Shona

Syriac: NT

Leviticus

13

1Zvino Jehovha wakataura naMozisi naAroni akati,
2Kana munhu anapakazvimba kana panofunuka, kana chivara paganda romuviri wake, pakaita sehosha yamaperembudzi paganda romuviri wake, anofanira kuiswa kuna Aroni mupristi, kana kuno mumwe wavanakomana vake vapristi;
3mupristi zvino anofanira kucherekedza hosha iri paganda romuviri wake; kana mvere dziri pane hosha dzakashanduka dzikava chena, hosha ikaonekwa kuti yakapinda kwazvo mukati meganda romuviri wake, ihosha yamaperembudzi; mupristi ngaamucherekedze, agoreva kuti haana kunaka.
4Kana chivara chiri chichena paganda romuviri wake, chakaonekwa kuti hachina kupinda mukati meganda kwazvo, mvere dzisina kushanduka, dzikava chena, mupristi anofanira kupfigira munhu uyo une hosha mazuva manomwe;
5nomusi wechinomwe mupristi anofanira kumucherekedza; kana akaona kuti hosha yakaita seyamira, kuti hosha haina kunyenga paganda, zvino mupristi anofanira kumupfigira mamwe mazuva manomwezve;
6zvino mupristi anofanira kumucherekedza nezuva rechinomwe; kana akaona kuti hosha yaita nani, kuti hosha haina kunyenga paganda, zvino mupristi uchareva kuti munhu wakanaka hake; pakanga pakafunuka hapo; ipapo anofanira kusuka nguvo dzake agova wakanaka.
7Asi kana pakafunuka pachiramba pachinyenga paganda, ambozviratidza kumupristi kuti anzi wakanaka, ipapo anofanira kuzviratidzazve kumupristi;
8zvino mupristi anofanira kucherekedza; kana akaona kuti pakafunuka panyenga paganda, ipapo mupristi anofanira kureva kuti haana kunaka, maperembudzi.
9Kana hosha yamaperembudzi iri pamunhu, anofanira kuiswa kumupristi;
10zvino mupristi anofanira kucherekedza; kana akaona kuti pakazvimba pachena paganda, mvere dzikashanduka, dzikaita chena, pakazvimba pakava nenyama yakatsvuka,
11ndiwo maperembudzi anguva avapo paganda romuviri wake, zvino mupristi ngaarege kumupfigira, nekuti haana kunaka, ngaareve kuti haana kunaka.
12Kana maperembudzi akabuda pose-pose paganda, maperembudzi akafukidza ganda rose romunhu une hosha, kubva pamusoro wake kusvikira kutsoka dzake, pose panoonekwa nomupristi;
13zvino mupristi anofanira kutarira; kana akaona kuti maperembudzi akazadza muviri wake wose, anofanira kureva kuti munhu une hosha wakanaka, zvose zvashanduka zvachena, wakanaka hake.
14Asi kana nyama tsvuku ikaonekwa kwaari, uchava usina kunaka.
15Kana mupristi akaona nyama yakatsvuka, anofanira kureva kuti haana kunaka; nyama yakatsvuka haina kunaka, maperembudzi.
16Kana nyama yakatsvuka ikashandukazve, ikaita chena, anofanira kuuya kumupristi.
17Ipapo mupristi anofanira kumucherekedza; kana akaona kuti hosha yashanduka, ikaita chena, mupristi anofanira kureva kuti une hosha yakanaka, wakanaka hake.
18Zvino kana nyama ine mota paganda, pakapora,
19panzvimbo yemota pakauya pakazvimba pakachena, kana chivara chakaita sechitsvuku, zvinofanira kuratidzwa mupristi;
20zvino mupristi anofanira kucherekedza; kana akaona kuti pakadzika pasi peganda, mvere dzapo dzikashanduka dzikaita chena, mupristi anofanira kureva kuti haana kunaka; ihosha yamaperembudzi yabuda napamota.
21Asi kana mupristi akapacherekedza, akaona kuti hakuna mvere chena ipapo, pasina kudzika pasi peganda, asi pava nani; mupristi anofanira kumupfigira mazuva manomwe.
22Kana pakanyenga pose paganda, mupristi anofanira kureva kuti haana kunaka; ihosha.
23Asi kana chivara chikarambira panzvimbo yacho, chikasanyenga, ivanga haro remota; mupristi anofanira kuti wakanaka.
24Kana nyama yomunhu ina pakatsva paganda rake, nyama yakatsvuka yapo ikaita chivara chichena chakaita sechitsvuku kana chichena,
25mupristi anofanira kupacherekedza; kana akaona kuti mvere dzapachivara dzashanduka, dzikaita chena, akaona kuti pakaita sapakadzika paganda, ava maperembudzi akabuda napakatsva; mupristi anofanira kureva kuti haana kunaka; ihosha yamaperembudzi.
26Asi kana mupristi akapacherekedza, akaona kuti hapana mvere chena pachivara, uye kuti hapana kudzika pasi peganda, asi pava nani hapo, mupristi anofanira kumupfigira mazuva manomwe.
27Zvino mupristi anofanira kumucherekedza nezuva rechinomwe; kana pakaramba pachinyenga paganda, mupristi anofanira kureva kuti haana kunaka; ihosha yamaperembudzi.
28Kana chivara chikaramba chiri panzvimbo yacho, chikasanyenga paganda, asi chava nani, ndiko kuzvimba kokutsva hako, mupristi anofanira kureva kuti wakanaka hake, nekuti chivara chokutsva.
29Kana murume kana mukadzi ane hosha pamusoro kana pandebvu,
30mupristi anofanira kucherekedza hosha; kana akaona kuti yakapinda mukati, pasi peganda, mvere dziripo dziri tsvuku dzakaita sechena, dziri nhete, mupristi anofanira kureva kuti haana kunaka; pafunuka, ndiwo maperembudzi omusoro kana endebvu.
31Kana mupristi akacherekedza hosha yakafunuka, akaona kuti haina kupinda mukati pasi peganda, pasina mvere nhema ipapo, mupristi anofanira kupfigira munhu une hosha yokufunuka mazuva manomwe.
32Nomusi wechinomwe mupristi anofanira kucherekedza hosha; kana akaona kuti haina kupinda mukati pasi peganda,
33anofanira kuveurwa, asi ngaarege kuveura pakafunuka; zvino mupristi anofanira kupfigira munhu unapakafunuka mamwe mazuva manomwezve;
34nomusi wechinomwe mupristi anofanira kucherekedza pakafunuka; kana akaona kuti pakafunuka hapana kunyenga paganda, uye kuti hapana kupinda mukati pasi peganda, mupristi anofanira kureva kuti wakanaka hake; zvino iye ngaasuke nguvo dzake, anake.
35Asi kana pakafunuka pakanyenga pose paganda shure kokunatswa kwake;
36mupristi anofanira kumucherekedza; kana akaona kuti pakafunuka panyenga paganda, ngaarege hake kutsvaka mvere tsvuku dzakaita sechena; haana kunaka.
37Asi kana iye akaona kuti pakafunuka paita sapamira, nemvere nhema dzabudapo, pakafunuka papora hapo, wakanaka; mupristi anofanira kureva kuti wakanaka hake.
38Kana murume kana mukadzi vane zvivara paganda renyama yavo, zviri zvivara zvichena;
39mupristi anofanira kuzvicherekedza; kana akaona kuti zvivara paganda renyama zviri zvichena, zvisingabwinyi, imhezi dzakabuda paganda, vakanaka havo.
40Kana vhudzi romunhu rakabva pamusoro wake, wava nemhazha; asi wakanaka hake.
41Kana vhudzi rake rakabva pamusoro wake nechemberi, une mhazha pahuma, asi wakanaka hake.
42Asi kana pamhazha, kana pamhazha yapahuma, pane hosha chena yakaita setsvuku, maperembudzi anobuda pamhazha, kana pamhazha yapahuma.
43Zvino mupristi anofanira kumucherekedza; kana akaona kuti pakazvimba pehosha pachena pakaita sapatsvuku pamhazha yake, kana pamhazha yake yapahuma, pakafanana namaperembudzi paganda renyama,
44munhu uyo una maperembudzi, haana kunaka; mupristi anofanira kureva kwazvo kuti haana kunaka; hosha yake iri pamusoro wake.
45Zvino munhu una maperembudzi, une hosha iyo, nguvo dzake dzinofanira kubvarurwa, nevhudzi romusoro wake rinofanira kufukurwa, uye anofanira kufukidza muromo wake wokumusoro, agodanidzira, achiti, Ndakaipa, ndakaipa!
46Mazuva ose aane hosha iyo, uchava usina kunaka; haana kunaka; ngaagare ari oga; pokugara kwake panofanira kuva kunze kwemisasa.
47nguvowo ine hosha yamaperembudzi, kana iri nguvo yamakushe amakwai, kana iri nguvo yomucheka;
48kana iri yakarukwa, kana yakakoshwa; kana yamucheka, kana yamakushe amakwai; kana yedebwe, kana chinhu chakaitwa nedebwe;
49kana hosha yakaita senhema, kana tsvuku panguvo, kana padebwe, kana pane zvakarukwa, kana pane zvakakoshwa, kana pachinhu chipi nechipi chedebwe; ihosha yamaperembudzi inofanira kuratidzwa mupristi;
50zvino mupristi anofanira kucherekedza hosha iyo, agopfigira chinhu chine hosha mazuva manomwe;
51zvino anofanira kucherekedza hosha nezuva rechinomwe; kana hosha yakanyenga panguvo, kana iri yakarukwa, kana yakakoshwa, kana yedebwe, rine basa ripi neripi; hosha iyo ndeyamaperembudzi akaipa kwazvo; haina kunaka.
52Zvino anofanira kupisa nguvo, kana iri yakarukwa, kana yakakoshwa, kana yamakushe amakwai, kana yomucheka, kana ipi neipi yedebwe, ine hosha iyo; nekuti maperembudzi akaipa kwazvo; inofanira kupiswa nomoto.
53Kana mupristi akatarira, akaona kuti hosha haina kunyenga panguvo, kana pakarukwa, kana pakakoshwa, kana pachinhu chipi nechipi chedebwe;
54mupristi anofanira kuraira kuti vasuke chinhu chine hosha, zvino achipfigire mamwe mazuva manomwezve;
55mupristi agocherekedzazve kana hosha yasukwa; kana akaona kuti hosha haina kushanduka ruvara rwayo, uye kuti hosha haina kunyenga, hachina kunaka; anofanira kuchipisa nomoto; yapinda mukati kwazvo, kana nechapamusoro kana nechapanyasi.
56Kana mupristi akacherekedza, akaona kuti hosha yava nani pakusukwa kwayo, anofanira kubvarura nguvo kupabvisapo, kana padebwe, kana pakarukwa, kana pakakoshwa;
57asi kana ikaramba ichionekwa panguvo, kana pakarukwa, kana pakakoshwa, kana pachinhu chipi nechipi chedebwe, ihosha inobuda; anofanira kupisa chinhu icho chine hosha nomoto;
58asi nguvo yaunosuka, kana pakarukwa, kana pakakoshwa, kana chiri chinhu chipi nechipi chedebwe, kana hosha ikabva kwachiri, chinofanira kusukwa rwechipiri, chigova chakanaka.
59Ndiwo murayiro wehosha yamaperembudzi panguvo yamakushe amakwai, kana yomucheka, kana chinhu chipi nechipi chedebwe, kuti chigonzi chakanaka, kana hachina kunaka.