Shona

Syriac: NT

Deuteronomy

7

1Zvino kana Jehovha Mwari akupinza munyika maunoenda, kuiita yako, akadzinga ndudzi zhinji pamberi pako, dzinoti: vaHeti, navaGirigashi, navaAmori, navaKanani, navaPerezi, navaHivhi, navaJebhusi, ndudzi nomwe dzinokukunda noukuru nesimba;
2kana Jehovha Mwari wako akavaisa mumaoko ako, ukavakunda, iwe unofanira kuvaparadza chose; haufaniri kuita sungano navo, kana kuvanzwira nyasha;
3usawanana navo, usapa mwanakomana wake mwanasikana wako, kana kutorera mwanakomana wako mwanasikana wake.
4nekuti uchatsausa mwanakomana wako arege kunditevera, kuti ashumire vamwe vamwari; naizvozvo Jehovha achakutsamwirai kwazvo, akakurumidza kukuparadza.
5Asi ndizvo zvamunofanira kuvaitira: Munofanira kuputsa atari dzavo, nokuputsanya shongwe dzavo, nokutema matanda avo avanonamata nawo, nokupisa mifananidzo yavo yakavezwa.
6nekuti uri rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wako; Jehovha Mwari wako wakakutsaura kuti uve rudzi rwake chairwo pakati pendudzi dzose dziri panyika dzose.
7Jehovha haana kukudai, kana kukutsaurai, nekuti makanga makapfuura dzimwe ndudzi nokuwanda; nekuti imwi makanga muri vashoma kundudzi dzose.
8Asi nekuti Jehovha unokudai, uye nekuti wakange achida kusimbisa kupika kwaakapikira madzibaba enyu, nokuda kwaizvozvo Jehovha wakakubudisai neruoko rune simba, akakudzikunurai paimba youranda paruoko rwaFarao, mambo weEgipita.
9Naizvozvo uzive kuti Jehovha Mwari wako, ndiye Mwari, Mwari wakatendeka, anosimbisa sungano yake nenyasha dzake kuna vanomuda, vanochengeta mirairo yake kusvikira kumarudzi ane chiuru chamazana;
10anotsiva vanomuvenga mumwe nomumwe, kuti avaparadze; haanganonokeri munhu anomuvenga, asi achamutsiva iye amene.
11Naizvozvo unofanira kuchengeta murayiro, nezvaakatema, nezvaakatonga, zvandinokuraira nhasi, kuti uzviite.
12Zvino kana muchiteerera izvi zvakatongwa, mukazvichengeta nokuzviita, Jehovha Mwari wako achakusimbisira sungano yake nenyasha dzake sezvaakapikira madzibaba ako;
13iye achakuda, nokukuropafadza, nokukuwanza; acharopafadzawo zvibereko zvomuviri wako, nezvibereko zvevhu rako, zviyo zvako, newaini yako, namafuta ako, nezvakaberekwa nemombe dzako, namakwayana amakwai ako, panyika yaakapikira madzibaba ako, kuti achakupa iyo.
14Ucharopafadzwa iwe kupfuura dzimwe ndudzi dzose; hapangavi pakati penyu murume kana mukadzi asingabereki, kana pakati pezvipfuwo zvenyu.
15Jehovha uchabvisa kwamuri hosha dzose; haangatumiri kwamuri matenda akaipa eIj ipiti aunoziva, asi uchaatuma kuvanhu vose vanokuvenga.
16Iwe uchaparadza ndudzi dzose dzichaiswa mumaoko ako naJehovha Mwari wako; usadzinzwira nyasha; usashumira vamwari vavo, nekuti vachava musungo kwauri.
17Zvino kana ukati mumoyo mako, Ndudzi idzi dzinotipfuura nokuwanda, ndingadzitorera seiko nyika yadzo?
18Haufaniri kuvatya; unofanira kurangarira zvakanaka zvakaitirwa Farao navaEgipita vose naJehovha Mwari wako;
19nemiidzo mikuru yamakaona nameso enyu, nezviratidzo, nezvinoshamisa, neruoko rune simba, noruoko rwakatambanudzwa, zvawakabudiswa nazvo naJehovha Mwari wako; ndizvo zvichaitira Jehovha Mwari wako vanhu vose vaunotya.
20Uye Jehovha Mwari wako uchatuma mago pakati pavo, kusvikira avo vakanga vasara, vakavanda, vaparadzwa pamberi pako.
21Usavatya, nekuti Jehovha Mwari wako ari pakati pako, Mwari mukuru unotyisa.
22Jehovha Mwari wako uchadzinga ndudzi idzo pamberi pako, rumwe-rumwe; haufaniri kuvaparadza vose kamwe, kuti zvikara zvesango zvirege kukuwandira.
23Asi Jehovha Mwari wako uchavaisa mumaoko ako, nokuvanyonganisa, nokunyonganisa kukuru, kusvikira vaparadzwa chose.
24Uchaisawo madzimambo avo mumaoko ako, kuti urozve mazita avo pasi pedenga; hapano munhu ungagona kumira pamberi pako, kusvikira wavaparadza.
25Munofanira kupisa mifananidzo yavo yakavezwa yavamwari vavo; haufaniri kuchochora sirivha kana ndarama iri pavari, kana kuitora, kuti urege kuteyiwa nazvo; nekuti zvinonyangadza pamberi paJehovha Mwari wako;
26usapinza chinonyangadza mumba mako, kuti iwe urege kuva chinhu chakayeriswa saicho; unofanira kuchisema chose, nokuchivenga chose, nekuti chinhu chakayeriswa.