1Zvino takadzoka, tikakwira nenzira inoenda Bhashani; Ogi, mambo weBhashani, akabuda, iye navanhu vake vose, kuzorwa nesu paEdhirei.
2Jehovha akati kwandiri, Usamutya, nekuti ndakamuisa paruoko rwako, iye navanhu vake vose, nenyika yake; unofanira kuita naye sezvawakaitira Sihoni, mambo wavaAmori, wakange agere Heshibhoni.
3Naizvozvo Jehovha Mwari wedu wakaisa mumaoko edu naiye Ogiwo, mambo weBhashani, navanhu vake vose; tikamukunda kusvikira asina munhu waakasiirwa.
4Nenguva iyo tikakunda maguta ake ose; kwakanga kusina guta rimwe ratisina kumutorera, maguta ana makumi matanhatu, nenyika yose yeArigobhu, noushe hwaOgi muBhashani.
5Iwo akanga ari maguta akapoteredzwa ose namasvingo marefu, namasuwo, namazariro, kunze kwemisha mizhinji-zhinji yakanga isina masvingo.
6Tikaaparadza chose, sezvatakaitira Sihoni, mambo weHeshibhoni, tikaparadza chose maguta ose akanga ana vanhu, pamwechete navakadzi navana vaduku.
7Asi zvipfuwo zvose, nezvakapambwa pamaguta awo, izvo takazvitapa isu.
8Nenguva iyo takatorera madzimambo maviri avaAmori, vakanga vagere mhiri kwaJoridhani, nyika yavo kubva parwizi Arinoni, kusvikira pagomo reHerimoni,
9(Herimoni rinotumidzwa Sirioni navaSidhoni, asi vaAmori vanoritumidza Seniri;)
10maguta ose ebani, neGiriyadhi rose, neBhashani rose, kusvikira paSareka neEdhirei, iwo maguta oushe hwaOgi muBhashani.
11(Nokuti Ogi, mambo weBhashani, ndiye woga wakange asara kuna vakanga vasara vavaRefaimu; mubhedha wake wakange uri wamatare; ko hausi paRabha ravana vaAmoni here? Kureba kwawo kwakanga kuchisvika pamakubhiti mapfumbamwe, noupamhi hwawo pamakubhiti mana, kana zvichienzaniswa nekubhiti romunhu.)
12Nyika iyi takaitora nenguva iyo, ikava yedu; ndikapa vaRubheni navaGadhi nyika inobva paAroeri, parwizi Arinoni, nehafu yenyika yamakomo yeGiriyadhi, namaguta ayo;
13ndikapa hafu yorudzi rwaManase pakanga pasara paGiriyadhi, neBhashani rose, ushe hwaOgi, nenyika yose yeArigobhu, ndiro Bhashani rose.
14Jairi mwanakomana waManase, akatora nyika yose yeArigobhu, kusvikira pamuganhu wavaGeshuri navaMaakati, akaitumidza, iro Bhashani rose, zita rake, Havhoti-jairi, kusvikira nhasi.)
15Ndikapa Makiri Giriyadhi.
16Asi vaRubheni navaGadhi ndakavapa kubva paGiriyadhi kusvikira parwizi Arinoni, uye pakati pomupata nenyika yawo, kusvikira parwizi Jabhoki, ndiyo nyika yavana vaAmoni.
17Uye noMupata, neJoridhani, nenyika inobva paKinereti,kusvikira pagungwa romupata, ndiro Gungwa roMunyu, pajinga pegomo rePisiga, kumabvazuva.
18Nenguva iyo ndakakurairai, ndikati, Jehovha Mwari wenyu wakakupai nyika iyo kuti ive yenyu; zvino munofanira kuyambuka pamberi pehama dzenyu, vana vaIsiraeri, makashonga nhumbi dzokurwa, imwi varume vose mhare.
19Asi vakadzi venyu, navana venyu vaduku, nezvipfuwo zvenyu (ndinoziva kuti mune zvipfuwo zvizhinji), izvo zvinofanira kusara mumaguta andakakupai;
20kusvikira Jehovha apa hama dzenyu zororo semi, kuti naivo vave nenyika yavanopiwa naJehovha Mwari wenyu mhiri kwaJoridhani; ipapo mungadzokera mumwe nomumwe kunhaka yake, yandakakupai.
21Nenguva iyo ndikarairawo Joshua, ndikati, Meso ako akaona zvose zvakaitirwa madzimambo awa maviri naJehovha Mwari wenyu; saizvozvo Jehovha uchaitira ushe hwose kwamunoyambuka.
22Hamufaniri kuvatya, nekuti Jehovha Mwari wenyu ndiye unokurwirai.
23Nenguva iyo ndikanyengetera kuna Jehovha, ndikati,
24imwi Jehovha Mwari, makatanga kuratidza muranda wenyu ukuru hwenyu, noruoko rwenyu rune simba; nekuti ndoupiko mwari kudenga kana panyika ungaita zvakafanana namabasa enyu, nesimba renyu?
25Donditenderai henyu kuyambuka, ndione nyika yakanaka iri mhiri kwaJoridhani, negomo iro rakanaka, neRebhanoni.
26Asi Jehovha wakanditsamwira nokuda kwenyu, akasandinzwa; Jehovha akati kwandiri, Zvaringana! Chirega kuzotaurazve neni pamusoro peshoko iro.
27Kwira pamusoro-soro pePisiga, utarire kumavirazuva, nokumusoro, nezasi nokumabvazuva, uone nameso ako; nekuti haungayambuki Joridhani urwu.
28Asi raira Joshua, umutse moyo wake nokumusimbisa, nekuti iye uchayambuka pamberi pavanhu ava, iye uchavagarisa nhaka yenyika yauchaona.
29Zvino tikagara pamupata wakatarisana neBheti-peori.