1Zvino takadzoka, tikafamba tichipinda murenje nenzira inoenda kuGungwa Dzvuku, sezvandakaudzwa naJehovha, tikapota-pota gomo reSeiri mazuva mazhinji.
2Zvino Jehovha akataura neni, akati,
3Mapota-pota gomo iri nguva yaringana; dzokai muende nechokumusoro.
4Raira vanhu, uti, Munofanira kupfuura nomunyika yehama dzenyu, vana vaEsau, vagere Seiri; ivo vachakutyai, saka chenjerai
5Musavavamba, nekuti handingakupiyi nyika yavo, kunyange pangatsikwa norutsoka; nekuti ndakapa Esau gomo reSeiri, rive rake.
6Munofanira kutenga zvokudya kwavari nemari, mudye, nemvura munofanira kuitengawo kwavari, mumwe.
7Nekuti Jehovha Mwari wako wakakuropafadza pamabasa ose amaoko ako; iye unoziva kufamba kwako murenje iri guru. Jehovha Mwari wako wakava newe makore awa makumi mana; hauna kushaiwa chinhu.
8Naizvozvo takapfuura hama dzedu, vana vaEsau, vagere Seiri, tikasiya nzira yokuMupata, inobva Erati napaEZiyoni-gebheri.
9Zvino Jehovha akati kwandiri, Usarwa navaMoabhu, kana kuvavamba pakurwa; nekuti handingakupi nyika yavo, ive yako; nekuti ndakapa Ari kuvana vaRoti, ive yavo.
10(Kare vaEmi vakanga vageremo, vaiva vanhu vakuru, vazhinji, varefu, savaAnaki;
11vanonzi vorudzi rwavaRefaimu, savaAnaki, asi vaMoabhu vanovaidza vaEmi.
12NavaHoriwo vakanga vagere Seiri kare; asi vana vaEsau vakavatevera, vakavaparadza pamberi pavo, vakagara panzvimbo yavo; sezvakaita vaIsiraeri nenyika yavo yavakapiwa naJehovha ive yavo.)
13Zvino simukai, muyambuke rukova Zeredhi. Tikayambuka rukova Zeredhi.
14Zvino mazuva okubva kwedu paKadheshi-bharinea kusvikira tayambuka rukova Zeredhi, aiva makore makumi matatu namasere; kusvikira rudzi rwose rwavarume vehondo vaparadzwa pakati pemisasa, sezvavakanga vapikirwa naJehovha.
15Uye ruoko rwaJehovhawo rwairamba ruchirwa navo, kuti vaparadzwe pakati pemisasa kusvikira vapera.
16Zvino varume vose vehondo vakati vapera nokufa pakati pavanhu,
17Jehovha akataura neni, akati,
18Nhasi unofanira kupfuura napaAri, pamuganhu waMoabhu;
19kana woswedera pakatarisana navana vaAmoni, usarwa navo, kana kuvavamba; nekuti handingakupi nyika yavana vaAmoni, ive yako; nekuti ndakaipa vana vaRoti, ive yavo.
20Naiyowo yainzi inyika yavaRefaimu; vaRefaimu vakanga vageremo kare; asi vaAmoni vaivaidza vaZamuzumi;
21vaiva vanhu vakuru, vazhinji, varefu savaAnaki; asi Jehovha wakavaparadza pamberi pavo, vakavatevera, vakagara panzvimbo yavo;
22sezvaakaita navana vaEsau, vanogara Seiri, nguva yaakaparadza vaHori pamberi pavo, ivo vakavatevera, vakagara panzvimbo yavo kusvikira nhasi;
23vaAvhi, vakanga vagere mumisha kusvikira Gaza, vakaparadzwa navaKafitori, vakabva Kafitori, vakagara panzvimbo yavo.
24Simukai, mufambe, muyambuke rwizi Arinoni; tarirai, ndakaisa mumaoko enyu Sihoni muAmori, mambo weHeshibhoni, nenyika yake; tangai kuitora, muvambe kurwa naye.
25Nhasi ndichatanga kuvhundusa nokutyisa ndudzi dziri pasi pedenga rose pamusoro penyu, ivo vachanzwa guhu pamusoro penyu, vachabvunda nokutya kwazvo pamusoro penyu.
26Zvino ndakatuma nhume mbiri murenje reKedhemoti, kuna Sihoni, mambo weHeshibhoni, namashoko orugare, ndichiti,
27Nditendere kupfuura nomunyika yako, ndichafamba nenzira huru, handingatsaukiri kurudyi kana kuruboshwe.
28Munganditengesera zvokudya nemari, ndidye; mungandipa mvura ndichiripa nemari, ndimwe, asi nditenderei henyu kupfuura namakumbo;
29sezvandakaitirwa navana vaEsau vagere Seiri, navaMoabhu, vagere Ari; kusvikira ndayambuka Joridhani, ndikapinda munyika yatinopiwa naJehovha Mwari wedu.
30Asi Sihoni, mambo weHeshibhoni, wakaramba kutitendera kupfuura nokwaari, nekuti Jehovha Mwari wako wakawomesa mweya wake, akarambidza moyo wake, kuti amuise iye muruoko rwako, sezvazvakaita nhasi.
31Zvino Jehovha akati kwandiri, Tarira, ndatanga kuisa Sihoni nenyika yake kwauri; tanga kutora, kuti nyika ive yako.
32Ipapo Sihoni akauya, iye navanhu vake vose kuzorwa nesu paJahazi.
33Jehovha Mwari wedu akamuisa mumaoko edu, tikamukunda, iye navana vake, navanhu vake vose.
34Nenguva iyo tikakunda maguta ake ose, tikaparadza chose maguta ose aiva navanhu, pamwechete navakadzi navana vaduku, hatina kusiya kunyange nomumwe.
35Asi zvipfuwo zvoga takazvitora zvive zvedu zvatakatapa, pamwechete nezvatakapamba pamaguta atakakunda.
36Kubva paAroeri pamuuyo worwizi Arinoni, nokuguta riri parwizi, kusvikira Giriyadhi, kwakanga kusina guta rakatikurira; Jehovha Mwari wedu wakaaisa ose pamaoko edu;
37asi hamuna kuswedera kunyika yavana vaAmoni; kurutivi rwose rworwizi Jabhoki, namaguta enyika yamakomo, napose patakanga tadziviswa naJehovha Mwari wedu.