1Zvino nomusi werusere Mozisi wakadana Aroni navanakomana vake, navakuru vaIsiraeri,
2akati kuna Aroni, Tora mukomo wemhuru chive chipiriso chezvivi, negondobwe chive chipiriso chinopiswa, zvisina mhosva, uuye nazvo pamberi paJehovha.
3Utaure navana vaIsiraeri, uti, Torai nhongo yembudzi chive chipiriso chezvivi, nemhuru, negwayana, zvose zvegore rimwe, zvisina mhosva, chive chipiriso chinopiswa,
4nenzombe, negondobwe zvive zvipiriso zvokuyananisa, muzvibayire pamberi paJehovha; nechipiriso choupfu hwakakanyiwa namafuta, nekuti nhasi Jehovha unozviratidza kwamuri.
5Zvino ivo vakauya nezvakanga zvarairwa naMozisi pamberi pomukova wetende rokusangana, ungano yose ikaswedera, vakamira pamberi paJehovha.
6Ipapo Mozisi akati, Ndicho chinhu chakarairwa naJehovha kuti muchiite, kuti kubwinya kwaJehovha kuzviratidze kwamuri.
7Mozisi akati kuna Aroni, Swedera kuaritari ubayire chipiriso chako chezvivi, nechipiriso chako chinopiswa, uzviyananisire iwe navanhu; uuyewo nechipo chavanhu, kuti uvayananisire, sezvakarairwa naJehovha.
8Ipapo Aroni wakaswedera kuaritari, akabaya mhuru yechipiriso chezvivi, chakanga chiri chake.
9Vanakomana vaAroni vakauya neropa, akariisa panyanga dzearitari, akadurura ropa mujinga mearitari;
10asi mafuta, netsvo, namafuta akanga ari pamusoro pechiropa chechipiriso chezvivi, wakazvipisa pamusoro pearitari, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
11Nyama nedebwe akazvipisa nomoto kunze kwemisasa.
12Akabaya chipiriso chinopiswa; vanakomana vaAroni vakamugamuchidza ropa, iye akarisasa pamusoro pearitari kunhivi dzose.
13Ipapo vakamugamuchidzawo chipiriso chinopiswa, nhindi imwe neimwe, nomusoro, akazvipisa pamusoro pechipiriso chinopiswa pamusoro pearitari.
14Akasuka ura namakumbo, akazvipisa pamusoro pearitari.
15Ipapo akauya nechipo chavanhu, akatora mbudzi yechipiriso chezvivi, chaiva chavanhu, akaibaya, akaibayira zvivi, seyokutanga.
16Ipapo akauya nechipiriso chinopiswa, akachibayira sezvakanga zvarairwa.
17Akauyawo nechipiriso choupfu, akatsamurapo tsama yake, ndokuchipisira pamusoro pearitari, achiwedzera pachipiriso chinopiswa chamangwanani.
18Akabayawo nzombe negondobwe, kuti chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisira vanhu; vanakomana vaAroni vakamugamuchidza ropa, akarisasa pamusoro pearitari kunhivi dzose;
19namafuta enzombe, neegondobwe, nebemhe, namafuta anofukidza ura, netsvo, namafuta anofukidza chiropa;
20akaisa mafuta pamusoro pechityu, akapisa mafuta pamusoro pearitari;
21Aroni akazunguzira zvityu nebandauko rorudyi, kuti chive chipiriso chinozunguzirwa pamberi paJehovha, sezvakanga zvarairwa naMozisi.
22Zvino Aroni wakasimudzira maoko ake kuvanhu, akavaropafadza; akaburuka, apedza kubayira chipiriso chezvivi, nechipiriso chinopiswa, nezvibayiro zvokuyananisa nazvo.
23Mozisi naAroni vakapinda mutende rokusangana, vakabudazve, vakaropafadza vanhu; kubwinya kwaJehovha kukaonekwa navanhu vose.
24Ipapo moto wakabuda pamberi paJehovha, ukapisa chipiriso chinopiswa namafuta pamusoro pearitari; vanhu vose vakati vachizviona vakadanidzira, vakawira pasi nezviso zvavo.