1Usabayira Jehovha Mwari wako mombe kana gwai rakaremara, kana rine chakaipa chipi nechipi; nekuti izvo zvinonyangadza Jehovha Mwari wako.
2Kana pakati pako mukati merimwe ramasuwo ako, aunopiwa naJehovha Mwari wako, murume kana mukadzi akawanikwa, unoita zvakaipa pamberi paJehovha Mwari wako, achidarika sungano yake,
3akandoshumira vamwe vamwari, akanamata kwavari, kana kuzuva kana kumwedzi, kana kune chimwe chehondo dzokudenga, chandisina kukuraira;
4iwe ukaudzwa izvozvo, ukazvinzwa, ipapo unofanira kubvunzisisa kwazvo; zvino kana ukaona kuti ndizvo, ndezvamazvokwadi, kuti chinhu chinonyangadza chakadai chaitwa pakati paIsiraeri;
5ipapo unofanira kubudisa murume nomukadzi, ugovataka namabwe, vafe.
6Nokupupura kwezvapupu zviviri kana zvitatu iye unofanira kufa, ngaaurawe; nokupupura kwechapupu chimwe ngaarege kuurawa.
7Maoko ezvapupu ndiwo anofanira kutanga kumuuraya; pashure maoko avanhu vose. Saizvozvo unofanira kubvisa zvakaipa pakati pako.
8Kana mhaka ikamuka yamusingagoni kutonga, kana yokuurayana, kana yokukwirirana, kana yokukuvadzana, dziri mhaka dzenharo pakati pamasuwo ako; ipapo unofanira kusimuka nokukwira kunzvimbo ichatsaurwa naJehovha Mwari wako;
9uende kuvapristi vaRevhi, nokumutongi uchavapo pamazuva iwayo, ubvunze; ivo vachakuzivisa kutonga kwakafanira.
10Zvino unofanira kuita sezvavanokutongera panzvimbo ichatsaurwa naJehovha; uchenjere kuti uite sezvavanokudzidzisa;
11unofanira kuita nomurayiro wavanokuraira, uye nokutonga kwavanokuudza; haufaniri kutsauka kana kurudyi kana kuruboshwe, pakutonga kwavachakuratidza.
12Munhu unoita nokuzvikudza, asingadi kuteerera mupristi unomirapo pakushumira Jehovha Mwari wako, kana mutongi, munhu uyo anofanira kufa; iwe unofanira kubvisa zvakaipa pakati paIsiraeri.
13Vanhu vose vachazvinzwa, vachatya, vakasazoita nokuzvikudza.
14Zvino kana ukasvika panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako, ikava yako, ukagaramo, ukati, Ndichazvigadzira mambo, sezvinoita ndudzi dzose, dzinondipoteredza;
15zvirokwazvo unofanira kuzvigadzira hako mambo uchatsaurwa naJehovha Mwari wako; unofanira kugadza mumwe kuhama dzako, kuti ave mambo wako; haufaniri kugadza mutorwa, isati iri hama yako.
16Asi ngaarege kuzviwanzira mabhiza, kana kudzosera vanhu Egipita, kuti azviwanzire mabhiza; nekuti Jehovha wakati kwauri, Usadzokazve kubva zvino nenzira iyo.
17Uye ngaarege kuzviwanzira vakadzi, kuti moyo wake urege kutsauka; uye ngaarege kuzviwanzira zvikuru sirivha nendarama.
18Zvino kana iye ogara pachigaro chake choushe, anofanira kunyora murayiro uyu mubhuku yake, achitora mashoko ari kuvapristi vaRevhi;
19inofanira kugara naye, kuti aravemo mazuva ose oupenyu hwake; kuti adzidze kutya Jehovha Mwari wake, nokuchengeta mashoko ose omurayiro uyu nezvakatemwa izvi, kuti azviite;
20kuti moyo wake urege kuzvikudza pamusoro pehama dzake, arege kutsauka pamurayiro, uyu, kana kurudyi, kana kuruboshwe; kuti awedzere mazuva ake paushe hwake, iye, navana vake, pakati paIsiraeri.