zuva rawakabuda naro panyika yeEgipita mazuva ose oupenyu hwako.
4Mazuva manomwe mbiriso haifaniri kutongoonekwa panyika yako yose; uye nyama yamunobayira pazuva rokutanga madekwana, haifaniri kutongosara usiku hwose kusvikira mangwana.
5Haufaniri kubayira Pasika mukati merimwe ramasuwo ako, aunopiwa naJehovha Mwari wako;
6asi panzvimbo ichatsaurwa naJehovha Mwari wako, kuti agarise zita rakepo, ndipo paunofanira kubayira Pasika madekwana, kana zuva rovira, panguva yawakabuda nayo Egipita.
7Unofanira kuibika, nokuidya panzvimbo ichatsaurwa naJehovha Mwari wako, fume mangwana unofanira kudzokera kumatende ako.
8Unofanira kudya chingwa chisina kuviriswa mazuva matanhatu; pazuva rechinomwe unofanira kuita ungano huru kuna Jehovha Mwari wako; usabata mabasa naro.
9Unofanira kuverenga mavhiki manomwe, kubva panguva yaunotanga kukohwa zviyo zvigere kukohiwa, unofanira kuverenga mavhiki manomwe.
10Zvino uitire Jehovha Mwari wako mutambo wamavhiki, uchiuya muruoko rwako nechipo chokuda kwako, uchipa sezvawakaropafadzwa naJehovha Mwari wako.
11Unofanira kufara pamberi paJehovha Mwari wako, iwe nomwanakomana wako, nomwanasikana wako, nomuranda wako, nomurandakadzi wako, nomuRevhi uri mukati mamasuwo ako, nomweni, nenherera, nechirikadzi, vagere pakati pako, panzvimbo ichatsaurwa naJehovha Mwari wako, kuti agarise zita rakepo.
12Unofanira kurangarira kuti iwe wakange uri muranda paEgipita; unofanira kuchengeta nokuita izvi zvakatemwa.
13Unofanira kutamba mutambo wamatumba mazuva manomwe, kana wapedza kuunganidza zvose zvapaburiro rako nechisviniro chako chewaini.
14Unofanira kufara pamutambo wako, iwe, nomwanakomana wako, nomwanasikana wako, nomuranda wako, nomurandakadzi wako, nomuRevhi, nomweni, nenherera, nechirikadzi, vari mukati mamasuwo ako.
15Unofanira kutambira Jehovha Mwari wako mutambo mazuva manomwe panzvimbo ichatsaurwa naJehovha; nekuti Jehovha Mwari wako uchakuropafadza pazvibereko zvose zveminda yako, napamabasa ose amaoko ako, kuti ufare kwazvo.
16Varume venyu vose vanofanira kuuya pamberi paJehovha Mwari wako katatu pagore panzvimbo yaachatsaura, pamutambo wechingwa chisina kuviriswa, napamutambo wamavhiki, napamutambo wamatumba; havafaniri kuuya pamberi paJehovha vasina chinhu.
17Mumwe nomumwe ngaauye nechipo mumaoko ake, sezvaanogona, sezvawakaropafadzwa naJehovha Mwari wako, sezvaakakupa.
18Unofanira kuzvitsaurira vatongi navakuru mukati mamasuwo ako, aunopiwa naJehovha Mwari wako, namarudzi ako; ivo vanofanira kutonga vanhu nokutonga kwakarurama.
19Usakanganisa pakutonga kwako, usatsaura vanhu, usagamuchira fufuro, nekuti fufuro inopofumadza meso avakangwara, nokuminamisa mashoko avakarurama.
20Tevera zvakarurama kwazvo chete, kuti urarame, ugare nhaka yenyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako.
21Usazvisimira matanda okunamata nawo, emiti ipi neipi, parutivi rwearitari yaJehovha Mwari wako, yaunofanira kuzviitira.
22Uye usazvimisira shongwe, inovengwa naJehovha Mwari wako.