1Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
2Taura navana vaIsiraeri uti, Kana mukadzi akava nemimba, akapona mwanakomana, uchava usina kunaka mazuva manomwe, uchava usina kunaka sapanguva yaari kumwedzi.
3Nomusi worusere mwanakomana anofanira kudzingiswa chikanda chake chapamberi.
4Zvino mukadzi anofanira kugara mazuva makumi matatu namatatu achizvinatsa paropa rake; ngaarege kubata chinhu chitsvene kana kupinda panzvimbo tsvene, kusvikira mazuva okuzvinatsa kwake apera.
5Asi kana akapona mwana womusikana, uchava usina kunaka vhiki mbiri, sapamazuva okuva kwake kumwedzi; ngaagare achizvinatsa paropa rake mazuva ana makumi matanhatu namatanhatu.
6Kana mazuva okuzvinatsa kwake apera pakupona mwanakomana kana mwanasikana, ngaauye negwayana regore rimwe, kuti chive chipiriso chinopiswa, nakana kenjiva, kana vhukutiva, kuti chive chipiriso chezvivi, kumukova wetende rokusangana kumupristi;
7agochibayira pamberi paJehovha, kumuyananisira; zvino wanatswa pakuyerera kweropa rake. Ndiwo murayiro kunounopona mwana womukomana kana womusikana.
8Kana akasakwanisa kuuya negwayana, ngaatore njiva mbiri kana twana tuviri twenjiva; imwe chive chipiriso chinopiswa, neimwe chipiriso chezvivi; kuti mupristi amuyananisire, anake.