1Zvino Nadhabi naAbhihu, vanakomana vaAroni, vakatora mumwe nomumwe harana yake yezvinonhuhwira, vakaisamo moto, ndokuisa zvinonhuhwira pamusoro pawo, vakauya pamberi paJehovha nomoto usina kutenderwa waasina kuraira.
2Ipapo moto wakabuda pamberi paJehovha, ukavauraya, vakafa pamberi paJehovha.
3Zvino Mozisi akati kuna Aroni, Jehovha wakataura chinhu ichi, akati, Ndichazviratidza kuti ndiri mutsvene muna vose vanoswedera kwandiri, ndichazvirumbidza pamberi pavanhu vose. Aroni akanyarara.
4Ipapo Mozisi akadana Mishaeri naErizafani, vanakomana vaUzieri, babamunini vaAroni, akati kwavari, Swederai, mubvise hama dzenyu pamberi penzvimbo tsvene, muvatakurire kunze kwemisasa.
5Ipapo vakaswedera, vakavatakurira kunze kwemisasa vanamajasi avo, sezvakanga zvataurwa naMozisi.
6Zvino Mozisi akati kuna Aroni nokuna Ereazari nokuna Itamari, vanakomana vake, Musasunungura vudzi remisoro yenyu, kana kubvarura nguvo dzenyu, kuti murege kufa, naiye arege kutsamwira ungano yose; asi hama dzenyu, veimba yose yaIsiraeri, ivo ngavacheme kupisa kwakatungidzwa naJehovha.
7Musabuda pamukova wetende rokusangana, kuti murege kufa, nekuti mafuta okuzodza aJehovha ari pamusoro penyu. Vakaita sezvavakaudzwa naMozisi.
8Zvino Jehovha wakataura naAroni akati,
9Usamwa waini kana chinhu chinobata, iwe navanakomana vako pamwechete newe, kana muchipinda mutende rokusangana, kuti murege kufa; uve murayiro usingaperi kusvikira kumarudzi enyu ose.
10Munofanira kutsaura pakati pezvitsvene nezvisati zviri zvitsvene, pakati pezvisina kunaka nezvakanaka;
11munofanira kudzidzisa vana vaIsiraeri mirairo yose yakarairwa naJehovha nomuromo waMozisi.
12Zvino Mozisi wakataura naAroni naEreazari naItamari, vanakomana vake vakanga vasara, akati, Torai chipiriso choupfu chakasara pazvipiriso zvakapisirwa Jehovha nomoto, muzvidyire kurutivi rwearitari zvisina mbiriso, nekuti zvitsvene kwazvo;
13munofanira kuzvidyira panzvimbo tsvene, nekuti ndiwo mugove wako nomugove wavanakomana vako pazvipiriso zvaJehovha zvinoitwa nomoto, nekuti ndizvo zvandakarairwa.
14Munofanira kudyira panzvimbo tsvene chityu chinozunguzirwa nebandauko rinosimudzwa, iwe navanakomana vako navanasikana vako pamwechete newe, nekuti makazvipiwa, kuti uve mugove wako, nomugove wavanakomana vako pazvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisa zvavana vaIsiraeri.
15Vanofanira kuuya nebandauko rinosimudzwa; nechityu chinozunguzirwa, pamwechete nezvipiriso zvamafuta zvinopiswa nomoto, kuti vazvizunguzire, chive chipiriso chinozunguzirwa pamberi paJehovha; chinofanira kuva chako nechavanakomana vako, pamwechete newe; unofanira kuva murayiro usingaperi, sezvakarairwa naJehovha.
16Zvino Mozisi wakanyatsotsvaka mbudzi yechipiriso chezvivi, akawana kuti yapiswa, akatsamwira Ereazari naItamari, vanakomana vaAroni vakanga vasara, akati,
17Makaregerei kudyira chipiriso chezvivi panzvimbo tsvene, zvachiri chitsvene kwazvo, uye nekuti wakakupai icho, kuti mubvise kutadza kweungano, muvayananisire pamberi paJehovha?
18Tarirai, ropa rayo harina kuuyiswa mukati menzvimbo tsvene, sezvandakaraira.
19Ipapo Aroni akati kuna Mozisi, Tarira, vakapisa nhasi chipiriso chavo chezvivi, nechipiriso chavo chinopiswa pamberi paJehovha, ini ndikawirwa nezvinhu izvi zvakadai; zvino dai ndakadya chipiriso chezvivi nhasi, zvingadai zvaifadza Jehovha here?
20Mozisi wakati achinzwa izvozvo, akatenda nazvo.