Shona

Syriac: NT

Deuteronomy

19

1Zvino kana Jehovha Mwari wako achiparadza ndudzi dzaunopiwa nyika yadzo naJehovha Mwari wako, iwe ukapinda panzvimbo yavo, ukagara mumaguta avo nomudzimba dzavo;
2unofanira kuzvitsaurira maguta matatu munyika yako, yaunopiwa naJehovha Mwari wako, kuti ive yako.
3Unofanira kuzvigadzirira nzira, nokuganhura nyika yako, yaunopiwa naJehovha Mwari wako, kuti ive nhaka yako, uchiita migove mitatu, kuti munhu upi noupi wakauraya agone kutizirako.
4Zvino ndiwo murayiro womuurayi unotizirako akazorarama: Munhu upi noupi unouraya wokwake, nokusaziva, asina kumuvenga kare;
5somunhu unoti kana achienda nowokwake kudondo kundotema huni, akasimudza ruoko rwake kuti ateme muti nesanhu, dare ndokuvhomoka pamupinyi, ndokutema wokwake akafa; iye unofanira kutizira kune rimwe ramaguta awa, ararame.
6Kuti mutsivi weropa arege kuteverera muurayi, moyo wake uchine shungu, akamubata nekuti kure, akamurova akafa; izvo wakange asina kufanirwa norufu, nekuti wakange asina kumuvenga kare.
7Saka ndinokuraira, ndichiti, Unofanira kuzvitsaurira maguta matatu.
8Zvino kana Jehovha Mwari wako achizokurisa nyika yako, sezvaakapikira madzibaba ako, akakupa nyika yose yaakapikira madzibaba ako, kuti uchavapa iyo;
9kana ukachengeta murayiro uyu wose nokuuita, uyu wandinokuraira nhasi, kuti ude Jehovha Mwari wako,nokufamba munzira dzake, nguva dzose; ipapo unofanira kuzowedzerazve mamwe maguta matatu kuna awa matatu;
10kuti ropa romunhu usine mhosva rirege kuteurwa panyika yako, yaunopiwa naJehovha Mwari wako, kuti ive yako; kuti nokudaro ropa rirege kuva pamusoro pako.
11Asi kana munhu upi noupi akavenga wokwake, akamuvandira, akamumukira, ndokumurova akafa, kana iye akatizira kune rimwe ramaguta awa;
12ipapo vakuru veguta rake vanofanira kutuma munhu kundomutorako, vagomuisa mumaoko omutsivi weropa, afe.
13Haufaniri kumunzwira tsitsi, asi iwe unofanira kubvisa ropa romunhu usine mhosva pakati paIsiraeri, kuti zvive zvakanaka newe. Unotorera mumwe nyika yake neanopupura nhema vanofanira kurohwa
14Usashandura miganhu yowokwako, yakatarwa navekare, panhaka yako yauchazopiwa, panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako, kuti ive yako.
15Chapupu chimwe hachifaniri kupupurira munhu pachinhu chakaipa chipi nechipi, kana chivi chipi nechipi, chiri chivi chipi nechipi chaakatadza; shoko rinofanira kusimbiswa nezvapupu zviviri kana zvitatu.
16Kana chapupu chisina kururama chikapupurira munhu upi noupi kuti wakatadza;
17ipapo varume vaviri vose vane nharo vanofanira kumira pamberi paJehovha, pamberi pavapristi navatongi vachavapo namazuva iwayo;
18zvino vatongi vanofanira kuferefeta kwazvo; kana vakaona kuti chapupu icho chapupu chenhema, chakapupurira hama yacho nhema,
19munofanira kumuitira iye sezvaakafunga kuitira hama yake; nokudaro iwe unofanira kubvisa chakaipa pakati pako.
20Vakasara vanofanira kuzvinzwawo, vatye, varege kuzoita chakaipa chakadai pakati pako.
21Haufaniri kumunzwira tsitsi; upenyu hunofanira kutsihwa noupenyu, ziso neziso, zino nezino, ruoko noruoko, rutsoka norutsoka.