Shona

Syriac: NT

Deuteronomy

8

1Murayiro wose wandinokurairai nhasi munofanira kuchenjera kuti muuite, kuti mugorarama, nokuwanda, nokupinda munyika yakapikirwa madzibaba enyu naJehovha, muiite yenyu.
2Unofanira kurangarira nzira yose yawakafambiswa nayo naJehovha Mwari wako murenje makore awa makumi mana, kuti akuninipise, nokukuidza, kuti azive zvaiva mumoyo mako, kana wakange uchida kuchengeta mirairo yake, kana kwete.
3Akakuninipisa, akakuziyisa nenzara, akakugutsa nemana yawakanga usingazivi, kunyange madzibaba ako akanga asingaziviwo; kuti akuzivise kuti munhu haararami nezvokudya zvoga, asi kuti munhu unorarama nezvose zvinobuda mumuromo waJehovha.
4nguvo dzako hadzina kukusakarira, netsoka dzako hadzina kuzvimba makore awa makumi mana.
5Funga mumoyo mako, kuti Jehovha Mwari wako unokuranga somunhu unoranga mwanakomana wake.
6Unofanira kuchengeta mirairo yaJehovha Mwari wako, kuti ufambe nenzira dzake nokumutya.
7nekuti Jehovha Mwari wako unokupinza munyika yakanaka, nyika ine hova dzemvura, namatsime, namadziva akadzika, anobuda pamipata napamakomo;
8nyika ine zviyo, nebhari, nemizambiringa, nemionde, nemitamba; nyika yemiorivhi ina mafuta, nouchi;
9nyika kwauchadya chingwa, usingashaiwi, kwausingatongoshaiwi chinhu; nyika ina mabwe emhangura, napamakomo ayo uchachera ndarira.
10Uchadya ukaguta, ukavonga Jehovha Mwari wako nokuda kwenyika yakanaka yaakakupa.
11Chenjera kuti urege kukangamwa Jehovha Mwari wako, ukasachengeta mirairo yake, nezvaakatonga, nezvaakatema, zvandinokuraira nhasi;
12kuti kana wadya ukaguta, ukavaka dzimba dzakanaka, ukagara madziri,
13nemombe dzako namakwai ako akawanda, nesirivha yako nendarama yako ikawanda, nezvose zvaunazvo zvikawanda,
14moyo wako ukazvikudza, ukakangamwa Jehovha Mwari wako, wakakubudisa panyika yeEgipita paimba youranda;
15iye wakakufambisa murenje guru rinotyisa, makanga mune nyoka dzinopenga nezvinyavada, nevhu rakaoma risina mvura; iye wakakubudisira mvura padombo romusarasara;
16wakakugutsa murenje nemana, yakanga isina kuzikamwa namadzibaba ako, kuti akuninipise akuidze, kuti akuitire zvakanaka pakupedzisira;
17kuti urege kuzoti mumoyo mako, Simba rangu nokugona koruoko rwangu ndizvo zvakandiwanisa fuma iyi.
18Asi unofanira kurangarira Jehovha Mwari wako, nekuti ndiye unokupa simba rokufuma; kuti asimbise sungano yake, yaakapikira madzibaba ako, sezvaanoita nhasi.
19Zvino kana ukakangamwa Jehovha Mwari wako, ukatevera vamwe vamwari, ukavashumira, ukanamata kwavari, ndinokupupurirai nhasi kuti muchaparadzwa zvirokwazvo.
20imwi muchaparadzwa sendudzi dzinoparadzwa naJehovha pamberi penyu; nekuti makaramba kuteerera inzwi raJehovha Mwari wenyu.