Shona

Syriac: NT

Deuteronomy

4

1Zvino imwi vana vaIsiraeri, teererai zvakatemwa nezvakatongwa, zvandinokudzidzisai, kuti muzviite; kuti murarame, mupinde mutore nyika, yamunopiwa naJehovha, Mwari wamadzibaba enyu.
2Musawedzera kana kutapudza pashoko randinokurairai, kuti muchengete mirairo yaJehovha Mwari wenyu, yandinokurairai.
3Meso enyu akaona zvakaitwa naJehovha nokuda kwezvakaitwa paBhaari-peori; nekuti varume vose vakatevera Bhaari-peori, Jehovha Mwari wenyu wakavaparadza pakati penyu.
4Asi imwi, makanamatira Jehovha Mwari wenyu, imwi mose muri vapenyu kusvikira nhasi.
5Tarirai, ndakakudzidzisai zvakatemwa nezvakatongwa, sezvandakarairwa naJehovha Mwari wangu, kuti muite saizvozvo panyika yamunopinda, kuti ive yenyu.
6Naizvozvo muchengete izvozvo, muzviite; nekuti ndiko kuchenjera kwenyu nokungwara kwenyu pamberi pavanhu vachanzwa zvose izvi zvakatemwa, vachiti, Zvirokwazvo, rudzi urwu rukuru ndivanhu vakachenjera vakangwara.
7Nekuti rudzi rukuru ruripiko, runa mwari uri pedo navo, saJehovha Mwari wedu nguva ipi neipi yatinodana kwaari?
8Rudzi rukuru ruripiko, rune zvakatemwa nezvakatongwa zvakarurama somurayiro uyu wose, wandinoisa pamberi penyu nhasi?
9Asi zvichenjererei, mushingaire kuchengeta mweya yenyu, kuti murege kukangamwa zvinhu zvamakaona nameso enyu, zvirege kuzobva pamoyo yenyu mazuva ose oupenyu hwenyu; asi munofanira kuzvizivisa vana venyu navana vavana venyu;
10musi wamakanga mumire pamberi paJehovha Mwari wenyu paHorebhu, musi Jehovha waakati kwandiri, Ndiunganidzire vanhu, ndivaudze mashoko angu, kuti vadzidze kunditya mazuva ose avachagara panyika, vagodzidzisa vana vavowo.
11imwi mukaswedera, mukamira pajinga pegomo; gomo rikapfuta nomoto kusvikira pakati pedenga, pamwechete nerima, negore, nokusviba kukuru.
12Zvino Jehovha wakataura nemwi ari mukati momoto; mukanzwa inzwi ramashoko, asi hamuna kuona kuti wakadini; makanzwa inzwi roga.
13Ipapo wakadudzira sungano yake kwamuri, yaakakurairai, kuti muiite, iye mirairo ine gumi; akainyora pamahwendefa maviri amabwe.
14Nenguva iyo Jehovha akandiraira, kuti ndikudzidzisei zvakatemwa nezvakatongwa, kuti mundozviita panyika iyo, kwamunoenda, kuzoiita yenyu.
15Naizvozvo zvichenjererei nekuti hamuna kuona kuti wakange akadini, musi Jehovha waakataura nemwi paHorebhu ari pakati pomoto.
16Kuti murege kuzvishatisa, muchizviitira chifananidzo chakavezwa, chakafanana nechinhu chipi nechipi, kana mufananidzo womurume kana womukadzi,
17kana mufananidzo wemhuka ipi neipi iri panyika, kana mufananidzo weshiri ipi neipi ina mapapiro, inobhururuka mudenga,
18kana mufananidzo wechinhu chipi nechipi chinokambaira pasi, kana mufananidzo wehove ipi neipi iri mumvura pasi penyika;
19kuti murege kusimudzira meso enyu kudenga, zvino kana muchiona zuva nomwedzi nenyeredzi, hondo yose yokudenga, mukatsauswa mukanamata kwazviri nokuzvishumira, izvo zvakagoverwa ndudzi dzose dziri pasi pedenga naJehovha Mwari wenyu.
20Asi Jehovha wakakutorai imwi, akakubudisai muchoto chamatare, paEgipita, kuti muve vanhu venhaka yake, sezvamuri nhasi.
21Jehovha akanditsamwirawo nokuda kwenyu, akapika kuti ini handingayambuki Joridhani, ndipinde munyika iyo yakanaka, yamunopiwa naJehovha Mwari wenyu, kuti ive yenyu.
22Asi ini ndinofanira kufira munyika ino, handifaniri kuyambuka Joridhani asi imwi muchayambuka henyu, mukapiwa nyika iyo yakanaka.
23Muzvichenjerere, kuti murege kukangamwa sungano yaJehovha Mwari wenyu, yaakaita nemi, mukazviitira chifananidzo chakavezwa chomufananidzo wechinhu chipi nechipi, chawakadziviswa naJehovha Mwari wako.
24Nekuti Jehovha Mwari wako, moto unoparadza, naMwari ane godo.
25Zvino kana iwe wabereka vana navazukuru, mukagara ,nguva huru panyika, mukazvishatisa, mukaita chifananidzo chakavezwa nomufananidzo wechinhu chipi nechipi, mukaita zvakaipa pamberi paJehovha Mwari wako, mukamutsamwisa;
26ini ndinodana denga napasi zvikupupurirei nhasi, kuti muchakurumidza kuparadzwa chose panyika yamunoyambukira Joridhani kuti muende kwairi kuiita yenyu; hamungaitimo mazuva mazhinji, asi muchaparadzwa chose.
27Jehovha uchakuparadzirai pakati pendudzi, muchasara muri vashoma pakati pendudzi, kwamuchandoiswa naJehovha.
28Apo muchashumira vamwari, vakaitwa namaoko avanhu, vamatanda navamabwe, vasingaoni, kana kunzwa, kana kudya, kana kunhuwidza.
29Asi kana mukazotsvaka Jehovha Mwari wako, ipapo, uchamuwana, kana ukamutsvaka nomoyo wako wose nomweya wako wose.
30Zvino kana uri munjodzi, zvinhu izvi zvose zvakuwira, pamazuva okupedzisira uchadzokera kuna Jehovha Mwari wako, ukateerera inzwi rake.
31Nekuti Jehovha Mwari wako ndiMwari une nyasha; haangakusii, kana kukuparadza, kana kukangamwa sungano yamadzibaba ako, yaakavapikira.
32Nekuti bvunzai henyu zvino pamazuva akapfuura, imwi musati mavapo, kubva pazuva rokusikwa kwavanhu panyika naMwari, kubva panorumwe rutivi rwedenga kusvikira kuno rumwe, kana kwaimbovapo chinhu chikuru chakadai, kunyange kumbonzwika chakadai?
33Ko kuna vanhu, vakambonzwa inzwi raMwari richitaura riri mukati momoto, sezvamakanzwa imwi, vakararama here?
34Kana Mwari wakatongoidza kundozvitsaurira rudzi pakati porumwe rudzi, nemiidzo, nezviratidzo, nezvinoshamisa, nehondo, nechanza chine simba, noruoko rwakatambanudzwa, nezvinotyisa kwazvo, sezvamakaona zvamakaitirwa zvose naJehovha paEgipita here?
35imwi makaratidzwa izvozvo, kuti muzive kuti Jehovha ndiye Mwari; hakunomumwe kunze kwake.
36Wakakunzwisai inzwi rake ari kudenga, kuti akudzidzise; panyika wakakuonesa moto wake mukuru; iwe wakanzwa mashoko ake ari mukati momoto.
37Wakada madzibaba ako, naizvozvo akazvitsaurira vana vavo vakavatevera, akakubudisa paEgipita, iye anewe nesimba rake guru;
38kuti adzinge pamberi pako ndudzi dzinokupfuura noukuru nesimba, akupinze iwe, akupe nyika yavo ive nhaka yako, sezvaakaita nhasi.
39Naizvozvo uzive nhasi, uzvichengete mumoyo mako, kuti Jehovha ndiye Mwari kudenga kumusoro napanyika pasi; hakunomumwe.
40Unofanira kuchengeta zvaakatema, nemirairo yake, yandinokuraira nhasi, kuti ufare iwe navana vako vanokutevera, kuti uwedzere mazuva ako panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako nokusingaperi.
41Zvino Mozisi akatsaura maguta matatu mhiri kwaJoridhani kumabvazuva
42kuti. muurayi agone kutizirako, iye wakauraya wokwake, asina kuita nobwoni, asina kumuvenga kare; kuti kana achinge atizira kune rimwe ramaguta iwayo, ararame;
43aiti: Bhezeri murenje, kunyika yamapani, wavaRubheni, neRamoti paGiriyadhi, wavaGadhi, neGorani paBhashani, wavaManase.
44Zvino ndiwo murayiro wakaiswa naMozisi pamberi pavana vaIsiraeri.
45Ndizvo zvakapupurwa, zvakatemwa, nezvakatongwa, zvakataurwa naMozisi kuvana vaIsiraeri, pakubuda kwavo Egipita;
46vari kumabvazuva kwaJoridhani, pamupata wakatarisana neBheti-peori, munyika yaSihoni, mambo wavaAmori, wakange agere Heshibhoni, iye wakakundwa naMozisi navana vaIsiraeri, pakubuda kwavo Egipita;
47vakatora nyika yake, nenyika yaOgi, mambo weBhashani, ikava yavo; iwo madzimambo maviri avaAmori, vakanga vari mhiri kwaJoridhani, kumabvazuva;
48kubva paAroeri, pamuuyo womupata weArinoni, kusvikira pagomo reSioni (ndiro Herimoni),
49noMupata wose uri mhiri kwaJoridhani kumabvazuva, kusvikira pagungwa romupata, pajinga pePisiga.