1Vapristi vaRevhi, norudzi rwose rwaRevhi, havafaniri kuva nomugove kana nhaka pamwechete naIsiraeri, vanofanira kudya zvipiriso zvaJehovha zvinopiswa nenhaka yake.
2Havafaniri kuva nenhaka pakati pehama dzavo; Jehovha ndiye nhaka yavo, sezvaakataura kwavari.
3Zvino ndizvo zvinofanira kupiwa vapristi navanhu, naivo vanouya nechibayiro, kana iri nzombe kana gwai; vanofanira kupa mupristi bandauko, neshayambiri, nesusu.
4Zvitsva zvezviyo zvako, nezvewaini yako, nezvamafuta ako, nemvere dzokutanga dzamakwai ako, ndizvo zvaunofanira kuvapa.
5nekuti Jehovha Mwari wako wakamutsaura iye pakati pamarudzi ako ose, kuti amire achishumira nezita raJehovha, iye, navanakomana vake nokusingaperi.
6Zvino kana muRevhi akabva kune rimwe ramasuwo ako muIsiraeri mose, kwaagere, akauya nomoyo wake kunzvimbo ichatsaurwa naJehovha,
7iye anofanira kubata basa nezita raJehovha Mwari wake, sezvinoita hama dzake dzose vaRevhi dzinomirapo pamberi paJehovha.
8Vanofanira kupiwa migove yakaenzana yezvokudya, kunze kwezvaakawana pakutengesa nhaka yamadzibaba ake.Havafaniri kutevera tsika dzavahedheni
9Zvino kana wasvika munyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako, usadzidza kutevera zvinonyangadza zvendudzi idzo.
10Pakati pako hapafaniri kuwanikwa munhu unopinza mwanakomana wake kana mwanasikana wake mumoto, kana unouka, kana unotenda mashura, kana unoita mazango, kana muroyi,
11kana n'anga, kana unobvunza masvikiro, kana muuki, kana unobvunza vakafa.
12Nekuti vose vanoita zvinhu izvi vanonyangadza Jehovha; nokuda kwezvinonyangadza izvi Jehovha Mwari wako unovadzinga pamberi pako.
13Unofanira kuva wakarurama pamberi paJehovha Mwari wako.
14Nekuti ndudzi idzi dzamunopiwa dzive dzenyu, dzinoteerera vanotenda mashura navanouka; asi iwe Jehovha Mwari wako haana kukutendera kuita izvozvo.
15Jehovha Mwari wako uchakumutsira muporofita, unobva pakati pako, pahama dzako, wakafanana neni; unofanira kumuteerera iye;
16sezvawakakumbira kuna Jehovha Mwari wako paHorebhu nomusi weungano, uchiti,
17Jehovha akati kwandiri, Zvose zvavakareva, vakataura havo zvakanaka.
18Ndichavamutsira muporofita, unobva pakati pehama dzavo, wakafanana newe; ndichaisa mashoko angu mumuromo make, iye uchavaudza zvose zvandinomuraira.
19Zvino munhu upi noupi usingatereri mashoko angu, aachataura muzita rangu, ndichamubvunza pamusoro paizvozvo.
20Asi muporofita unotaura shoko muzita rangu achizvikudza, riri shoko randisina kumuraira kuti aritaure, kana zvimwe unotaura muzita ravamwe vamwari, muporofita uyo anofanira kufa.
21Zvino kana iwe ukati mumoyo mako, Ko tichaziva seiko shoko risina kutaurwa naJehovha?
22Kana muporofita achinge ataura muzita raJehovha, chinhu icho chikasaitika, chikasavapo, ndicho chinhu chisina kutaurwa naJehovha; muporofita wakaritaura achizvikudza, haufaniri kumutya.