Shona

Syriac: NT

Deuteronomy

5

1Zvino Mozisi akadana vaIsiraeri vose, akati kwavari, Inzwai vaIsiraeri, zvakatemwa nezvakatongwa, zvandinotaura nhasi muchizvinzwa, kuti muzvidzidze nokuzvichengeta mugozviita.
2Jehovha Mwari wedu wakaita sungano nesu paHorebhu.
3Jehovha haana kuita sungano iyi namadzibaba edu, asi nesu, isu tose tiri vapenyu nhasi pano.
4Jehovha akataura nemi, zviso zvakatarisana, ari mukati momoto,
5(nenguva iyo ini ndakanga ndimire pakati paJehovha nemi, kuti ndikuzivisei shoko raJehovha; nekuti imwi makanga muchitya nokuda komoto, mukasakwira mugomo;) akati,
6Ndini Jehovha Mwari wako, wakakubudisa munyika yeEgipita, muimba youranda.
7Usava navamwe vamwari kunze kwangu.
8Usazviitira mufananidzo wakavezwa, kana uri mufananidzo wechinhu chiri kudenga kumusoro, kana wechiri panyika pasi, kana wechiri mumvura pasi penyika.
9Usapfugamira izvozvo, kana kuzvishumira; nekuti ini Jehovha Mwari wako, ndiri Mwari une godo; ndinorova vana nokuda kwezvivi zvamadzibaba avo, kusvikira kurudzi rwechitatu norwechina rwavanondivenga;
10ndichiitira nyasha vane zviuru zvamazana vanondida, vanochengeta mirairo yangu.
11Usareva zita raJehovha Mwari wako pasina; nekuti Jehovha haangaregi kumupa mhosva unoreva zita rake pasina.
12Chengeta zuva resabata, rive dzvene, sezvawakarairwa naJehovha Mwari wako.
13Ubate basa mazuva matanhatu, uite mabasa ako ose.
14Asi zuva rechinomwe isabata raJehovha Mwari wako; usatongobata mabasa naro, iwe, kana mwanakomana wako, kana mwanasikana wako, kana muranda wako, kana murandakadzi wako, kana mombe yako, kana dhongi rako, kana chimwe chezvipfuwo zvako, kana mweni wako uri mukati mamasuwo ako; kuti muranda wako nomurandakadzi wako vazorore sewe.
15Unofanira kurangarira kuti newewo waiva muranda panyika Jehovha Mwari wako akakubudisa nechanza chine simba noruoko rwakatambanudzwa; naizvozvo Jehovha Mwari wako wakakuraira kuti uchengete zuva resabata.
16Kudza baba vako namai vako, sezvawakarairwa naJehovha Mwari wako; kuti mazuva ako ave mazhinji, ufare panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako.
17Usauraya.
18Uye usaita upombwe.
19Uye usaba.
20Uye usapupurira wokwako nhema.
21Uye usachiva mukadzi wowokwako; uye usachochora imba yowokwako, kana munda wake, kana muranda wake, kana murandakadzi wake, kana mombe yake, kana mbongoro yake, kana chimwe chinhu chowokwako.
22Jehovha wakataura mashoko awa ose pagomo kuungano yenyu yose, ari mukati memoto negore, nokusviba kukuru, nenzwi guru; haana kuwedzera mamwe. Akaanyora pamabwendefa maviri amabwe, akandipa iwo.
23Zvino imwi makati muchinzwa inzwi richibva mukati merima, negomo richipfuta nomoto, mukaswedera kwandiri, vakuru vose Namarudzi enyu, navakuru venyu,
24mukati, Tarirai, Jehovha Mwari wedu watiratidza kubwinya kwake noukuru hwake, tikanzwa inzwi rake richibva mumoto; taona hedu nhasi kuti Mwari ungataura nomunhu, akararama hake.
25Naizvozvo zvino tichafireiko? Nekuti moto uyu mukuru uchatiparadza, kana tikaramba tichinzwa inzwi raJehovha Mwari wedu tichafa.
26Nekuti ndianiko pakati pavanhu vose wakanzwa inzwi raMwari mupenyu achitaura ari mumoto, sesu, akararama here?
27Swedera hako iwe, unzwe zvose zvicharehwa naJehovha Mwari wedu, ugozotiudza zvose zvauchaudzwa iwe naJehovha Mwari wedu; tichazvinzwa, nokuzviita.
28Zvino Jehovha akanzwa inzwi ramashoko enyu, nguva yamakataura neni; Jehovha akati kwandiri, Ndanzwa inzwi ramashoko avanhu ava, avakataura newe; zvose zvavakareva vakataura havo zvakanaka.
29Dai vaiva nemoyo yakadai, vakanditya nokuchengeta mirairo yangu nguva dzose, kuti zvive zvakanaka navo, ivo navana vavo, nokusingaperi!
30Enda, undoti kwavari, Dzokerai kumatende enyu.
31Asi iwe, mira pano kwandiri, ndikuudze murayiro wose, nezvakatemwa, nezvakatongwa, zvaunofanira kuvadzidzisa, kuti vazviite panyika yandinovapa, kuti ive yavo.
32Naizvozvo chenjerai, kuti muite sezvamakarairwa naJehovha Mwari wenyu; musatsaukira kurutivi rworudyi kana rworuboshwe.
33Munofanira kufamba nenzira yose yamakarairwa naJehovha Mwari wenyu, kuti murarame, zvive zvakanaka nemi, namazuva enyu ave mazhinji panyika iyo, ichava yenyu.