1Inzwa, iwe Isiraeri, nhasi unofanira kuyambuka Joridhani, kuti upinde nyika kundopiwa ndudzi dzinokupfuura paukuru nesimba, dzive dzako, namaguta makuru ana masvingo anosvika kudenga,
2navanhu vakuru varefu, vana vaAnaki, vaunoziva, vawakanzwa zvichinzi, Ndianiko ungamira pamberi pavana vaAnaki?
3Naizvozvo uzive nhasi kuti Jehovha Mwari wako ndiye unokutungamirira somoto unoparadza; iye uchavaparadza, iye uchavakunda pamberi pako; naizvozvo iwe uchavadzinga, nokuvaparadza nokukurumidza, sezvawakaudzwa naJehovha.
4Zvino kana Jehovha Mwari wako avadzinga pamberi pako, usataura mumoyo mako, uchiti, Jehovha wakandipinza munyika ino ive yangu, nokuda kokururama kwangu; nekuti Jehovha unodzinga ndudzi idzi nokuda kokuipa kwavo.
5Haupindi munyika yavo, ive yako, nokuda kokururama kwako, kana nokuda kokururama komoyo wako; asi Jehovha Mwari wako unodzinga ndudzi idzi pamberi pako nokuda kokuipa kwavo, uye kuti asimbise shoko rakapikirwa madzibaba ako naJehovha, kuna Abhurahamu, nokuna Isaka, nokuna Jakove.
6Naizvozvo uzive kuti Jehovha Mwari wako haakupi nyika iyi yakanaka ive yako, nokuda kokururama kwako; nekuti uri rudzi rune mitsipa mikukutu.
7Rangarira, usakangamwa, kuti wakatsamwisa Jehovha Mwari wako sei murenje; kubva pazuva rawakabuda naro panyika yeEgipita kudzimana masvika kunzvimbo iyi, makaramba muchimukira Jehovha.
8NapaHorebhu makatsamwisa Jehovha, Jehovha akakutsamwirai, akada kukuparadzai.
9Nguva yandakakwira pagomo kundogamuchira mabwendefa amabwe, iwo mabwendefa esungano, yaakaita iye Jehovha nemi, ndakagara mugomo mazuva ana makumi mana nousiku huna makumi mana; ndakanga ndisingadyi zvokudya, kana kumwa mvura.
10Zvino Jehovha akandipa mabwendefa maviri amabwe, akanga akanyorwa nomumwe waMwari; pamusoro pawo pakanga pakanyorwa mashoko ose akanga ataurwa kwamuri naJehovha pagomo, ari mukati momoto nomusi weungano.
11Zvino mazuva ana makumi mana nousiku huna makumi mana zvakati zvapera, Jehovha akandipa mabwendefa maviri amabwe, iwo mabwendefa esungano.
12Zvino Jehovha akati kwandiri, Simuka, kurumidza kuburuka pano, nekuti vanhu vako vawakabudisa paEgipita, vazvitadzira; vakurumidza kutsauka panzira yandakavaraira; vazviitira mufananidzo wakaumbwa.
13Uye Jehovha akataura neni, akati, Ndaona rudzi urwu, tarira, rudzi rune mitsipa mikukutu;
14ndirege, ndivaparadze, ndidzime zita ravo pasi pedenga, ndikuite iwe rudzi runovapfuura nesimba noukuru.
15Naizvozvo ndakadzoka, ndikaburuka mugomo, gomo rikapfuta nomoto; zvino mabwendefa maviri esungano akanga ari mumaoko angu maviri.
16Ndikatarira, ndikaona kuti makanga matadzira Jehovha Mwari wenyu; makanga mazviitira mhuru yakaumbwa; makanga makurumidza kutsauka panzira yamakanga marairwa naJehovha.
17Ndikabata mabwendefa maviri, ndikaarashira pasi muchizviona.
18Ndikawira pasi pamberi paJehovha, sapakutanga, mazuva ana makumi mana nousiku huna makumi mana; ndakanga ndisingadyi zvokudya, kana kumwa mvura, nokuda kwezvivi zvenyu zvose zvamakanga matadza, muchiita zvakaipa pamberi paJehovha, muchimutsamwisa.
19Nekuti ndakatya hasha nekutsamwa kukuru, kwamakatsamwirwa nako naJehovha, nekuti wakange achida kukuparadzai. Asi Jehovha wakandinzwawo nenguva iyo.
20Jehovha wakange ane shunguvo kwazvo naAroni, akada kumuparadza, ndikanyengeterera Aroniwo nenguva iyo.
21Ndikatora zvivi zvenyu, iyo mhuru iya yamakanga maumba, ndikaipisa nomoto, ndikaipwanya, nokuikuya kwazvo, kusvikira yatsetseka seguruva; ndikakandira guruva rayo murukova rwakanga ruchibva mugomo.
22NapaTabherawo, napaMasa, napaKibhiroti-hatava makatsamwisa Jehovha.
23Nenguva yamakatumwa naJehovha kuti mubve paKadheshi-bharinea, achiti, Kwirai, mutore nyika, yandakakupai, ive yenyu, makamukira murayiro waJehovha Mwari wenyu, mukasamutenda, nokusateerera inzwi rake.
24Makaramba muchimukira Jehovha kubva pazuva randakatanga kukuzivai.
25Zvino ndikawira pasi pamberi paJehovha mazuva ana makumi mana nousiku huna makumi mana, ndiyo nguva yandakawira pasi; nekuti Jehovha wakati, Ndichakuparadzai.
26Zvino ndikanyengetera kuna Jehovha, ndikati, Haiwa, Jehovha Mwari, musaparadza henyu vanhu venyu nenhaka yenyu, vamakadzikunura noukuru bwenyu, vamakabudisa paEgipita neruoko rune simba.
27Rangarirai varanda venyu, Abhurahamu, naIsaka, naJakove; musatarira kusindimara kwavanhu ava, kana kuipa kwavo, kana zvivi zvavo;
28kuti nyika kwamakatibudisa, irege kuzoti, Jehovha wakavabudisa akavaurayira murenje, nekuti wakange asingagoni kuvapinza munyika yaakanga avapikira, uye nekuti wakange achivavenga.
29Kunyange zvakadaro rudzi rwenyu nenhaka yenyu, rwamakabudisa nesimba renyu guru, noruoko rwenyu rwakatambanudzwa.